Vokwesha mombe ‘nhova’
◆ mukuvadzidzisa nezvenzira kwadzo dzekudzivirira chirwere chemahwanda.
“Chirwere ichi chatipedzera mombe uye chiri kunzi chiri kubva kunzvimbo dzinochengetwa mhuka dzakaita senyati. Asi dambudziko rekubiwa kwefenzi inoganhura kunogara vanhu nemhuka ndiro riri kuita kuti chirwere ichi chitekeshere. Vamwe vanhu vave kutogara munzvimbo dzemhuka semuChirisa Game Park,” vanodaro.
Director webazi reDepartment of Veterinary Services, Dr Josphat Nyika, vanoti mafashamu emvura ndiwo akadzorera shure basa rekubaiswa nekudhibhiswa kwemombe sezvo nzvimbo zhinji dzange dzisingafambike.
“Nzvimbo yeGokwe pari zvino haitenderwi kuttengeserana zvipfuyo zveko nemamwe matunhu kusvika zvaonekwa kuti chirwere ichi chanyatsopera.
“Kuwanda kwemvura yekanaya ndiko kwakatinonotsa kuti tipinde mumatunhu mazhinji sezvo kumwe kwainy’udza uye nzizi dzainge dzakazara. Takatotanga kubaisa zvipfuyo nekudhibhisa muGokwe mumazuva atakatozivisa kuvarimi asi vachibhadhara $2 chete, mishonga yose ndeyedu,” vanodaro.
Va no t au r a z v e pamusoro pechirwere chechimbwa mupengo vachiti chinofanira kudzivirirwa sezvo chiri kukonzera rufu kuvamwe vanhu vanenge varumwa nembwa vamwe vachiguma vorasika njere. VaEvison Mabusha — vanova acting senior ranger kubazi reParks and Wlidlife Management Authority kuChirisa Safari — vanotenda Hurumende nekuvawanisa waya itsva inokosha $1 miriyoni yekuisa ruzhowa sezvo yaivepo yakabiwa. “Tange tave nemakore tisina fenzi inoganhura mhuka nekunogara vanhu, saka mhuka dzakaita senyati ndidzo dziri kunzi dziri kuunza chirwere chemahwanda kuzvipfuyo zvemuno,” vanodaro. Zvichakadai, mumiriri weGokwe Sengwa mudare reNational Assembly, Professor Paul Mavima vari zvakare mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, vanoti vanofara nezvirongwa zvebudiriro zviri kuunzwa mudunhu mavo uye vanovimbisa kushanda pamwe chete nevarimi kuti zvipfuyo zvavo zvidzivirirwe zvirwere.