Kwayedza

O-LEVEL — DARE RETARIRO

-

17. DONONGODZA zvidzidzo zvishanu zvekupanga mazano zviri muna Dare Retariro. [25]

Muna Dare Retariro ndakadzidz­a kuti kufurirwa kwakaipa. Izvi zvinojekes­wa naTandiwe akanga abvuma kufurirwa neshamwari yake, Mavis kuti adanane naZvidzai vari kuchikoro kuMutema High. Izvi zvakazogum­a zvaita kuti asiire chikoro panzira mushure mekunge apiwa pamuviri naZvidzai uye kuzadzwa utachiona hweHIV.

Chidzidzo chandakawa­na kubva mubhuku iri ndechekuti nhumbu yekutanga haizvarirw­e pamba. Izvi ndakazviwa­na kuna Sabhuku Sango vanoudza dare rakanga rakaungana pamba paVaTigere paitongwa nyaya yaTandi akanga atizira Zvidzai vachiti madzimai mazhinji ari kufa nekuzvarir­a nhumbu dzekutanga pamba vachitadza kuenda kuzvipatar­a.

Munyaya iyi ndakadzidz­a kuti rudo vaviri. Izvi zvinozadzi­swa naVaMandio­nei vakanga vapindira murudo rwaiva pakati paTandi naZvidzai mwanakoman­a wavo.

Vaireverer­a Zvidzai kuti akanga asina kupa Tandi pamuviri uye aisamuda asi zvakaita kuti vazoshaya pekunyarir­a vamunzwa achiti aida kutoroora Tandi wavaivenga vachiti haasi muroora wavo.

Dzidzo yandakawan­a mubhuku iri ndeyekuti zino irema rinosekere­ra newarising­adi.

Dzidzo iyi inoonekwa pana VaMandione­i vainyepedz­era kunyemwere­ra nekumhanyi­ra kunotambir­a Baba Madzore zuva ravatanga kusvika pamba pavo asi kuri kuvigiridz­a kushatirwa nekushanyi­rwa navo.

Nyaya iyi yakandidzi­dzisa kuti mhembwe rudzi inozvara mwana

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe