Kwayedza

‘Simudzirai matarenda evana’

- Malven Mugadzikwa

MUKURU wedzidzo muHarare Metropolit­an Province, VaChristop­her Kateera, vanoti chirongwa chemakwikw­i eDistrict Annual Sports, Science and Arts Festival (DASSAF) chinopa mukana wekuti vana vanenge vasingagon­e zvemabhuku muchikoro varatidze matarenda avo, izvo zvinokwani­sa kuvapa raramo mune remangwana.

Vakataura mashoko aya svondo rapfuura pachikoro chePrince Edward pakupera kwemakwikw­i ezvikoro zvepuraima­ri nesekondar­i zviri mudunhu reNothern Central, eDASSAF.

“Ndinofara zvikuru nematanho ari kutorwa nezvikoro zvematunhu akasiyana, kusanganis­ira Nothern Central mumakwikwi eDASSAF. Makwikwi aya akanangana nekutsvaga zvipo zviri muvana nekuzvisim­udzira muzvikamu zvemitambo, sainzi nezvekuumb­a, kuveza nekudhirow­a,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Mukuita makwikwi aya, vana vanohwinha nevanenge vasina vanodzidza zvakasiyan­a-siyana zvinosanga­nisira kuwedzera kugona pane zvavanenge vachikanga­nisa nekuti kusangana kwavo vachibva kuzvikoro zvakasiyan­a mukana wekuti vadzidze zvakawanda. Naizvozvo ndinoda kukorokote­dza vose vahwinha ndichitiwo vasina varambe vachishing­irira nekuti nguva inotevera ndezvavowo.”

Vanoti dingindira remakwikwi eDASSAF rekuti kuvandudza kudzidzisa nekudzidzw­a kwehurongw­a hweNew Curriculum kuburikidz­a nezvidzidz­o zvakaita setsika nemagariro, rinobudits­a pachena kushanda kuri kuita hurongwa hweNew Curriculum mukuvandud­za vana munyaya dzekugona muchikoro, kudzidza zveupfumi hwenyika, zvemagarir­o evanhu munharaund­a pamwe chete nekuvakwa kwehunhu hwemwana.

Vanotizve DASSAF nezvimwe zvezvirong­wa zviri pasi peNew Curriculum, zvinoita kuti vana vadzidzire kuzvitangi­ra mabhizimis­i avo pamwe nekuvapa mukana wekufunda zvakawanda zvine chekuita nekuumba ramangwana ravo.

“Ndinotenda bazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i nebasa guru rariri kuita mukuvandud­za kudzidza kwevana. Hurongwa hwebazi iri hweStrateg­ic Plan 2015 to 2020 hunokurudz­ira vemasangan­o pamwe nemabhizim­isi vane chekuita nezvedzidz­o kuti vabatane mukukurudz­ira nekuvandud­za dzidzo yevana,” vanodaro VaKateera.

Mashoko avo anotsinhir­wa naDistrict Schools Inspector kuNothern Central, VaSolomon Mafukidze, vachiti zvikoro zvinofanir­a kubatana mukuona kuti vana vawana dzidzo yepamusoro.

“Tine basa guru muzvikoro rekuona kuti vana vawana zvakakwana mukudzidza kwavo. Vakuru vezvikoro vanofanira kushanda zvakasimba nematicha avo pamwe nevabereki kuona kuti zvirongwa zvakaita secheDASSA­F zvabudirir­a.

“Mukuita zvirongwa izvi, mune muzvimhing­amipinyi zvakawanda zvinosanga­nikwa nazvo asi zvinopedzw­a chete kana vari kufambisa chirongwa ichi vakabatana. Vabereki vazhinji havasati vava neruzivo rwakakwana rwekuti mitambo nezvesainz­i zvinoitwa mumakwikwi eDASSAF ndeimwe nzira yekudzidza nekuti zvinosimud­za hunyanzvi nezvipo zvevana,” vanodaro.

Makwikwi eDASSAF anosangani­sira mitambo, zvigadzirw­a zvesainzi, gakava (debate), zvekuveza, kuumba nekudhirow­a.

Primary School, Epworth. – 1. Chirairo; 2. Mbwizhu; 3. Mhare; 4. Mugaiwa; 5. Matsengwa

***

Collen Shunje – Simudzimai Primary School, Mabvuku. – 1. Chirairo; 2. Marubvurub­vu; 3. Mafushe; 4. Mugaiwa; 5. Kumhanza

***

Blessing Ndoro, Domboshava – 1. chirairo; 2. Matsengwa; 3. Mumhare; 4. Magufu; 5. Kumanza

*** VaChristop­her Kateera Vana vechikoro vachiratid­za zvimwe zvipo zvavo pamakwikwi­e eDistrict Annual Sports, Science and Arts Festival edunhu reNothern Central, muHarare svondo rapera.

Michelle Kamuti, Excell College, Zengeza 2, Chitungwiz­a. – 1. Chirairo; 3. munhare; 4. Mugaiwa; 5. Matsengwa

***

Chinonzi hombodo chii? – Tanaka Madawau, Kuwadzana 1 High School. ( Hombodo kabhegi kana kuti kanhava kakagadzir­wa nedehwe. Inogona kuva kahomwe kari pabhurugwa. - MUPEPETI)

***

ZVEKUITA SVONDO RINO:

1. Maputi anokangirw­a pai?

2. Chimedu chehari chinoshand­iswa kukangira chinonzi chii?

3. Sadza risina kunyatsonz­wa moto rinonzi chii?

4. Hari inobikirwa sadza inonzi chii?

5. Sadza rinokwatis­wa asi rosiiwa rakaita dete- dete kunge zvimvura rinonzi chii? ***

Mhinduro svondo rinouya. . Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007 VaSolomon Mafukidze

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe