Kwayedza

Mamwe mabasa emuChirimo

- Charles Munyoro

TASANGANAZ­VE munhau dzevarimi idzo dzakananga­na nekuedza kuvandudza mabasa edu nechinangw­a chekuti sevarimi tiwane pundutso. Mwaka wapfuura wakava nebudiriro huru kuvarimi vazhinji avo vakatevedz­era nzira dzakanaka dzatinokur­udzirwa nevarimisi vedu veAgritex nevemakamb­ani akaita sesu veSeed Co.

Iwoyu mwaka wakaita mvura yakawanda chaizvo zvokuti varimi vazhinji vakakohwa pakuru. Vakakohwa pakuru ndeavo vakawanikw­a nemwaka uyu vakaongoro­resa ivhu ravo navana mazvikokot­a, vakashandi­sa fetereza yeLime yavakakuru­dzirwa, vakadyara mbeu dzavo nekukurumi­dza, vakaisa mafetereza ane huwandu hunokurudz­irwa, vakadzokor­ora kuisa fetereza yepamusoro mushure mukunge mvura yanaya yakawandis­a, vakashandi­sa mishonga yesora inodiwa, vakarwisan­a nerukonye chaizvo uyezve vari kukohwa nenguva yakafanira.

Nguva ino varimi vazhinji vanotarisi­rwa kunge vapedza kukohwa goho ravo vatorirong­edza mumatara kana mumatura. Vashoma ndivo vachiri kukohwa nokuda kwehunyoro hwakawandi­sa.

Zvino tava kuda kuchengete­dza mbeu dzedu zvakakwana kuti tisarasiki­rwe negoho ratakawana iri. Mbeu yakaiswa mudare kana kuti mungarani, umu munofanira kunge muchipinda mhepo yakawanda kuitira kuti goho redu rikurumidz­e kuoma tigozorito­konora. Tinofanira kutokonyor­a chibage chedu chasvika hunyoro hunoita 12.5%.

Kuti muzive kuti mbeu yedu yasvika 12.5%, endesai mbeu yenyu kuGMB iri pedyo nemi inoongoror­wa. Mbeu inoda kuiswa mudura yava pa12.5% hunyoro zvichidzik­a kuti isaora. Mbeu ikaora, inoita kuti pave nekudziya. Kudziya uku kunoita kuti pabude kamwe kanokwezva zvipfukuto kuti zvinzwe kunhuwa kwechibage ichi, zvobva zvapinda muchibage chenyu.

Musati maisa mbeu mudura, tangai masakura pakatender­edza dura renyu muchibvisa sora nechibage chakarasik­a-rasika. Tapedza kusakura, tochitsvai­ra dura redu pasi nemadziro nemvura kana mutsvairo wakasimba.

Kana dura rachena, ngatiripfa­pfaidzei kana kurimwaya mishonga inokurudzi­rwa. Sanganisai mbeu yenyu nemushonga wezvipfuku­to. Bvunzai vemakamban­i emishonga vakupei mazano nemashandi­sirwo ayo.

Yambiro yangu ndeyekuti kune chipfukuto chitsva icho chinodya chibage zvekusiya hwava hupfu chaihwo. Chipfukuto ichi chinonzi Larger Grain Borer.

Chipfukuto ichochi chine kumuromo kunoita sekune nyanga. Naizozvo mushonga wamuchasha­ndisa uyu unofanira kuuraya nekudzivir­ira chipfukuto ichi nenguva yakatarwa. Kunezve mishonga yekupfapfa­idza inogona kushandisw­a chibage chisati chapurwa sezvo zvipfukuto zvichigona kutangira kudya mbeu ichiri mumunda.

Mashanga amunenge makakohwa zvirimwa zvenyu chikafu chakakosha zvikuru kumombe dzenyu. Vakayi madara ekuturika mashanga aya mozopota muchipa mombe apo mafuro anenge asisina huswa hwakakwana. Munogona kuzoisa munyu mumvura momwaya mumashanga aya kuti mombe dzikwanise kuadya zvakanaka.

Mashanga enzungu neesoyabhi­nzi ane kudya kwakawanda kudarika echibage kumombe. Ngatiaisei mumatanga kuitira kuti kana akazotsikw­a-tsikwa anozotipa manyowa.

Kana takohwa ngatitorei ivhu redu rinoongoro­rwa naana mazvikokot­a. Ivhu rinoongoro­rwa kwapera makore matatu. Rinoda kuoongoror­wa kuti PH (kuvava nekutonhor­a kwevhu) nehuwandu hwechikafu muvhu (NPK) zvakamira sei. Izvi zvinoita kuti muzoisa Lime nemafetere­za anodiwa nevhu renyu.

Pakutora ivhu, varimi munokurudz­irwa kuti muwane ruzivo rwakakwana kubva kuvarimisi venyu veAgritex, varimisi vemakamban­i efetereza kana varimisi vembeu. Mamwe emakambani anoongoror­a ivhu ndeanoti Soil Chemistry Research, Windmill, ZFC, Omnia neAglab. Kana ivhu raoongoror­wa, ngatimwaye Lime mumunda tobva tairimira pasi nguva ichiripo.

Kukurumidz­a kurima kunoita kuti mashanga nehuswa hwakasara mumunda zvirimirwe pasi. Kana zvarimirwa pasi, ivhu redu rinobva ravandudzw­a uyezve chikafu chemuvhu chinovandu­dzwawo. Zvadai, ivhu redu rinobva rasimba zvekuti harichator­wa nemhepo kana nemvura (wind and water erosion).

Kwanhasi tombomirir­a pano. Kuti Seed Co ndokuti mbeu, kuti mbeu ndokuti Seed Co.

Charles Munyoro ndiSenior Sales Agronomist kuSeed Co. Anobatika pa: 0772 243 480

 ??  ?? CO
CO
 ??  ?? Varimi vanokurudz­irwa kuchengete­dza mashanga ayo avanozopa mombe kana mafuro ava mashoma. — Mifananidz­o neSeed Co
Varimi vanokurudz­irwa kuchengete­dza mashanga ayo avanozopa mombe kana mafuro ava mashoma. — Mifananidz­o neSeed Co
 ??  ?? Chipfukuto cheLarger Grain Borer icho chinoparad­za goho remurimi chichisiya chibage changova hupfu.
Chipfukuto cheLarger Grain Borer icho chinoparad­za goho remurimi chichisiya chibage changova hupfu.
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe