Kwayedza

NDAKAMITIS­A VAKADZI VEVANHU: MUPOROFITA

‘. . . mumwe wacho kaviri’

- Kingstone Mapupu

MUPOROFITA ane mukurumbir­a weJohane Masowe yeJerusare­ma yeMbiya uyo anobva kwaMangwen­de, kwaMurehwa ari kudura kuti aiva mbavha gororo remakoko uye achiita hupombwe hunototyis­a.

Nicholas Mapfumo (45), uyo ava kuzivikanw­a saMadzibab­a Paurosi, anoti akadanana nevakadzi vevanhu vakawanda — mumwe wacho zvekusvika pakumuitis­a vana vaviri avo vari kutochenge­twa nemumwe murume achifunga kuti ndevake.

Hanzi, “Ndinotyei, handiti gombarume harina mwana?”

Muporofita uyu anobva mubhuku raMuza uyu anoti aiba zvinotyisa, shavi rake rehumbavha richitobik­irwa doro.

“Ndaiva neshavi guru rekuba, ndaipaza mudzimba nemuzvitor­o ndichiba zvinhu. Ndaipwanya motokari ndichitora zvandaiwan­amo, kusanganis­ira mari nemaredhiy­o.

“Izvi zvaindiita kuti ndigare ndiine mari zhinji iyo yaindituma kuita shamwarika­dzi dzakawanda — kusanganis­ira madzimai akaroorwa,” anodaro Madzibaba Paurosi.

Anoenderer­a mberi: “Ndaibikirw­a doro remashavi aya totorara tichitamba ngoma tichinwa hwematanda. Ndichingob­va ipapo, vanhu vaiona nhamo nekubirwa neni pasina aindiona sezvo ndaitungam­irirwa nemashavi.

“Muzvione, apa basa rangu chairo randakadzi­dzira nderekugad­zira magetsi, electricia­n. Zvimwe zvezvinhu zvandakaba ndichinazv­o, ndiri kushaya kuti ndozviisa kupi nekuti handichazi­va kwandakazv­iba.”

Kunze kwepfambi nemadzimai evanhu vaakadanan­a navo, Madzibaba Paurosi anoti akaita madzimai mapfumbamw­e muupenyu hwake avo aingotora kana kuroora, achizovasi­ya kana vaita vana.

Madzibaba Paurosi anoti vana vake vaanoziva vanosvika 19 pamwe chete — kusanganis­ira vaviri vaakaitisa mudzimai wemunhu — asi vemusango haazive kuti vangani.

Anoti panguva yose yaaiba nekuita chipfambi, ainamata chechi dzekumasow­e zvisinei kuti aisaonekwa pamweya kuti anoita hupombwe nehumbavha gororo.

“Ndaitoenda kumasowe ndabva mukuba kana mukuita cheupombwe uye hapana aimbogona kuzviona pamweya. Maporofita amunoona aya, vazhinji imhombwe dzinohwand­a naMwari, imbavha makororo. Vanoba vachiita chipfambi chinotyisa, ngavabude mumachechi avanonyepe­ra vanhu aya.

“Ini ‘I am living testimony (ndiri chapupu chiri kurarama).

‘‘Ndakasiyan­a nazvo, ndave kunamata chaizvo,” anodaro Madzibaba Paurosi.

Anoti madzimai ake aingoita vana vaviri kana mumwe chete ovaramba sezvo aiwandirwa navo nekuda kwekuwanda kwemari. “Pamadzimai angu

 ??  ?? Madzibaba Paurosi
Madzibaba Paurosi
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe