NDAKAMITISA VAKADZI VEVANHU: MUPOROFITA
‘. . . mumwe wacho kaviri’
MUPOROFITA ane mukurumbira weJohane Masowe yeJerusarema yeMbiya uyo anobva kwaMangwende, kwaMurehwa ari kudura kuti aiva mbavha gororo remakoko uye achiita hupombwe hunototyisa.
Nicholas Mapfumo (45), uyo ava kuzivikanwa saMadzibaba Paurosi, anoti akadanana nevakadzi vevanhu vakawanda — mumwe wacho zvekusvika pakumuitisa vana vaviri avo vari kutochengetwa nemumwe murume achifunga kuti ndevake.
Hanzi, “Ndinotyei, handiti gombarume harina mwana?”
Muporofita uyu anobva mubhuku raMuza uyu anoti aiba zvinotyisa, shavi rake rehumbavha richitobikirwa doro.
“Ndaiva neshavi guru rekuba, ndaipaza mudzimba nemuzvitoro ndichiba zvinhu. Ndaipwanya motokari ndichitora zvandaiwanamo, kusanganisira mari nemaredhiyo.
“Izvi zvaindiita kuti ndigare ndiine mari zhinji iyo yaindituma kuita shamwarikadzi dzakawanda — kusanganisira madzimai akaroorwa,” anodaro Madzibaba Paurosi.
Anoenderera mberi: “Ndaibikirwa doro remashavi aya totorara tichitamba ngoma tichinwa hwematanda. Ndichingobva ipapo, vanhu vaiona nhamo nekubirwa neni pasina aindiona sezvo ndaitungamirirwa nemashavi.
“Muzvione, apa basa rangu chairo randakadzidzira nderekugadzira magetsi, electrician. Zvimwe zvezvinhu zvandakaba ndichinazvo, ndiri kushaya kuti ndozviisa kupi nekuti handichaziva kwandakazviba.”
Kunze kwepfambi nemadzimai evanhu vaakadanana navo, Madzibaba Paurosi anoti akaita madzimai mapfumbamwe muupenyu hwake avo aingotora kana kuroora, achizovasiya kana vaita vana.
Madzibaba Paurosi anoti vana vake vaanoziva vanosvika 19 pamwe chete — kusanganisira vaviri vaakaitisa mudzimai wemunhu — asi vemusango haazive kuti vangani.
Anoti panguva yose yaaiba nekuita chipfambi, ainamata chechi dzekumasowe zvisinei kuti aisaonekwa pamweya kuti anoita hupombwe nehumbavha gororo.
“Ndaitoenda kumasowe ndabva mukuba kana mukuita cheupombwe uye hapana aimbogona kuzviona pamweya. Maporofita amunoona aya, vazhinji imhombwe dzinohwanda naMwari, imbavha makororo. Vanoba vachiita chipfambi chinotyisa, ngavabude mumachechi avanonyepera vanhu aya.
“Ini ‘I am living testimony (ndiri chapupu chiri kurarama).
‘‘Ndakasiyana nazvo, ndave kunamata chaizvo,” anodaro Madzibaba Paurosi.
Anoti madzimai ake aingoita vana vaviri kana mumwe chete ovaramba sezvo aiwandirwa navo nekuda kwekuwanda kwemari. “Pamadzimai angu