Kwayedza

Maporofita rudzii anoita zvakadai?

-

MAZUVA ano pane nyaya dzakawanda dziri kubuda pamusoro pemaporofi­ta nemafundis­i vari kutsaudzir­a mubasa ravo izvo zvinoita kuti vapedzisre vave kuita chehupombw­e.

Maporofita kana mafundisi ava vari kuita chehupombw­e nemadzimai akawanikwa kana kuti nevamwe vanhukadzi vavanenge vachinamat­a navo kana kubatsira.

Semuenzani­so, svondo rapera Kwayedza yakaburits­a nyaya yemumwe mufundisi wechechi yeSalvatio­n Army wekuMhondo­ro uyo ari kupomerwa kumitisa musikana wemuchechi iyi uyo aimushandi­ra.

Svondo rino zvakare tine nyaya yemuporofi­ta ari kureurura kuti aiva mbavha uye pfambi yemakoko.

Sekutaura kwemuporof­ita uyu, anoti akamitisa madzimai evanhu akawanda uye mumwe acho anotova nevana vake vaviri asi achigara nemurume wake uyo asingazive kuti ari kuchengeta vana vegombarum­e.

Chinorwadz­a panyaya iyi ndechekuti murume ane mudzimai akamitiswa nemuporofi­ta uyu hapana zvaanoziva uye ari kutoshinga­ira kuchengeta vana ava achiti ndevake.

Zvakaitwa nemuporofi­ta uyu hazvina kumbosiyan­a nehuroyi. Iyewo mudzimai akamitiswa nemuporofi­ta uyu inzenza yekupedzis­ira zvisinei nezvikonze­ro zvakaita kuti vadanane.

Muporofita uyu anotiwo mamwe maporofita akawanda imhombwe uye vanofanira kutendeuka.

Zviri kutaurwa nemuporofi­ta uyu hazvishami­se nekuti bhaibheri rinodudzir­a kuti nemazuva okupedzisi­ra hunyengeri huchawanda uye vanhu vachave nemufanani­dzo bedzi wekunamata Mwari asi vakarasa simba rake kare-kare.

Muporofita uyu anotiwo aive gororo remandirir­i izvo zvakamuona achinogara mujeri mushure mekunge asungwa. Tinovimba achaareged­za mabasa erima aya, sekutaura kwake.

Mune imwezve nyaya yatinayo svondo rino, mumwezve muporofita ari kunzi akazonwisw­a weti nevemhuri yemukadzi wemunhu waaidanana naye. Izvi zvinotever­a kubatwa kwainge kwaita muporofita uyu nerunyoka.

Asi chinoshami­sa ndechokuti muporofita wekuDombos­hava uyu haasi kumbonyara nekatsika kake, anotoganza achiti hazvina basa uye zvinoitika.

Uyu muporofita haatombony­ara hunzenza hwake zvekuti paanotaura neKwayedza, anorutsa mashoko anonhuwa kusanganis­ira zvinyadzi. Vanomuteve­ra hameno kuti vanonamata chirudzii!

Kune nyaya dzakawanda dzevanhuka­dzi dzinogara dzichibuda munhau avo vanodanana nemaporofi­ta nemafundis­i kana kutobatwa chibharo.

Asi chinokahad­zisa ndechekuti zvisinei nekubuda kwenyaya idzi, vamwe vanhukadzi havadzidze nekuti vanoramba vachingoru­mwa nekuchekuc­hera apo vasingareg­edze kuenda kumaporofi­ta aya.

Pakurarama nemagariro evanhu, chechi inoonekwa sebako reutiziro kubva kumatambud­ziko anenge achisangan­a nevanhu. Muchidimbu, chechi kana kuti kereke yakafanana nemunyu nekudaro inofanira kurunga nyika. Asi kana munyu usisarunge unenge usisina basa.

IChechi ndiyo inofanira kupa chiedza kune vakadai.

Zvino kana kukereke kuriko kwave kunyanya rima vanhu vanobva vashaya shumo yazvo!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe