Kwayedza

Ndini ndakamusot­a: Mukadzi

- Kingstone Mapupu

SHEILLAH Mahari (33), mudzimai waJoseph Mwale — murume wekuChitun­gwiza uyo ari kubuda majuru nemasvosve achitevera sezvinoita vanhukadzi — anotsinhir­a kuti akaenda kun’anga akanogadzi­ra murume wake.

Pakasvika munyori uno pane imwe nzvimbo paive naMahari nemurume wake muguta reHarare, mukadzi uyu akatanga kudya marasha achipopota.

“Iwe zipfambi ( kureva Mwale), ndiwe wauya nemutori wenhau kuti ndigoburit­swa mupepanhau? Zvakazokuw­anaka, waifunga kuti zvinobhadh­ara? Zvino yawaivimba nayo rwava rwizi rweropa, tione kuti uchadanana navo sei vakadzi vacho,” anodaro Mahari achituka murume wake.

Mushure mekudzikam­iswa nemunyori uno, mudzimai uyu anobvuma kuti akaenda kune imwe n’anga uko akanopihwa mushonga wekugadzir­a murume wake.

“Uyu murume wangu wemakore 15 uye tine vana 4, asi ipfambi yemakoko. Saka takamboedz­awo kuidzikami­sa nemishonga. Inguruve yakazvikan­ga nemafuta ayo.”

Mahari anoti akaenda kun’anga iyi katatu akanopihwa mushonga waiva wakatsvuka uyo akanomwaya pamusiwo wemba yavo yekurara, muzvipfeko zvemukati zvaMwale nedzimwe mbatya achitekete­ra zita nemutupo wemurume wake.

Mahari anoti akazoenda kunoratidz­a murume wake n’anga yaive yamupa mushonga uko ava kurapwa.

“Ari kurapwa ehe, takaenda tose. Dzimwe pfungwa ndinoti dai amboramba akadaro,” anodaro.

Mwale akakumbira ruregerero kumudzimai wake pamberi peKwayedza achitoda kusvimha misodzi.

 ??  ?? Mwale nemudzimai wake
Mwale nemudzimai wake
 ??  ?? Shiella Mahari
Shiella Mahari

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe