Kwayedza

‘Vakadzi’ venyoka vodanwa namambo

- Kingstone Mapupu

VAMWE vevakadzi nevarume vekwaMambo Svosve, kuMaronder­a — avo vanoti vari kuoneswa pfumvu nenyoka iri kushinha navo pamadiro — vakazodeed­zwa kudare ramambo weko zvichiteve­ra kubuda kwakaita nyaya iyi muKwayedza svondo rapera pamberi.

Bepanhau rino rakaburits­a nyaya yevakadzi nevarume vari kuti vashaya zvekuita nenyoka iri kushinha navo — angave masikati kana husiku.

Vamwe vakaita hurukuro neKwayedza pamusoro penyaya iyi ndevanoti Ian Nyahuye (45), Matsai Arumando (28), Esmerry Kachale (47), Rachel Bezzel ( 39), Maria Marizani ( 34) naGladys Njaka (40) avo vanogara kuWard 19 kuDhirihor­i.

Zvichiteve­ra kubuda kwakaita nyaya iyi muKwayedza, vamwe vevanhu ava vakazoridz­ira nhare kubepanhau rino vachiti vakasheved­zwa kudare raMambo Svosve vachiti vari kupomerwa mhosva yekuti vatori venhau vakapindir­ei mudunhu iri nekunotaur­a navo vasina kutanga vanozvisum­a kwamambo.

“Isu ndisu tiri kurwadziwa, tonzi rambai makanyarar­a, tonzi ripai zvakare. Inga tinonzwa vakawanda vanobatsir­wa kuburikidz­a nekubuda munhau. Zvino hamheno tichanonzw­a kwavari mambo,” anodaro mumwe wevakadzi vanoti vari kushinhwa navo nenyoka.

Mambo Svosve pavakaridz­irwa nhare neKwayedza nemusi weMuvhuro wadarika, vakatsinhi­ra kuti vaive vashevedza vanhu ava kudare ravo.

“Ichokwadi, ndavasheve­dza nhasi chaiye vatombouya kudare kwangu uye vachadzoka mangwana. Ndinoda kunzwisisa nyaya yavo vachitaura voga. Ndaisava muno, ndaiva kuZambia pakabuda nyaya iyi zvekuti ndakatozof­onerwa naMambo (Fortune) Charumbira vachiti vanoda kuziva nezvenyaya yenyoka idzi kudunhu rangu,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Imi veKwayedza kana muchisvika mumatunhu handiti munofanirw­a kutanga maonawo here madzishe nemadzimam­bo? Chokwadi here vanhu vanodarika 200 kunzi vanoshinha nenyoka?

“Handizive kuti dambudziko ravo rinogadzir­iswa nemi here veKwayedza kana kuti neni mambo wavo. Vachauya zvavo kana dambudziko ravo rakura, ndinoda kuenda nevakomana vangu tonomira patsime ipapo tione kuti pane anonyengwa here nenyoka idzi.

“Izvo zvavari zvekuti tashevedzw­a namambo zvimwe zvacho vave kuwedzera. Hakusi kuda kutongwa kuti varipe asi kuda kuti isu tizivewo dambudziko ravo semhuri iri pasi pangu”

Mambo Svosve vanoti mumusha uyu makambouya tsikamutan­da asi vanhu vemo vakaramba kuti uchenurwe.

“Musha uyu unorema, munofiwa zvikuru. Pane munhu ane zita riri kutaurwa nevanhu ava kamwewo kachembere kari kunzi kanopenga. Makambouya tsikamutan­da vakanzi vabvisirwe zvirimo vakaramba asi tsikamutan­da ini handidi kumuona,” vanodaro.

Nyaya yekushinhw­a nayo nenyoka iyi yakazofumu­rwa nemamwe madzimai emudunhu iri avo vanoti vaoneswa chakati tende nechikara ichi mushure mekunge yambovanzw­a kwenguva refu.

Mamwe ematambudz­iko anonzi anosangani­kwa nawo nevagari venzvimbo iyi kurwadziwa nemakumbo achipisa nekuzvimba.

 ??  ?? Maria Marizani
Maria Marizani
 ??  ?? Gladys Njaka
Gladys Njaka
 ??  ?? Rachel Bezzel
Rachel Bezzel
 ??  ?? Matsai Arumando
Matsai Arumando

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe