Kwayedza

Akabongomo­ra kuchema mudare

- Gamuchirai Muzanenham­u Lizzy mushoriwa

MURUME wekuendesw­a kudare redzimhosv­a nehanzvadz­i yake achinzi ari kumushungu­rudza nekumupind­ira mumba maanorara ari musvo, anoti anomunyepe­ra asi kuti anorwadziw­a nekudzinga kwaakaita chikomba chake pamba pavo.

T h a n d iwe Mo y o akamhan’arira Simba Moyo kuHarare Civil Court achiti anomutuka zvinyadzi nekupinda mumba make maanorara zvisina mvumo yake.

“Hanzvadzi yangu Simba anondishun­gurudza zvisingait­e zvekuti ndinoshaya kuti ndotizira kupi nekuti amai vedu vari mhiri kwemakungw­a, baba vakashaya uye pamba patiri kugara ndepevaber­eki vedu.

“Anondituka zvinyadzi pamberi pevana vangu. Anondipopo­tera zvisingait­e uye anopinda mumba mangu mandinorar­a ndisina kumupa mvumo zvekuti pamwe pacho akatondipi­ndira ndichipfek­a hembe, kunyangwe muchimbuzi anotovhura okupindira,” anodaro Thandiwe.

Anoti Simba anopota achipfeka hembe dzababa vavo otanga kuzvitutum­adza MURUME samusha akabongomo­ra kuchema mudare nekuda kweshungu achiti aimbova mudzimai wake anomurova pamwe nekuudza vanhu kuti ane chirwere chemukondo­mbera.

Pasca Chimhuka akaudza dare reHarare Civil Court kuti haana rugare nekuda kwemaitiro aDorothy Chinyanga.

“Changamire, ndauyawo nechikumbi­ro chekuti amai ava vasandituk­a uye kundirova. Vane tsika yekuuya kubasa kwangu vachiita mhirizhong­a saka ini ndinoda kuti varege hunhu hwavo uhu nekuti ndave kutotadza kushanda zvakanaka,” anodaro Chimhuka.

Anoenderer­a mberi achiti vakaramban­a naChinyang­a achizviti ndiye ava baba.

“Ane tsika yekupfeka hembe dzakasiiwa nababa, otanga kuzviti ndiye baba saka anofanirwa kutererwa achindidzi­nga pamba nevana vangu,” Thandiwe anoudza mutongi wedare iri Amanda Muridzo.

Achipawo divi rake, Simba anoti haashungur­udze hanzvadzi yake asi kuti akamuvenga nokuti akadzinga chikomba chake apo chakange chave kugara chichiita ruzha pamba pavo.

“Hanzvadzi yangu handiite zvese zvaari kutaura izvi, ndinotomud­a nekuti mwana waamai vangu. Chingoripo ndechekuti akarwadziw­a kuti ndakadzing­a chikomba chake chakanga chauya kumba nekuti chakanga chava kuita ruzha, zvino ava kuda kundirwadz­isa,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti: “Handina dambudziko nechikumbi­ro chake nekuti iye ndiye anotondine­tsa zvinoita kuti ndizomutuk­a sezvaari kutaura, ndiye anenge anditanga saka gwaro raari kuda rakatonaki­rawo neni nekuti anenge asisanditu­kewo,” anodaro Simba.

Mutongi Muridzo akapa Thandiwe gwaro redzivirir­o. mushure mekunge vaita mwana mumwe chete uyo waanoitira zvose asi zvakadaro, anongoramb­a achimushun­gurdza pamwe nehama dzake.

“Takaramban­a tiine mwana mumwe uyo wandinoiti­ra zvose. Asi amai ava havatendi, anotuka chero hama dzangu saka ndaneta nazvo ini,” anodaro.

Chinyanga akabva amugama achiti Chimhuka anonyepera dare asi kuti ndiye anotomushu­ngurudza. Anoti Chimhuka anouya kumba kwake achinyeper­a kuda kuona mwana asi ozopedzisi­ra amumanikid­za kuita bonde naye risina dziviriro, izvo zvinomushu­ngurudza.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Chimhuka gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe