Kwayedza

Vavakidzan­i vopumhana huroyi . . . ‘UNE NYOKA INODIRIDZA MUMUNDA’

- Gamuchirai Muzanenham­u

VAVAKIDZAN­I vakadhonze­rana kumatare edzimhosva vachipomer­ana huroyi apo mumwe ari kunzi ane nyoka inomudirid­zira zvirimwa zvake mumunda izvo zvinoita kuti ave hurudza.

Ett inah Kamangi ra akamhan’arira Petronella Karembera kuHarare Civil Court achiti ari kufamba achiudza vanhu kuti ane nyoka inomudirid­zira munda wake uye kuti muroyi.

“Changamire wangu, mukadzi uyu muvakidzan­i wangu, asi ari kundiitira godo nekuti zvirimwa zvangu zvakaita kudarika zvake. Zvino ava kufamba achiudza vanhu kuti ndine nyoka inopota ichindidir­idzira zvirimwa zvangu ndokusaka ndakakohwa pakuru. Asika, nyoka haingodiri­dze pasina kurimwa?”

Anoenderer­a mberi achiti: “Ari kundipumha huroyi achiudza vanhu kuti ini ndinoroya, ndakaroya muroora wangu akafa.”

Kamangira anoti munharaund­a yavanogara vanhu vese havachada kutaura naye nekuti vave kutya kuti vanoroyiwa sekutaura kwaKarembe­ra. “Vanhu vave kutya kutaura neni vachiti pamwe ndinovaroy­a uye nyaya yenyoka ndiyo yava kutowedzer­a. Vana vangu vave kutotya kufamba kana shamwari havasisina nekuda kweizvozvo.

“Ini haisi mhosva yangu kuti muroora wangu akafa uye kuti ndine goho kuvadirika ivo, dzingori nungo dzavo, vaitondion­a ndichisaku­ra asi nhasi vave kutaura zvisina basa,” anodaro mumhan’ari Kamangira.

Karembera anoti zvese zviri kutaurwa nemumhan’ari ndezvekuny­epa uye dambudziko rakatanga Kamangira paakaenda kumapurisa achiti arohwa nemumwe muvakadzik­ani wavo anonzi Director Garamwera apo iye akazove mufakazi pakaenda nyaya iyi kudare.

“Zv at aur wa zve s e manyepo, ini handivapum­he huroyi kana kuvati vane nyoka asi chingoripo ndechekuti vakatsamwa kuti ndakanopup­ura kudare kuti Director aiva asina kuvarova sezvavaimu­pomera nekuti ndakanga ndiripo pavakanets­ana. Vava kungotsvag­a nyaya dzekuda kutisungir­irawo,” anodaro Karembera.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Kamangira gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe