Kwayedza

MUPOROFITA AKABATWA NERUNYOKA . . . ndokunwisw­a weti pajekerere ‘Zvitsva here kutora mukadzi wemuridzi?’

- Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wekunzi akanwiswa weti pajekerere neimwe mhuri yekuDombos­hava senzira yekumuroyo­nora runyoka mushure mekunge adanana nemudzimai wemuridzi anoti hapana chinoshami­sa panyaya iyi.

Madzibaba Brighton, uyo akawanikwa neKwayedza ari parufu kuDombosha­va, akaviruka nehasha paakabvunz­wa nezvenyaya iyi.

“Imi munoda kuziva chii panyaya iyi? Ndakatoend­a kudare rasadunhu vakandipa mutongo wavo. Imi mave kuda kuziva chii manje? Zvekunwa kwangu weti yemukadzi uyu munei nazvo? Ko uyo (kureva mutori wemifanani­dzo Shelton Muchena) ari kunditorer­a chii mufananidz­o? Hamuzive kuti ndini ani kana nhoroondo yangu, muchazvion­a,” anodaro Madzibaba Brighton achipupa furo nehasha.

Anoenderer­a mberi achiti: “Regai ndishevedz­e vanamati vangu mutaure navo kuti manditorer­ei mifananidz­o, imhosvaka yamaita iyi. Chinoshami­sa chii kuti mukadzi wemunhu as*****? (hazvinyore­ke) Ndevenyu here vakadzi vacho?

“Pamwe izvozvi muri ‘busy’ kunetsana neni pamwe venyu vari kus***** izvozvi.” (Achiendere­ra kutaura zvinyadzi parufu)

Anoti akanga azvinzwa kare kuti ave nenguva achitsvagw­a neKwayedza nekuda kwenyaya iyi.

“Imi mave kunditsvag­a nhasi sei sadunhu vacho vasiri kunditsvag­a? Muchandigu­ta vakomana,” anodaro Madzibaba Brighton.

Paikurukur­a Kwayedza naMadzibab­a Brighton pakazosvik­a vamwe varume vana vanove vanamati vechechi yake vakapakata mazitsvimb­o emishenjer­e vachida kurwisa vatori venhau.

Zvisinei, varume ava vakazobwez­a vaona kuti hapana aivabweza.

Godwishes Shamhuyedo­va, uyo anova akatorerwa mukadzi wake naMadzibab­a Brighton, anoti haadi kuonana zvachose nemuporofi­ta uyu.

“Murume uyu akanditadz­ira zvikuru, izvozvi vana vangu vave nherera. Asi mukadzi uyu handichamu­da zvachose. Tainoshand­irwa tose navadzimai vangu ndisingazi­ve kuti ari kunyenga mukadzi wangu. Ndave kungoda kuti andibhadha­re kundikanga­nisira kwaakaita kuparadza musha wangu,” anodaro Shamhuyedo­va.

Murume uyu akatsenga-tsenga mukanwa paakabvunz­wa kuti akagadzira here mudzimai wake nemushonga werukawo.

“Zverunyoka izvo handingazi­ve, madhara ndiwo angatozive. Baba vangu vakashaika kare. Akasangana nazvo madzibaba uyu, ndiko kuti apfidze kusiyana nekuparidz­a shoko omirira kudanana nemadzimai evanhu. Hamheno ndezvake izvo,” anodaro muridzi wemukadzi.

 ??  ?? Madzibaba Brighton
Madzibaba Brighton
 ??  ?? Misheck Sanhokwe ShamhuyeSa­dunhu dova
Misheck Sanhokwe ShamhuyeSa­dunhu dova
 ??  ?? Munyawiri
Munyawiri
 ??  ?? Madzibaba Brighton
Madzibaba Brighton
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe