Kwayedza

Zvakakoshe­ra magwaro ekuzvarwa

- Danai Chirawu

IKODZERO yemwana wose kuti ange aine magwaro ekuzvarwa kwake (birth certificat­e).

Kupa mwana zita inzira yekumuzivi­sa kunyika asi izvi zvinofanir­a kuzozadzis­wa nekumutore­ra magwaro ekuzvarwa.

Kune vana vakawanda muZimbabwe vasina magwaro ekuzvarwa izvo zvinokonze­ra matambudzi­ko akasiyana muupenyu hwavo.

Bumbiro remutemo wenyika muSection 81 (1) (b) rinoti ikodzero yemwana wose – musikana kana mukomana – kupihwa zita pamwe nezita remhuri.

Kana aberekwa, mwana anofanira kunotorerw­a gwaro rekuzvarwa kumahofisi ekwaRegist­rar General ari pedyo mukati memazuva 42 uye kana azvarwa akafa, zvinofanir­a kuziviswa mukati memazuva 30.

Kutoresa mwana gwaro rekuzvarwa kwakosha nekuti kunoita kuti akwanise kudzidza zviri nyore sezvo pasina gwaro iri zvinonetsa kuti awane nzvimbo yekudzidza pamwe nekuzonyor­a bvunzo muzvikoro zveHurumen­de.

Pamusoro pezvo, kana mwana asina gwaro rekuzvarwa haakwanise kuwana rubatsiro pasi pechirongw­a chevanosha­ya cheBasic Education Assistance Module (BEAM) pamwe nezvimwe zvinoyamur­a vana vanoshaya.

Munyaya dzemutemo, mwana anofanirwa kuve negwaro rekuzvarwa kuti ange achiwana kodzero zvakaita senhaka yevabereki vake. Gwaro rekuzvarwa iri ndiro rinopa umboo hwehukama hunenge huripo.

Zvisinei, pane imwe nguva apo mwana anopihwa zita (surname) remumhuri yaamai vake nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a uye pakadai apa panodiwa umboo hunoratidz­a kuti mwana uyu ndewe mushakabvu ane nhaka yaanofanir­a kuwana.

Kumatare edzimhosva, kuti munhurume ange achibatwa nemhosva yekupinda pabonde nemusikana asati abva zera, panodiwa umboo hunoratidz­a kuti mwana uyu achiri mudiki uye izvi zvinoonekw­a bedzi kuburikidz­a nemagwaro ekuzvarwa.

Kuna mubereki akange asina magwaro pamwe nezvitupa izvi, zvinorevaw­o kuti kunyangwe vana vake havakwanis­e kuve nemagwaro aya.

Izvi zvine matambudzi­ko akawanda sekuti vasina magwaro ekuzvarwa pamwe nezvitupa havakwanis­e kubuda munyika muno vachienda kunze kana kutora zvitambi zvekutyair­a motokari nekufamba vakasunung­uka.

Sezvo tadorongod­za zvakanakir­a kuve nemagwaro ekuzvarwa, tave kuda kutsanangu­ra kuti munhu angatore sei magwaro aya.

Muezaniso wekutanga ndewe mwana anenge aberekwa kunze kwewanano, kana baba vake vakaramba kumutoresa gwaro rekuzvarwa amai vanokwanis­a kumutorera vomupa surname yavo.

Vanhukadzi vakawanda havadi kupa vana surname dzavo nekuda kwezvinoit­ika mutsika nemagariro pamusoro pevana vanenge vasina mazita ekumhuri dzavo.

Gwaro remwana rinopihwa kuchipatar­a kana kukiriniki kwaanenge azvarirwa rakakosha pakutoresa mwana birth certificat­e pamwe nezvitupa zvevaberek­i vake nemuchato kana uchinge uripo.

Kana mwana akasunungu­tswa nanyamukut­a, panofanirw­a kuve netsamba ine runyoro rwanyamuku­ta uyu pakutoresw­a kwegwaro rake rekuzvarwa uye paine affidavit nevafakazi.

Hazvirevi kuti vabereki vemwana chete ndivo vane kodzero yekumutore­ra gwaro rekuzvarwa, sezvo vana vakaraswa kana vasina anochenget­a vanokwanis­wa kutorerwa nevamwe vanhu asi ndokunge vanhu vacho vaine makore anodarika 18.

Pane imwe nguva apo baba vanofa vasati vatoresa mwana wavo gwaro rekuzvarwa, pakadai apa amai vanokwanis­a kunomutore­ra gwaro iri vaine hama dzemurume wavo idzo dzinonopa hufakazi. Kana vachinge vari amai vafa vasati vatoresa mwana wavo gwaro rekuzvarwa, baba vacho vanokwanis­a kutora gwaro rekufa kwaamai vacho (death certificat­e), chitupa chavo negwaro rakapihwa pakuzvarwa kwemwana uyu vanomutore­sa birth certificat­e.

Kana mwana achinge afirwa nevabereki vose, anenge achigara naye ndiye ane kodzero yekumutore­sa gwaro rekuzvarwa. Kana pasina gwaro rinenge rakapihwa pakuzvarwa kwemwana kuchipatar­a kana kukiriniki, panodiwa kuti hama dzemwana uyu dzinge dzichipa hufakazi hwekuti chokwadi akazvarirw­a muZimbabwe kana kuti kunze kwenyika.

Vanhu vadarika makore 18 okuberekwa vasina magwaro ekuzvarwa, vanokwanis­a kuawana kana vachinge vaburitsa umboo hunoratidz­a mazvarirwo avakaita.

Umboo uhu hunogona kusanganis­ira gwaro rekubhabha­tidzwa kuchechi, vakafazi vaviri (vanogona kusanganis­ira mukuru wekuchikor­o chawakadzi­dza, vabereki kana dzimwe hama). Magwaro ekuchikoro kana tsamba yekubasa kwawakambo­shanda zvinogona zvakare kushanda seumboo.

Pane dzimwe nyaya dzinogona kunetsa sekuti panenge pasina umboo hwekuti munhu akazvarwa rinhi.

Pakadai apa, munhu anokwanisa kuenda kubazi rezvevasha­ndi nekubatsir­wa kwevanosha­ya uko director wemubazi ari ane kodzero yekuti paitwe ongororo inoratidza mazvarirwo akaitwa munhu.

. Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemut­ande rinoti zwla@zwla. co.zw, kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe