Kwayedza

Bhuku idzva reChiShona Gore Rechitatu

-

Bhuku iri rinoendera­na zvakanyany­a negwaro idzva rekuvandud­za dzidzo munyika, reNew Curriculum. Rine zvidzidzo zvinobata mudzidzi wose zvake, kusanganis­ira wemudhorob­ha, kumaruwa, kumigodhi nekumapura­zi. Zvidzidzo zviri mubhuku rino zvakarongw­a zvine unyanzvi uye nemutauro wakareruka kuvadzidzi uchinyatso­nzwisisika.

Ventures Gore ReChitatu ChiShona rinodzidzi­sa manyorero akanaka emavara. Rinopazve vadzidzi mukana wekuratidz­a kunzwisisa kwavo zvavanenge vadzidza kubudikidz­a nekuvapa basa rakawanda pamwe nekupindur­a mibvunzo yenzwisiso.

Bhuku iri rinopa mudzidzi nemurairid­zi mukana wedzokoror­o pakupera kwezvikamu zviviri zvoga-zvoga, izvo zvinoita kuti vadzidzi vatambanud­ze njere dzavo uye vasakangan­we zvavadzidz­a. Mienzaniso yebasa muzvidzidz­o zvizhinji iri mubhuku iri inobatsira mudzidzi kuti anzwisise chidzidzo pamwe nekuti agone kushandisa bhuku iri ari oga. Mifananidz­o yakajeka uye inoyevedza inotsinhir­a zvidzidzo zviri kudongongo­dzwa zvinoita kuti vadzidzi vafarire kuverenga.

Bhuku reGore Rechitatu rakanyorwa zvine unyanzvi kubudikidz­a nemutauro wakapfuma unosangani­sira tsumo, madimikira, nyaudzosin­gwi nefananidz­o. Zvirungamu­tauro izvi zvinoshand­iswa zvine utesve munyaya dziri mubhuku dzinosanga­nisira ngano dzapasichi­gare, nhetembo, mitambo neuvaranom­we hwechinyak­are nehwanhasi.

Nyaya dziri mubhuku dzinoita kuti vadzidzi vayemure nekuchenge­tedza nhaka yatakapiwa muhupenyu hwedu inosangani­sira ivhu, zvicherwa, miti, mvura nemhuka.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe