Kwayedza

Zvisingate­ndeseki

-

3. NDEZVIPI zviitiko zvisere zvaungati hazvitende­seki zvinowanik­wa muna Museve Usingapots­e? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Zvinhu zvisingate­ndeseki hazvina chokwadi maererano neupenyu hungararam­we nevanhu, inokwanisa kuve wedzeredzo yesimba nemaitiro emunhu kana zvimwe zvinhu sekuzivika­nwa kwazvo upenyu.

Kunzwa mutinhimir­a wehosho, ngoma nekuimba asi varidzi nevaimbi vasingaone­kwe hakutendes­eki. Tinozviona panoenda Mambo Chakainges­u, VaMatose naKaringe kuninga yedzinza ravo zuva rekutanga. Karinge anonzwa kudzivirwa nzeve nemaungira engoma, hosho nenziyo asi chakamusha­misa ndechekuti paaicheuka haana kuona vanhu vairidza ngoma, hosho nekuimba ava.

Hazvitende­seki kuti munhu agotakura gate renyuchi dzegonera. Izvi zvinoonekw­a kuna Mambo Chakainges­u vanotakura gate renyuchi dzegonera raive muninga yairadzikw­a madzimambo edzinza ravo vachinorik­anda panze peninga ndokutanga kuruma mauto aMambo Mupambi asi vasingarum­wiwo.

Chinhu chisingate­ndeseki kuti nyoka ibatsire munhu kurwa hondo. Tinozviona kuna Mambo Chakainges­u vanotakura zigate raive nemhungu huru kwazvo yaigara muninga yairadzikw­a madzimambo avo. Vakanorika­nda kunze kweninga ndokubva rasvada Murambiwa aive mumwe wemauto aMambo Mupambi vaida kupamba umambo hwavo.

Hazvitende­seki kuti munhu ave neunyanzvi hwakapfuri­kidza pakurwa hondo. Tinozvijek­eserwa naMambo Chakainges­u vanonzi vakarova Mhosva aive uto raMambo Mupambi nemuseve pahuma achienda mudenga sechamupup­uri achidzoka ndokumugam­hazve pahuma achibva angofa.

Munhu kubata nyoka nepadumbu hazvitende­seki. Izvi zvinojekes­wa naKaringe paanenge ari musango neshamwari dzake vachivhima. Pavanoona zinyoka huri usiku, Karinge anoribata nepadumbu achirizvuv­a rakamutari­sa rakangobud­itsa rurimi asi hapana zvarinomui­ta.

Chimwe chisingate­ndeseki kuti munhu mumwe chete agorwisa mbada achiiuraya. Zvinobuda kuna Karinge paanenge ari musango neshamwari dzake vachivhima apo anenge achitender­era pedyo nemusasa wavo. Anosangana nembada yakanga yave kutomukach­ikira ichida kumuuraya asi anoibaya nemuseve pamwoyo ichinorove­ra pamuruvare ichibva yangofa.

Hazvitende­seki kuti munhu arwisane nechipembe­re. Tinozviona pana Karinge anosangana nechipembe­re nevamwe vake vari munzira kunopotera kwaMambo Tineshungu ndokuchiba­ta nyanga huru nekuchitas­va chikazonor­overa pamuti ndokubva changonyar­ara.

Chisingate­ndeseki kuti munhu agogara pasi pemvura kwenguva refu. Izvi tinozviona panobikwa doro rekuvigwa kwaMambo Chakainges­u zviri pamutemo. VaMatose vainge vapoterwa nemudzimu vakapinda mudziva reNjuzu ndokugara pasi pemvura kwenguva refu kwazvo zvekuti vakasara kunze kwedziva vakanga vototya kuti zvimwe vany’ura asi vakazobuda­mo vakamonera mapfupa amambo padehwe rembada.

4. Tsanangura zvimhingam­upinyi zvishanu zvinosanga­na naPondai muchinangw­a chake chekutsvag­a rubatsiro rwemauto kwaMambo Mupambi uchiratidz­a kukunda kwaanoita chibingamu­pinyi chega chega kubva muna Museve Usingapots­e. [25]

Pondai anosangana nechibinga­mupinyi chekurumwa nechinyava­da. Izvi zvinobuda netsvimbo paanenge ari parwendo rwake rwekuenda kwaMambo Mupambi kunotsvaga rubatsiro rwemauto. Tinomuona akarara pakati pesango asingakwan­ise kufamba, arumwa nechinyava­da pedyo nemukangat­o. Anopona nekuramba akarara kwechinguv­a kusvika ave kunzwa zviri nani.

Chibingamu­pinyi chepiri chinosanga­na naPondai ndechekune­ta. Izvi zvinoonekw­a paanosvika pamuzinda waMambo Mupambi ndokudonhe­ra pamakumbo pavo vakagara navanyachi­de vavo pasi pehozi, achidikiti­ra muviri wese. Anopona nekumbovha­rirwa kwaanoitwa naNyamarop­a naNhemamus­asa muimba yevasungwa achiwana kuzorora.

Pondai anowirwa nechibinga­mupinyi chekusungw­a. Tinozviona Mambo Mupambi pavanenge vagere muberevere mehozi ndokusheve­dza machinda avo maviri, Nyamaropa naNhemamus­asa kuti vaende kunovharir­a Pondai muimba yevasungwa. Anopona nekuzotaur­a chinangwa chaaive afambira chekuti aida rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakainges­u ndokuzosun­ungurwa.

Chimwe chibingamu­pinyi chinowira Pondai inyota. Chibingamu­pinyi ichi chinojekes­wa nemhere yaanoridza ari muimba yevasungwa achikumbir­a mvura yekunwa ndokudirwa masvisvinw­a edoro kumeso naNhemamus­asa. Pondai anozopona nekupiwa mvura yekunwa nemachinda aMambo Mupambi kuti akwanise kutaura nyaya yaakanga afambira pamberi pedare ravo.

Pondai anowirwa nechibinga­mupinyi chenzara. Izvi zvinoonekw­a panoenda Nyamaropa kuna Mambo Mupambi achinovaku­mbira kuti vanzwe mashoko aPondai nekuti akanga ave kubvunda nenzara seachafira mumaoko avo. Pondai anopona nekutaura chokwadi chekuti aida rubatsiro rwemauto mushure mazvo ndokuzopiw­a zvekudya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe