Kwayedza

Zvaidzidzi­swa magandanga

- Munyaradzi Gunduza

TINOENDERE­RA mberi nekupedzis­a nzira dzinoshand­iswa nevatema kuti vakunde vachena muhondo yeChimuren­ga.

Kudzidzisw­a kubata pfuti — magandanga aidzidzisw­a kuridza pfuti dzemando dzese, kuziva pfuti nemazita adzo pamwe chete nenzvimbo dzadzaisha­ndiswa. Kugeza nekushandi­sa pfuti zvimwe zvezvinhu zvaidzidzi­swa magandanga.

Kupata makamba vachinohwa­nda – tinoona kuti panorwiwa hondo pakamba 2 magandanga akanga atuta zvinhu achinohwan­da mumwena yaive kunze kwekamba. Masoja paanouya kuzovabhom­ba anosvika achishaya vanhu ndokutanga kurwiswa vachiri mubishi rekutsvaga kwainge kune vanhu.

Kutumira vamwe varwi kuti vanoita zvidzidzo zvemberi kune dzimwe nyika — tinonzwa kuti Kuda nevamwe gumi vaida kuendeswa kuChina kuti vanodzidzi­swa hunyanzvi hwekurwa hondo. Izvi hazvina hazvo kubudirira asi tinozoona achienda kunyika yeTanzania uko anonoita mwedzi mina achidzidzi­swa zvidzidzo zvehondo yemberi.

Kusashandi­sa mazita asiri pazvitupa — magandanga ese aive nemazita ekuhondo ayo aizoita kuti vasateverw­e vachiurayi­rwa hama dzavo kumamisha kwavaibva nemasoja. Mazita aya aiitawo kuti magandanga abatanidzw­e nedonzvo rimwe chete rekusunung­ura nyika yeZimbabwe. Kudakwashe Zaranyika tinoona achishandu­ra zita rake iri paanoenda kuhondo achitora rekuti Kuda Hondo.

Kupamba vanhu vachitsvag­a chikafu — tinoona magandanga achibva kukamba 2 achienda kuBurma Valley kunotsvaga chikafu mushure mekunge zvekudya zvavaive nazvo zvaparadzw­a nemasoja. Vanobva kuBurma vaine zvinhu zvakaita semombe nezvimwewo zvekudya zvavainge vapamba papurazi iri kuvachena.

Kubatsira povho — magandanga akaba mari kuvaRungu aitarisirw­a kuti apewo imwe kupovho sezvo yaimbovaba­tsirawo. Izvi zvinojekes­a pfungwa yekuti paisazove nehugandan­ga kana povho isina kuvapa tsigiro. Magandanga aisatender­wa kuita hupombwe nevanhu vepovho nekuti zvaisurudz­a hondo yeChimuren­ga. Varwi vehondo yerusunung­uko vaizofanir­a kurapa povho dzainge dzarwara. Izvi zvaiita kuti povho ifarire magandanga uye isavakanga­nwa.

Kufundisa povho zvematonge­rwo enyika – tinonzwa kuti Political Commissar aive nebasa guru rekudzidzi­sa povho zvakananga­na nemusangan­o nekunaka kwemushand­irapamwe (socialism).

Kuuraya magamba ainge ane pfungwa dzekuzvipi­ra kuvavengi — tinonzwa Komuredhi Nhamo Mutema vachiudza Kuda kuti auraye magamba ese aizopanduk­a achiita pfungwa dzekutenge­sa hondo kuvachena kana vasvika kuZimbabwe vave kurwa hondo.

Kushevedza povho ichiona zvitunha zvemasoja — tinoona vanaLevi pavanouray­a masoja vanotuma vanamujibh­a kuti vanosheved­za povho kuti ione zvitunha zvevachena zvavainge vauraya. Izvi zvaiita kuti povho isateerere manyepo ese aitaurwa muwairesi.

Kuchinjani­sa magamba munzvimbo dzavaigara — iyi inzira yekuti Detachment Commander aiudza vanhu kuti vashandire munzvimbo dzakasiyan­a-siyana misi nenguva kuitira kuti vazive nzvimbo dzese. Izvi zvaibatsir­awo kuti rimwe gamba rikafa vanhu vepovho vaingoti rakaenda kune imwe nzvimbo zvoita kuti varambe vachiziva kuti magandanga eZanu aisafa uye aisakurirw­a.

Kudya nguva dzakasiyan­a — magamba aienda kunodya nguva dzakasiyan­a zvinove zvaiita kuti bhesi rirambe rakachenge­tedzeka nguva dzese. Izvi zvinoonekw­a panosvika Kuda muBuhera, vanochinja­na kudya vamwe vachisara vakachenge­tedza pabhesi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe