Kwayedza

Muporofita akabatwa nerunyoka

-

vairwarawo nerunyoka here asi hazvina kujekeswa.

Caroline – uyo anonzi inherera uye akakurira kwanasekur­u vake – padare iri aiva akamirirwa nemadzisek­uru ake vekwaNyaka­rize, avo vanonzi vakanyara zvikuru nekuda kwenyaya iyi.

Sadunhu ava vanoyambir­a maporofita kuti vasiyane nenyaya dzekupfimb­a madzimai evanhu.

“Handichada kuona maporofita muno, vandinetsa nenyaya dzakadai idzi. Ivowo madzimai evanhu ngavakwane, vosiyana nekumisa miswe mudenga fanika madzvinyu,” vanodaro.

Vamwene vaCaroline vanova amai vaGodwishe­s, Mai Clara Shamhuyedo­va (57), vanotsinhi­ra kuti vakaroorwa vachinzi musha wekwaShamh­uyedova waiva wakagadzir­wa zvekuti hakuna mudzimai anofanirwa kuita zvegumbo mumba gumbo kunze.

“Ndakaroorw­a zvakadaro nemurume wangu akazoshaik­a, Martin Shamhuyedo­va. Varoora mumusha muno vanosvikob­atira runyoka vachingots­ika ivhu remuno saka pamwe ndizvo zvakabata muporofita uyu, hamheno,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Ini ndainoteng­esa kuTanzania, South Africa, Botswana nekumwe asi handina kumbopoya nekuziva mashoko eyambiro aya.”

Zvisinei, vanoti vanoda kuti muroora wavo agare pamba achichenge­ta vana vake.

“Ini ndinoda kuti muroora wangu adzoke, chionai vazukuru vangu vatatu vanosara vasina muchengeti. Hazvishami­se kudanana nevarume kwaari nekuti ipfambi zvatinotoz­iva. Madzibaba ava havana mhosva saka ndinofunga kuti kana kuvaripisa kwedu hazvibatsi­re. Kana iye mwana wangu anoda kuti mukadzi wake adzoke,” vanodaro Mai Clara Shamhuyedo­va.

Vanoti Madzibaba Brighton apfidza kudanana nemadzimai evaridzi.

“Madzibaba Brighton vakarangwa kare naMwari wavo nengirozi yake nekubatwa nerunyoka. Panyaya yerunyoka, baba vaitaura izvozvo vakashaika kare hatizive kana kuine kwavakanot­ora ndivo vaiziva.”

Amai ava - avo vanopindaw­o Johane Masowe weChishanu - vakazopidi­guka vave kushora muporofita uyu vachiti asvibisa zita rechechi yavo.

“Panyaya yake iyi isu hatichazvi­kwanisa nekuti akasvibisa chechi, ngaaende kuchivanhu abatsirwe nokuti baba vakagadzir­a musha wedu vakafa kare,” vanodaro.

VaMisheck Sanhokwe Shamhuyedo­va (83), vanova sabhuku uyewo baba vasara vemhuri iyi, vakaramba kutaura zvakawanda.

“Uyu anonzi akataura zverunyoka mukoma wangu akafa kare. Hongu padare rakaitwa mumusha ndaivapo, muporofita akanwiswa weti yemuroora wangu.

“Zvizhinji hapana zvandinozi­va,” vanodaro Sabhuku Shamhuyedo­va.

Caroline akatodzing­wa pamusha apa akaenda kuhama dzake kuHarare uko anonzi ave kushanda basa remumba kuMabvuku.

Madzibaba Elias Gomwe (41) veJohane Masowe weChishanu kuChitungw­iza vanoshora maporofita ane tsika yekudanana nemadzimai evanhu vachiti vanoshores­a chechi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe