Kwayedza

Namatirai runyararo: Hungwe

- Pauline Matanda

MUMIRIRI weDzivaras­ekwa mudare reNational Assembly, Cde Omega Hungwe, vari kukurudzir­a vemachechi kuti vanamatire runyararo munyika munguva yesarudzo idzo dzichaitwa gore rinouya.

Vakataura mashoko aya muHarare nguva pfupi yadarika pagungano remabiko ekuunganid­za mari iro rakaitwa nevechechi yeMethodis­t Church in Zimbabwe.

Vanoti kuvepo kwevatsigi­ri vemapato ezvematong­erwo enyika akasiyana hakufanirw­e kushandisw­a senzira yekuti pave nemhirizho­nga panguva yesarudzo.

“Tose tiri zvizvarwa zveZimbabw­e uye tinozivika­nwa nekuve nyika ine runyararo. Sechechi, munofanira kunamatira runyararo munyika panguva yesarudzo dziri kuuya,” vanodaro Cde Hungwe.

Vanokurudz­irawo kutendeka nekuvimbik­a muwanano uye kuti madzimai vazviise pasi pevarume vavo sezviri mushoko raMwari.

Cde Hungwe vanoti vanamati vanofanira kupa muchereche­dzo wakanaka mukurarama kwavo.

“Wananano chido chaMwari uye kutya Mwari kunochenge­tedza wanano. Vanhukadzi vanofanirw­a kuzivikanw­a nekubatani­dza mhuri, vana vedu vanofanira kutiyemura isu sevabereki. Makafanana nemoto wakabatidz­wa uri pamusoro pechikomo apo munhu wose anokuonai,” vanodaro Cde Hungwe.

Vachitaura­wo pachiitiko ichi, Reverend Douglas Mukoki, vanotenda vanhukadzi vemuchechi iyi vari pasi peboka reRuwadzan­o nekuita gungano iri.

Pamabiko aya paive nevanhu vanosangan­i si ra vamwe vakuru-vakuru vekuUniver­sity of Zimbabwe.

 ??  ?? Cde Hungwe
Cde Hungwe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe