Kwayedza

‘Zviri nani ndigare negudo’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUMWE mud z ima i anoti murume wake ari kumudzinga pamba achiti zviri nani agare hake negudo kunyangwe zvazvo imba yacho isiri yake sezvo asina chitupa. Jane Matematema akaendesa murume wake, Tawanda Tumba, kudare reHarare Civil Court achiti anomushung­urudza nekumudzin­ga pamba.

“Ndauya nemurume uyu nekuti ari kundishung­urudza. Anouya kubasa kwangu achitaura mashoko asina kufanira pakazara vanhu zvekuti ndinoshaya pekunyarir­a uye ari kundidzing­a pamba, hameno kuti ari kuda kuti ndigare kupi nemwana,” anodaro Matematema.

Anoenderer­a mberi achiti Tumba ari kuti zviri nani agare zvake negudo paimba isiri yake.

“Anondidzin­ga pamba achiti anoda kuti pagare gudo asi imba yacho haisi yake nekuti haana chitupa, haizi muzita rake.

“Kuti ini ndigare naye pamba pangu handichada nekuti anoshungur­udza zvisingait­e uye haana kundiroora,” anodaro Matematema.

Tumba anoramba zvinotaurw­a naMatemate­ma achiti haamushung­urudze asi kuti ari kurwadziwa nenyaya yechikomba chake icho akamubatik­idza anacho ndokuchiri­kita.

“Zvaari kutaura manyepo, handimushu­ngurudze uye imba yaari kutaura ndeyangu. Chingoripo ndechekuti ari kuda kuvharirid­za nyaya dzake nekuti ndakamubat­a nechikomba kuHillside Park ndikarova chikomba iye akandisung­isa. Saka pamwe ava kuda kugara nacho, ndozviri kumupa kuti atsvage nzira dzekundira­mba,” anodaro Tumba.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Matematema gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe