‘Zviri nani ndigare negudo’
MUMWE mud z ima i anoti murume wake ari kumudzinga pamba achiti zviri nani agare hake negudo kunyangwe zvazvo imba yacho isiri yake sezvo asina chitupa. Jane Matematema akaendesa murume wake, Tawanda Tumba, kudare reHarare Civil Court achiti anomushungurudza nekumudzinga pamba.
“Ndauya nemurume uyu nekuti ari kundishungurudza. Anouya kubasa kwangu achitaura mashoko asina kufanira pakazara vanhu zvekuti ndinoshaya pekunyarira uye ari kundidzinga pamba, hameno kuti ari kuda kuti ndigare kupi nemwana,” anodaro Matematema.
Anoenderera mberi achiti Tumba ari kuti zviri nani agare zvake negudo paimba isiri yake.
“Anondidzinga pamba achiti anoda kuti pagare gudo asi imba yacho haisi yake nekuti haana chitupa, haizi muzita rake.
“Kuti ini ndigare naye pamba pangu handichada nekuti anoshungurudza zvisingaite uye haana kundiroora,” anodaro Matematema.
Tumba anoramba zvinotaurwa naMatematema achiti haamushungurudze asi kuti ari kurwadziwa nenyaya yechikomba chake icho akamubatikidza anacho ndokuchirikita.
“Zvaari kutaura manyepo, handimushungurudze uye imba yaari kutaura ndeyangu. Chingoripo ndechekuti ari kuda kuvhariridza nyaya dzake nekuti ndakamubata nechikomba kuHillside Park ndikarova chikomba iye akandisungisa. Saka pamwe ava kuda kugara nacho, ndozviri kumupa kuti atsvage nzira dzekundiramba,” anodaro Tumba.
Mutongi Amanda Muridzo akapa Matematema gwaro redziviriro.