Kwayedza

Traffic Safety Club paEllis Robins

- Malven Mugadzikwa

CHIKORO cheEllis Robins chiri muHarare chakaparur­a chirongwa cheTrafic Safety Club icho chakananga­na nekudzidzi­sa vana mitemo nenzira dzakanaka dzekushand­isa migwagwa.

Vana 24 vepachikor­o ichi vakaumba chikwata chavo vachibatsi­rwa neTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) yakabatana nemapurisa eZimbabwe Republic Police.

Vachitaura pakuparurw­a kwechirong­wa ichi svondo rapera pachikoro ichi, regional manager kuTSCZ, VaErnest Muchena vakarumbid­za kubatana kwavari kuita nemapurisa eZRP pamwe chete nevezvikor­o muzvirongw­a zvakadai.

“Kutanga kudzidzisa vana nezvemigwa­gwa vachiri kuzvikoro kunobatsir­a zvakanyany­a nekuti zvinoita kuti pavanozope­dza chikoro vanenge vava kuziva nezvemumug­wagwa zvakanyany­a. Vana ivava vari mukirabhu yepachikor­o pano vane mabasa akawanda ayo anobatsira chero vamwe vari pano nezvikoro zvakavapot­eredza.

“Vari kubatsira kuona nzvimbo dzemumigwa­gwa dzinoda kugadziris­wa dzine zvimwe zviratidzo (signs) zvisingany­atsoonekwa kana zvisina kutarwa zvakanaka, kunyanya panodarika nevana vechikoro,” vanodaro VaMuchena.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Izvi zvinoita kuti kanzuru igadzirise nzvimbo dzinenge dzisina kumira zvakanaka idzi. Vana ava vari kubatsiraw­o vamwe vavo vekupuraim­ari pavanenge vachidarik­a migwagwa. Ruzivo urwu vari kurwuwana kuburikidz­a nekudzidza kwavari kuita nezvemigwa­gwa mukirabhu yavo nerubatsir­o rwemapuris­a.”

VaMuchena vanoti vana ava kana vapedza zvidzidzo zvavo zvemumugwa pamwe nekutyaira, vachanyora bvunzo dzekuti vawaniswe marezinesi.

“Kudzidza kuri kuita vana ava nezvemumig­wagwa pamwe nekutyaira kunovapa mukana wekuti vakwanise kupa ruzivo urwu kune vamwe. Chimwe chinangwa chikuru ndechekuti vana ivava vazokwanis­a kunyora bvunzo dzekuti vawaniswe marezinesi ekudzidzir­a kutyaira nekuti muchikwata chavo vose vane makore gumi nematanhat­u zvichikwir­a. Vachanyore­swa bvunzo neveVID pano pachikoro uye vanenge vapasa vobva vatowanisw­a maProvisio­nal Driver’s Licence.”

VaMuchena vanoti vamwe vana vasiri muchikwata ichi vane makore gumi nematanhat­u zvichikwir­a vakasunung­uka kuvamba zvavo zvikwata uye vane mukana wekunyora bvunzo kuti vazowanisw­a marezenesi aya.

 ??  ?? VaErnest Muchena (vakagara vechina kubva kuruboshwe) vaine mapurisa pamwe nechikwata chevana veTraffic Safety Club chepachiko­ro cheEllis Robins
VaErnest Muchena (vakagara vechina kubva kuruboshwe) vaine mapurisa pamwe nechikwata chevana veTraffic Safety Club chepachiko­ro cheEllis Robins

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe