‘NDAKAMITISA VAKADZI VEVANHU’
◆ aya, vamwe vakafa vamwe vapenyu asi vana vangu vamwe vari muno vamwewo mhiri kwemakungwa nekuSouth Africa.
Ndakaita mukuwasha kunzvimbo dzinosanganisira Chivhu, Gokwe, Makonde, Chipinge, Chihota, Murehwa, Karoi, nekwaSeke.”
Madzibaba Paurosi anoti mudzimai waanaye pari zvino ndewekwaMurehwa, uyo waanoti anoita zvechipfambi uye akamboenda kumba kwavo.
“Mukadzi wandiinaye ipfambi, izvozvi akatiza kumba ndakamubatira munamato chipfambi chake chikafumuka. Ave kushanda kumapurazi, ndiri ndoga zvangu kumba.”
Madzibaba Paurosi anoti mubasa rekuba iri aisanyanya kubatwa nemapurisa sezvo aichengetedzwa nemashavi ehumbavha.
“Ndakabatwa katatu chete ndichinopihwa zvirango zvenguva pfupi apo ndaichengetwa nemashavi angu. Ndakasungwa mugore ra1995 ndikanopika, ndikasungwa mugore ra1997 ndikapika nenyaya dzekuba mudzimba chete. Ndakazosandura musambo ndave kuba mavhiri emotokari nekupwanya mota dzacho ndichiba,” anodaro.
Anoti zvakare akazosungwa mugore ra2015 ari parufu rwemwana wake mushure mekunge apwanya motokari yemunhu ndokuba zvinhu zvinosanganisira redhiyo apo anoti mutumbi wemwana wakazosara uchivigwa iye ari muchitokisi.
Madzibaba Paurosi anoti akazoburitswa mujeri musi wa25 Chivabvu gore rapera pasi pechirongwa chePresidential Amnesty.
Anoti chechi yaanonamata yeJohane Masowe yeJerusarema yekuMvura ine muzinda wayo kuGuruve, uye inotungamirirwa naMadzibaba Acsense kana kuti Gondo.
“Ndakaba kubva gore ra1994 kusvika 2016, panguva imwe chete ndaiita hupombwe hwaisemesa, hwaityisa. Asi ndakazvisiya, ndinoti kune vamwe vangu maporofita anonyenga madzimai evanhu kumasowe vachiita mabasa ehumbavha ekubira vanhu vanotambura tendeukai nguva ichiripo munamate nenzira kwadzo,” anodaro Madzibaba Paurosi.
Achibvunzwa neKwayedza kuti achaita sei nekuda kwenyaya yemurume ari kuchengeta vana vakakamitisa kumudzimai akaroorwa uyu, anoti gombarume harina mwana saka murume uyu ngaaenderere mberi nekuchengeta vana ivava.