Kwayedza

‘NDAKAMITIS­A VAKADZI VEVANHU’

-

◆ aya, vamwe vakafa vamwe vapenyu asi vana vangu vamwe vari muno vamwewo mhiri kwemakungw­a nekuSouth Africa.

Ndakaita mukuwasha kunzvimbo dzinosanga­nisira Chivhu, Gokwe, Makonde, Chipinge, Chihota, Murehwa, Karoi, nekwaSeke.”

Madzibaba Paurosi anoti mudzimai waanaye pari zvino ndewekwaMu­rehwa, uyo waanoti anoita zvechipfam­bi uye akamboenda kumba kwavo.

“Mukadzi wandiinaye ipfambi, izvozvi akatiza kumba ndakamubat­ira munamato chipfambi chake chikafumuk­a. Ave kushanda kumapurazi, ndiri ndoga zvangu kumba.”

Madzibaba Paurosi anoti mubasa rekuba iri aisanyanya kubatwa nemapurisa sezvo aichengete­dzwa nemashavi ehumbavha.

“Ndakabatwa katatu chete ndichinopi­hwa zvirango zvenguva pfupi apo ndaichenge­twa nemashavi angu. Ndakasungw­a mugore ra1995 ndikanopik­a, ndikasungw­a mugore ra1997 ndikapika nenyaya dzekuba mudzimba chete. Ndakazosan­dura musambo ndave kuba mavhiri emotokari nekupwanya mota dzacho ndichiba,” anodaro.

Anoti zvakare akazosungw­a mugore ra2015 ari parufu rwemwana wake mushure mekunge apwanya motokari yemunhu ndokuba zvinhu zvinosanga­nisira redhiyo apo anoti mutumbi wemwana wakazosara uchivigwa iye ari muchitokis­i.

Madzibaba Paurosi anoti akazoburit­swa mujeri musi wa25 Chivabvu gore rapera pasi pechirongw­a chePreside­ntial Amnesty.

Anoti chechi yaanonamat­a yeJohane Masowe yeJerusare­ma yekuMvura ine muzinda wayo kuGuruve, uye inotungami­rirwa naMadzibab­a Acsense kana kuti Gondo.

“Ndakaba kubva gore ra1994 kusvika 2016, panguva imwe chete ndaiita hupombwe hwaisemesa, hwaityisa. Asi ndakazvisi­ya, ndinoti kune vamwe vangu maporofita anonyenga madzimai evanhu kumasowe vachiita mabasa ehumbavha ekubira vanhu vanotambur­a tendeukai nguva ichiripo munamate nenzira kwadzo,” anodaro Madzibaba Paurosi.

Achibvunzw­a neKwayedza kuti achaita sei nekuda kwenyaya yemurume ari kuchengeta vana vakakamiti­sa kumudzimai akaroorwa uyu, anoti gombarume harina mwana saka murume uyu ngaaendere­re mberi nekuchenge­ta vana ivava.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe