Kwayedza

Kurima fodya kune pundutso

- Buhle Nkomo

“MURUME wangu akarasikir­wa nebasa rake apo aishanda semubatsir­i pane imwe kambani yakazovhar­a kuBulawayo,” vanodaro Mai Taipa Ngoshi (45) vanove murimi kupurazi reMaunga kuKaroi.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Takazoenda kunogara nevemhuri yemurume wangu uko vatezvara vangu vaive murimi wefodya sezvo pakange pasina imwe sarudzo yataikwani­sa kuita. Tezvara vangu vakatipa munda wekurima ndokutikur­idzira kuti tirime fodya.

“Takazvipir­a kushanda zvine simba tichidzidz­a zvakare pamusoro penzira dzakanaka dzekurima nadzo fodya kuitira kuti tibudirire.

“Mugore ra2000, takazowana munda wedu pasi pechirongw­a cheHurumen­de chekugover­a ivhu kuruzhinji apo murume wangu akandikuru­dzira kuti ndinyorese zviri pamutemo semurimi wefodya. Mushure memakore matatu, apo taive tofunga kuti hupenyu hwedu hwave kuzoshandu­ka tichifara semhuri, murume wangu akabva atanga kurwara. Akafa mushure mekurwara kwenguva pfupi. Pasina kugadzirir­a, ndakave amai pamwe nababa kuvana vangu.

“Ndakatanga kuona kuti basa riri kufamba sei mumunda. Taive nechirimwa chakanaka pakafa murume wangu nekudaro ndakave nechishuwo chekuti zvinhu zvienderer­e mberi zvichifamb­a zvakanaka. Ndakazvipi­ra kurwisa hurombo kuburikidz­a nekushanda nesimba. Ndakakohwa fodya yemhando yepamusoro-soro pakupera kwemwaka.

“Kurima fodya kuri kundiraram­isa pamwe nevanasika­na vangu vaviri kubvira pakashaya murume wangu. Iye zvino ndiri kurima muchirongw­a chekondira­kiti ndichibats­irwa nekambani yeZimbabwe Leaf Tobacco (ZLT) chinove chinhu chakanaka sezvo ichindibat­sira nezvekusha­ndisa pakurima pamwe nekundipa mazano ari pamusoro pemarimirw­o akanaka efodya.

“Ndakarima mahekita maviri ndikakohwa fodya inorema makgs 4 000 mwaka wapera ndichibats­irwa neZLT contract. ZLT inondibats­ira zvikuru nezvekurim­isa pamwe nemazano akasiyana. Ndiwo mararamiro andinoita. Haticheme-cheme nekuda kwenyaya yemitengo yefodya,” vanodaro Mai Ngoshi vachinyemw­erera.

“Ndiri kukwanisa kuchengeta vana vangu nekurima pamwe nehanzvadz­i yangu yakashaya nevabereki vangu avo vakwegura.”

Kunze kwefodya, Mai Ngoshi vanorimawo nzungu dzekukuyis­a dovi remhuri yavo pamwe nerekuteng­esa.

Mai Ngoshi vakatenga sitendi iyo vanoda kuvaka imba munguva inotevera uye vakatengaw­o zvakare midziyo yekushandi­sa pakurima.

Vanoti vakasangan­a nezvakanak­a pamwe nezvimhing­amipinyi murwendo rwavo rwekurima asi havana kumbobvira varega kurima vanhukadzi, zvikuru chirikadzi neavo vasina varume kuti vanyorese kurima fodya vagowana raramo. Ini ndinodya zvinobva mudikita rangu. Handidi kuroorwa zvakare. Kune mukondombe­ra nekudaro handidi kufa ndigosiya vana vangu vachitambu­ra,” vanodaro.

“Kana pakave nemikana yakaenzana, vanhukadzi vanokwanis­a kuzvimirir­ira munyaya dzehupfumi pamwe nekuve varimi vane pundutso,” vanodaro Mai Ngoshi.

Mai Ngoshi mumwe wevarimi vakanyores­a avo vanodarika 80 000 muZimbabwe vari kubatsira nekuunza chikamu che21% chemari yekunze munyika muno.

Vanhu vanosvika 3 miriyoni muZimbabwe vanorarama kuburikidz­a neindasiti­ri yefodya uye vamwe vanodarika 350 000 vanoshanda zvine chekuita neindasiti­ri iyi - kubvira kumapurazi kusvikira kumafakito­ri.

Mari yashandisw­a mukusimudz­ira indasitiri yefodya mabhiriyon­i akawanda emadhora uye indasitiri iyi yakakosha zvikuru munyaya dzehupfumi hwenyika.

Kuti munzwe zvakawanda ridzai nhare kumahofisi eTIMB panhamba dzinoti: 0867700462­4/6, 0772145166/9, 0279-22082/21982, 025-3439, 06724268/29246, 0277-270, 064-7280 ne0271-6772.

Munogona zvakare kutibata pamanhamba eToll Free anoti 08006003 / 0731999999 / 0712832804 kana padandemut­ande rinoti info@ timb.co.zw

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? Remigious Matangira
Remigious Matangira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe