‘Command Agriculture huchi’
MUMIRIRI weBindu r a Sout h mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira, vorumbidza chirongwa cheHurumende chekubatsira varimi nezvekushandisa cheCommand Agriculture vachiti chakakosha zvikuru mukusimudzira hupfumi hwenyika.
“Chirongwa chiri kutsigirwa neHurumende ichi cheCommand Agriculture chasimudzira upfumi
fodya.
“Ndinowanzosangana nematambudziko panguva yekukohwa fodya. Ibasa guru kutakura fodya yatinenge tatemha mumunda kuindesa kumadhirihora. Ibasa rinogozha, kunyanya kunesu vanhukadzi. Murume wangu paaive achiri mupenyu zvakange zvisina kuipa sezvave iko zvino,” vanodaro. “Mugore ra2012, fodya yangu yakakanganisika nekuda kwekunonoka kutakurwa pamwe nekuipisa zvakaita kuti ive nemutengo wakaderera. Zvisinei, zvimhingamipinyi zvinowanikwa hwenyika nekuunza maguta. Honai matura akatotanga kufema nekupfachukira kare nechibage chakarimwa kuburikidza nechirongwa ichi, nyika yotinhira nemaguta,” vanodaro Cde Matangira.
Vanoenderera mberi vachiti, “Yangova Command, Command Agriculture kwese-kwese kubva kuzvirimwa, kumombe nezvimwe zvipfuyo pamwe nekupfuya hove.”
Cde Matangira murimi mukuru uye vanorimira vari papurazi ravo reMatangira Thrums Farm riri kuBindura.
Mumwe wevarimi vakawana muhupenyu.”
Mai Ngoshi vari kufunga zvakare kuti vange vachishandisa madiridziro emhando yedrip irrigation ayo ari kutsigirwa nekambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) kuitira kuti kurima kwavo kusakanganiswe nekusanaya kwemvura zvakanaka nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze.
Vanokuridzira vanhukadzi kuti varimewo fodya vakwanise kuraramisa mhuri dzavo.
“Ndinoda kukurudzira vamwe zvekushandisa kubva Hurumende pasi pechirongwa cheCommand Agriculture.
“Izvozvi takagara pamusoro pemaguta, ndakarima mahekita 200 echibage pasi pechirongwa ichi uye chimwe chechibage ichi takatonongora chatinoda kuendesa kuGMB. Tine gorosi ratakadyara mahekita 200 zvakare nekudaro hapana kudzokera kumashure. Ngatipemberei tose, Mwari vakabva vanaisa mvura zhinji kureva kuti chakatambirwa naMwari nevadzimu vedu muno,” vanodaro.
Ottillia Matangira (26) anova operations manager pamupurazi reThrums anoti chirongwa ichi chavavhura maziso sevechidiki.
“Ndinoti sesu vechidiki ngatishandisei mukana wechirongwa ichi zvizere toburitsa zvibereko kubva muvhu. Izvozvi papurazi rino tine vashandi vanodarika zana, varume nemadzimai,” anodaro.
“Mumwe wevashandi vepapurazi iri, Elizabeth Arufayi (36) anoti vari kutsigira zvikuru chirongwa cheCommand Agriculture nekuti chasimudzira mabasa ekurima munyika.