Kwayedza

N’ANGA YODYIWA NEMAKONZO

- Kingstone Mapupu

CHITUNHA chemurume aive n’anga uyo aigara kupurazi rekwaMacdo­nald — uko kunonyanya kuzivikanw­a nekuti kwaMecky, kwaChivero, kuMhondoro — chinonzi chakan’en’enwa nemakonzo aidarika 100 ndokudyiwa kusvika hura hwave kuonekwa uye dzimwe nhengo dzemuviri dzikasara ave mapfupa bedzi.

Rimwe remakonzo aya rinonzi rakazoonek­wa richibuda mudumbu rechitunha chemurume anonzi aipa mishonga kumbavha nemhondi yekuti dzisabatwe kana kuti nyaya dzavo dziraswe kumatare edzimhosva uyu.

Hama neshamwari dzaSekuru Milanzi (91) vanonzi vakapera mate mukanwa apo mutumbi wavo wakatanga kudyiwa negurusvus­vu remakonzo chinguva chipfupi vachangofa.

Chitunha ichi chinonzi chakazovig­wa chisisina dzimwe nhengo, kusanganis­ira dzesikarud­zi, muromo, mhuno nechirebvu — izvo zviri kunzi zvakadyiwa nemakonzo.

Murume uyu — uyo anga asina mudzimai kana mwana — anonzi akambofa akamuka, ndokuzofa zvachose mushure memasvondo matanhatu apo aitaura kuti nguva yake yekudzoker­a kuMalawi yaiva yakwana.

Zvinonzi kuburikidz­a nekurumwa nemakonzo, padumbu pemufi pakaboorwa buri raitoratid­za hura umo munonzi makatoonek­wa muchibuda rimwe remakonzo aya rakazara ropa.

Sezvinonzi izvi zvishoma, mutumbi wave mugomba kuti uvigwe, zvinonzi zvakare muguva umu makabuda mutumba wezigonzo nekumusoro kwechitunh­a — iro rakazokwir­a mumuti uri kumakuva asi rikazourai­wa.

Charity Tavaziva (40), anova mugari wenzvimbo iyi, anoti murume uyu akashaika nguva pfupi yadarika mushure mekurwara.

“Sekuru Milanzi vakashaika neSvondo 9 Gunyana mumba mavo umo vaigara voga sezvo vaisava nemukadzi kana mwana. Mutumbi wavo ndakauona uine maronda pamhanza nemumatama uye mhuno nemuromo painge pasina, mumbabvu maiva nemaronda vadyiwa nemakonzo. Ichi chishamiso, vanhu vanoti sezvo vaiva n’anga pamwe mishonga yavo yakavadya kana kuti zvidhoma,” anodaro Taziva.

Anoti pabendeket­e ren’anga iyi paitoonekw­a mapfupa apo nyama yose yakanga yadyiwa.

“Makonzo aya akaboora dumbu ravo neparutivi paitoonekw­a mbabvu. Asi chinoshami­sa ndechekuti vanhu nemusi wavafa uyu vakaenda vachida kunovapa bota kuti vadye vachibva varamba, vakazodzok­era mushure menguva ingaite maminetsi makumi matatu ndokuwana mutumbi wavo wose watomomote­rwa nemakonzo – kubva kumusoro kusvika kutsoka achiita zvekubvubv­udzana.

“Isu tinoti inyaya yehuroyi, nemabasa ehun’anga hwasekuru ava pamwe vaida kuti vadyiwe mutumbi wavo vasaonekwe. Zvichida makonzo aya akatanga kuvadya vari vapenyu, hatichaziv­a,” anodaro Taziva.

Shupikai Kambarami (43), wemunzvimb­o iyi zvakare, anotsinhir­a achiti: “Ini ndakazongo­nzwa kuti sekuru vadyiwa muviri wose vachangofa kukazowani­kwawo gonzo rakasvetuk­a kubva muguva apo mutumbi wakanga wadzikiswa kuti uchivigwa. Murume uyu akavigwa patsika dzavo dzechiChew­a, akangoputi­rwa nemachira pasi peguva ndokuiswa rupasa rwetsanga.

“Gonzo rakazobuda asi harina kuonekwa kwarakabva nako zvisinei kuti chitunha chakanga chichangob­va mukugezesw­a,” anodaro Kambarami.

Mathew Singe (26) anoti Sekuru Milanzi vaizivikan­wa nekubatsir­a mbavha nemhondi nevamwe vainge vapara mhosva kuti vasasungwe kana kuti nyaya dzavo dziraswe kumatare edzimhosva.

“Panhamo yemurume uyu pakaitika mashura chaiwo, makonzo akamuka chibhebhen­enga kudya chitunha. Rimwe rakabuda muguva ndini ndakazoriu­raya rakwira mumuti. Hakuna mhosva yaibudirir­a kana waenda kunogezwa nasekuru ava, waiburitsw­a mutirongo hama dzako dzichingob­va pano kana wange wakavharir­wa,” anodaro Singe.

Anoenderer­a mberi: “Nyaya iripo murume uyu aiita masaramusi izvo zvatinoti ndizvo zvakaitika­wo pakufa kwake. Waiti ukaenda pamba pake, uchangobva kumuona waimushaya ipapo woshaya kuti aenda kupi. Isu tinoti nechiitiko ichi, haana kufa asi kuti akadzokera kumusha kwake kuMalawi nekuti paairwara aitaura kuti ava kuda

◆ kudzokera.

“Asi vanhu vari kuchema zvakanyany­a imhondi nemakororo vaivharirw­anyayadzav­onen’anga iyi avo vave kuzoenda kumajeri manje.”

Singe anoti iye mumwe wevakabats­iramukurad­zikamutumb­i wen’anga iyi muguva.

VaOliverCh­akoma(60)vanoti nyaya yekudyiwa kwemutumbi wen’anga iyi nemakonzo yakashamis­a vagari venzvimbo iyi zvikuru.

“Murume uyu akarwara kwemwedzi miviri asisakwani­se kumuka, kufamba kana kudya. Ndisu taitovadyi­sa. Musi wavazofa, takapinda mumba mavo tichidakuv­apabotavak­ariramba, ndokuzodzo­keramushur­ememaminet­si angaita makumi matatu tikavawana vave kutodyiwa nemakonzo – zvinoitwa nemagora zviya zvinosara pasi. “Patakapind­a mumba umu, mamwe makonzo akatiza asi mamwe ndokuramba achidya. Nguva dzaiva 11 mangwanani paiitika mashura aya,” vanodaro VaChakoma. VaEddsumMu­virimi(44) vanoti nyaya iyi mashura chaiwo. “Chinonetsa ndechekuti parutivi pemba yasekuru ava pane tuckshop nechigayo,” vanodaro.

Sekuru Milanzi vanonzi vakatanga kugara papurazi iri kuma1970va­chiitabasa­rekukanya zvidhinha nekudyara fodya apo vakanga vabva kuMalawi.

Matiresi yemubhedha wairara muchakabvu inonzi payakaburi­tswapanzey­akawanikwa­iinezvipun­u zvakawanda mukati umo makabudawo mamwe makonzo akawanda, mamwe akauraiwa nekuzopisw­a.

Vagarivemu­nzvimboiyi­vanoti chishamiso ndechekuti dzimwe dzimba dzemunzvim­bo iyi hadzina makonzo anganzi akawandisa zvekudya vanhu.

VaJamurosi Bhaudhi (96), vanova sahwira wemufi, vanoti SekuruMila­nzivakauya­muZimbabwe mugore ra1946 vachibva kuMalawi uye vakatanga kuwirirana­navomugore­ra1970.“Inindinong­oti mishonga yakakonzer­a izvi sezvo aiva n’anga. Kwandiri akangoti ndave kuda kudzokera kumushakuM­alawiachib­vaazofa

mangwana acho,” vanodaro.

VaTrust Zongoro Njochololo (46) vanoti hapana chimwe, murume uyu akadyiwa nezvidhoma­zvake. VeKwayedza­pavakapind­amumbamaig­araSekuru Milanzi,makabudazi­gonzoguru iro rakapotsa mutori wemifanani­dzo Memory Mangombe uyo akazhamba achitizira panze. Gonzo iri rakazourai­wa naSinge.

Gurokotagu­ruraMamboC­hivero,VaSilentKa­seke,vanotsinhi­ra chiitiko ichi vachiti chishamiso chikuru.

 ??  ?? Guva ren’anga
Guva ren’anga
 ??  ?? Trust Zongoro akabata rimwe remakonzo akaurayiwa
Trust Zongoro akabata rimwe remakonzo akaurayiwa
 ??  ?? Jamurosi Bhaudhi
Jamurosi Bhaudhi
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe