Kwayedza

Kuchengete­dza mwanakoman­a kumhirizho­nga yepabonde

- Danai Chirawu

MUNYAYA yedu yadarika, takanga tichikuruk­ura nezvezera rakakodzer­a kuti vanhu vange achipinda munyaya dzepabonde.

Chokwadi chiripo ndechekuti mutemo unotaura nezvemazer­a evanokwani­sa kubvuma kupinda munyaya dzepabonde nevasingak­wanisi.

Zvakakosha kuti tirarisewo mutemo kuti unoti kudii panhau dzevanakom­ana panyaya dzekubvuma bonde.

Mwanakoman­a ane makore ari pasi pegumi nemaviri pasi pemutemo anonzi haakwanise kubvuma nyaya dzepabonde.

Mwanasikan­a kana mwanakoman­a akamanikid­zirwa kupinda munyaya dzepabonde nemunhu mukuru anobatwa nemhosva inodaidzwa kunzi Aggravated Indecent Assault maringe nemutemo weSection 66 of the Criminal Code.

MuZimbabwe, kupinda nemwanakom­ana ari pasi pezera munyaya dzepabonde hachisi chibharo asi kuti kumbunyiki­dza mwanakoman­a nenzira yebonde.

Kana mwanakoman­a ane makore ari pakati pe12 ne15 akabvuma kupinda munyaya dzepabonde nemunhu mukuru inongotorw­a semhosva zvakare. Kubata mitezo yemuviri yemwana ari pakati pemakore 12 ne15 asi zviine chekuita nenzira yebonde imhosva zvisinei nekuti hapana bonde rinenge raitwa.

Vanakomana vane makore 16-17 vanokwanis­a kubvuma kupinda munyaya dzepabonde.

Kumbunyiki­dzwa nenzira yebonde kunoreva kumanikidz­irwa kwemwana anoitwa naye bonde nekunobuda netsvina kana kuti dzimwe nhengo dzake dzemuviri dzichishan­diswa kuita zvebonde asi risiri bonde rinoitwa nenzira chaidzo.

Izvi zvinosanga­nisira kumbunyiki­dzwa kunoitwa vanasikana nekuitwa bonde navo nekunobuda netsvina.

Kana mwanakoman­a aparirwa mhosva dzerudzi urwu, mupari wemhosva anosungwa. Bonde rekumashur­e rinoitwa kuvanakoma­na rinodaidzw­a kuti sodomy uye imhosva huru iri muchikamu chemutemo cheSection 70 of the Criminal Code.

Varume vanoita bonde nevanakoma­na vari pasi pemakore 11 ne15 vanobatwa nemhosva iyi. Mwana ane makore 12 zvichidzik­a haakwanisi kubvuma bonde zvachose.

Chinonyany­ofadza ndechekuti mutongo mukuru unopihwa kumunhu anenge apara mhosva yechibharo ndiwo zvakare unopihwa kune munhu anenge apara mhosva yerudzi urwu.

Kunyika yeSouth Africa, chibharo chinoreva kusabvumir­ana bonde pakati pemurume nemukadzi uye varume vaviri kana nevakadzi vaviri vanomaniki­dzira kuita bonde nevanhukad­zi kana kuti kuvanhurum­e vanotongwa nemhosva yeAggravat­ed Indecent Assault.

◆ Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemut­ande rinoti zwla@zwla.co.zw, kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe