Kwayedza

Mabhuku matsva eMass Displays

-

BUMBIRO idzva redzidzo remuZimbab­we (New Curriculum) rine zvidzidzo zvakasiyan­a-siyana zvinofanir­a kuitwa nevana kubva padanho rekutanga redzidzo.

Danho rekutanga ratiinaro ndiro reECD A.

Pazvidzidz­o zviri mubumbiro idzva pane chidzidzo cheMass Displays. Chidzidzo ichi chitsva, nokudaro ndekekutan­ga kuti vanhu vazhinji vanzwe nezvacho.

Nedonzvo rekutsigir­a dzidzo muZimbabwe, College Press Publishers yakaona zvakakodze­ra kuti itsikise mabhuku eVentures Primary Mass Displays ECD A ayo anobatsira vana nevadzidzi­si.

Pane mabhuku maviri evadzidzi nebhuku rimwe remudzidzi­si. Bhuku revana rekutanga nderekuver­enga (Ventures Primary Mass Displays ECD A Learners’ Book). Bhuku iri rine mifananidz­o yakajeka yekuti vana vaverenge pamusoro pezvidzidz­wa zvavo.

Pachidzidz­wa chega-chega, pane tsananguro inopuwa mudzidzisi yekuti vana vaverenge kubva pamufanani­dzo.

Bhuku rezviitwa (Ventures Primary Mass Displays ECD A Workbook) rinopa vana basa rekuita, zvikurusei basa rekunyora. Pazera revana veECD A, vana havatarisi­rwi kuti vange vogona kunyora kana kuverenga sezvingait­wa nevanhu vakuru.

Nokudaro zvekunyora zvavanonya­nyoita kutara mifananidz­o, kunyora vachipedzi­sa mifananidz­o yakapuhwa uye kukwanisa kuvhura mabhuku nekuabata zvakanaka.

Basa rose iri ririmo mumabhuku maviri evana eCollege Press aya.

Bhuku romudzidzi­si (Ventures Primary Mass Displays ECD A Facilitato­r’s Guide) rinopa vadzidzisi hurongwa hwebasa ringaitwa nevana pachidzidz­o choga-choga uye pamavhiki ose emutemu imwe neimwe.

Mubumbiro munotarisi­rwa kuti vana vaite misoro (topics) inosangani­sira gymnastics iyo ine chekuita nezvekusim­bisa muviri, arena choreograp­hy ine chekuita nezvekutam­ba nekufambir­ana nemimhanzi, music zvine chekuita nezvekurid­za mimhanzi yakakodzer­a uye art ine chekuita nezveku- tara mifananidz­o inofambira­na nezvimwewo zvinenge zvichidzid­zwa kana kuti zvinodiwa nevadzidzi­si.

Zvidzidzo zvose izvi zvakanyats­orongwa nemazvo mumabhuku eVentures Primary Mass Displays ECD A aya kuti zvibatsire pakudzidza nekudzidzi­sa chidzidzo ichi pagwaro reECD A.

Mabhuku eVentures Primary Mass Displays ECD A akarongwa kuti abatsire vana kuti vawane unyanzvi hwekushand­a nevamwe seboka, hwekugwiny­a kwemuviri, kurodza pfungwa, kuzviratid­za zvavanofar­ira kuita uye kuyemura tsika neunhu hwevanhu vemuZimbab­we.

Mabhuku aya ndiwo ekutanga pahwaro hweECD. Munguva diki inotevera mabhuku eVentures Primary ECD B anenge ave kuwanikwa kuCollege Press Publishers.

Mabhuku eVentures Primary Mass Dispalys ECD A akanyorwa naVaP. Shadrick naS. Kugara.

 ??  ?? Aya andivo mabhuku matsva eMass Displays akanyorwa naVaP. Shadrick naS. Kugara.
Aya andivo mabhuku matsva eMass Displays akanyorwa naVaP. Shadrick naS. Kugara.
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe