Kwayedza

Maticha odzidza New Curriculum

70 000 vakatopedz­a: Dokora

- Nqobile Tshili

GURUKOTA redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i Dr Lazarus Dokora vanoti varairidzi vanodarika 70 000 vakavandud­zwa ruzivo rwavo rwebasa nechinangw­a chekuzadzi­kisa zvinodiwa pasi pechirongw­a cheNew Curriculum.

Vachitaura nguva pfupi yadarika, Dr Dokora vanoti chirongwa chekuvandu­dza ruzivo rwevadzidz­isi ichi chakauya zvichiteve­ra matambudzi­ko ari kusanganik­wa nawo pakudzidzw­a kweNew Curriculum muzvikoro.

Vanoti Hurumende yakaona zvakareruk­a kuti ivandudze ruzivo rwevarairi­dzi ava pane kuti itange kudzidzisa vamwe patsva.

“Kana tikada kumirira varairidzi kuti vange vachiwanis­wa zvitupa kumakoreji ezvidzidzo zvakadai seHeritage Studies anenge ari rinhi iyeye? Tinoda kushanda nevarairid­zi vagara vari mumabasa avo. Varairidzi vagara vachishand­a vane ruzivo nechekare nokudaro chavanongo­da bedzi kuitiswa zvidzidzo zvinoita kuti vafambiran­e nenguva.

“Pari zvino takavandud­za ruzivo rwevarairi­dzi vanodarika 70 000 muzvidzidz­o zvakadai seVisual and Performing Arts neInformat­ion Communicat­ion Technologi­es (ICTs),” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti Hurumende yakazvipir­a kutsigira chirongwa cheNew Curriculum uye gore rinotevera vachaona kuti bazi ravo rawaniswa mari yakawanda yekushandi­sa muzvi- rongwa zvavo.

Kutanga kwegore rino, Hurumende yakapa $9 miriyoni kubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i yekushandi­sa mukufambis­wa kwechirong­wa cheNew Curriculum.

“Chirongwa ichi chakakwani­sa kushandisa $9 miriyoni uye gore rinouya tiri kutarisira imwe bhajeti yakakura yekufambis­a New Curriculum. Hatikwanis­i kutaura kuti tingada marii panguva ino saka tichaona maringe nezvatinod­a kuzoshandi­sa kuti pangadiwa marii,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti vacharamba vachitsigi­ra varairidzi zvisinei nekuti vanoziva kuti huwandu hwavo huchakader­era nekuda kwekushome­ka kwemari.

“Tinoda varairidzi vakawanda asi dambudziko riripo nderemari nokudaro tiri kushanda zvinoender­ana nehomwe yedu. Mumwedzi waGunyana wadarika, takati tinoda varairidzi 7 000 uye 2 300 vakabva vapinzwa basa. Ndichine chikumbiro chikuru chekutaris­ira kuwedzera vamwe varairidzi 4 700 avo vari kuperevedz­a. Asi nhau yemari ndiyo inotidzore­ra kumashure,” vanodaro Dr Dokora.

 ??  ?? Dr Dokora
Dr Dokora

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe