Kwayedza

Zvakaipira fesibhuku

- Munyaradzi Gunduza

(v) Kufambiswa kwemashoko MUDETEMBO rakanzi “Fesibhuku” rakanyorwa naEvidence Makuni rine dingindira rekufambis­wa kwamashoko.

Nyanduri ari kushunguru­dzika nekuipa kwefesibhu­ku iyo yaita kuti vamwe vanhu vaite chipfambi, uye kupedza nguva zhinji vasingaiti basa vachingoit­a zvefesibhu­ku.

Nyanduri anoshungur­udzika nenyaya yokuti nzenza dzave kutsvaga varume pafesibhuk­u seapo anoti, “Vachitanda­dzana kubva Matevere kusvika Nyanyadzi, nenzenza dzoti tawana pokuvhimir­a.”

Nyanduri anoshungur­udzika kuti vanyarikan­i vave kutauriran­a zvinyadzi nokuda kwefesibhu­ku seapo anoti, “Kuradzikan­a kwakadzama newe, ambuya nemukwambo vobhuya zvinyadzi.”

Mudetembo iri nyanduri anoshungur­udzika zvakare nenyaya yokuti vamwe vanhu vave kuita chipfambi kuburikidz­a nefesibhuk­u seapo anoti, “Hezvo vamwe vokusvibis­a zita vachiita chipfambi kubudikidz­a newe.”

4. Tsanangura maitiro avanhu ari kujekeswa naRabison Shumba munhetembo dzake shanu dziri mubhuku iri. [25]

Rabison Shumba anoburitsa maitiro avanhu akasiyana-siyana anobuda munhetembo dzinoti Nyakutumbu­ra, Ndinoda mukoho wangu, Ndoenda hangu, Ndazozvidz­ora naNhaurwa muchizarir­a.

Mudetembo Nyakutumbu­ra, nyanduri anojekesa kurwadziwa kunoita mubereki nekuda kwemwana asingakosh­esi kwaakabva paanoti, “Kuuya kwako pano panyika pane akaita hanya nako hauna kudonha mudenga semvura.”

Nyanduri anoburitsa kuti vana vanotadza kukoshesa vabereki vavo vachidya mari dzavo vasingaran­garire vabereki vavo sepaanoti, “Wakanganwa akarera neakapfeke­dza, wodya hako iyo nyika rutivi sewagarwa neshavi!”

Nyanduri anoburitsa kurwadziwa kunoita mubereki nemashoko aanoudzwa nemwana paanoti, “Nhasi worotomoka newako muromo, uchikangan­wa akakudzidz­isa kutaura.”

Nyanduri anojekesa kushingiri­ra kunoita mubereki mukuchenge­tedza utano hwemwana paanoti, “Waiti ukakosora, nyakutumbu­ra haarari, kutsvaga kupedza zvinopodza ako ose marwadzo.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe