Kwayedza

TSUMO NEMADIMIKI­RA NAMUKANYA

-

Mhinduro dzesvondo rapera: Zadzisa zvirevo izvi:

1. Sango rinopa . . . (waneta)

2. Mutakura mombe . . . ihata. (mbudzi)

3. Simba rehove riri . . . (mumvura)

4. Nhamo yemumwe hairambirw­e . . . (sadza) 5. Nherera inoguta musi wafa . . . (mai)

** * Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderan­a nengano iyi:

Tsuro akanga aswera achitamba bhora neshamwari dzake.

Akavhunduk­a paakaona kunze kwasviba asati adzokera kumba kunodiridz­a gadheni.

Nekutya kurohwa namai vake, Tsuro akamhanya kuti atangire amai vake kusvika kumba. Achimhanya kudaro, tsuro akadhumha musika waMbuya Nungu.

Madomasi, hanyanisi nezvimwe zvaive zvakarongw­a zvakati mwarara kwese kwese. Tsuro aifunga kuti achakurumi­dza kusvika kumba, asi akatozonon­okesa. ***

Mhinduro svondo rinouya. . Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe