TSUMO NEMADIMIKIRA NAMUKANYA
Mhinduro dzesvondo rapera: Zadzisa zvirevo izvi:
1. Sango rinopa . . . (waneta)
2. Mutakura mombe . . . ihata. (mbudzi)
3. Simba rehove riri . . . (mumvura)
4. Nhamo yemumwe hairambirwe . . . (sadza) 5. Nherera inoguta musi wafa . . . (mai)
** * Svondo rino:
Tipe tsumo inoenderana nengano iyi:
Tsuro akanga aswera achitamba bhora neshamwari dzake.
Akavhunduka paakaona kunze kwasviba asati adzokera kumba kunodiridza gadheni.
Nekutya kurohwa namai vake, Tsuro akamhanya kuti atangire amai vake kusvika kumba. Achimhanya kudaro, tsuro akadhumha musika waMbuya Nungu.
Madomasi, hanyanisi nezvimwe zvaive zvakarongwa zvakati mwarara kwese kwese. Tsuro aifunga kuti achakurumidza kusvika kumba, asi akatozononokesa. ***
Mhinduro svondo rinouya. . Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007