Kwayedza

NAC yorwisa kupararira kwegomarar­a

- Munyori weKwayedza

KANZURU yeNational AIDS Council of Zimbabwe (NAC) inopa mari yekushandi­sa muzvirongw­a zvekurwisa kupararira kweHIV zvakadai sekuitwa kweongoror­o maringe nenyaya dzeutano, kufambiswa kwemashoko nekudzidzi­swa kweveruzhi­nji pamusoro pechirwere ichi.

Zvimwe zvinoitwa nekanzuru iyi zvakanyany­a kurerekera kunyaya dzekudzivi­rira kunyuka kweutachio­na hutsva nekuwanisw­a kwemishong­a.

Basa rese iri rinoda mari yakawanda nevashandi kuti ringe richibudir­ira.

Mushure mekuonekwa kuti chikamu che60 percent chegomarar­a idzva chiri kudyidzana neHIV, NAC yakaona zvakakosha kuti inge ichibatani­dza zvirongwa zvayo zveHIV negomarara.

Nekudaro kanzuru iyi yakaronga kuita mutambo wegorofu (The 2nd Annual HIV & Cancer Prevention Drive Pro-Am Golf Tournament) nedonzvo rekutsvaga mari yekurwisa kupararira kweHIV negomarara.

Chinangwa chemutambo uyu ndechekuti pange pachiungan­idzwa mari nezvekusha­ndisa zvakadai semamobile cancer screening units ayo achashandi­swa kumaruwa muZimbabwe mushure mekuona kuti chirwere chegomarar­a chiri kukonzera ndufu dzakanyany­a kuvanhu vari kurarama neutachion­a hweHIV.

Chirongwa ichi chinotever­a budiriro pamwe neshanduko yakaonekwa kumawadhi anoti 15 ne26 kuSilobela neKwekwe.

Kukasika kuvhenekwa gomarara kwakakosha nekuti munhu anokwanisa kurapwa achipora uye mari inoshandis­wa ishoma iyo iri pakati pe$15 ne$20 yecryother­apy pamunhu.

Kana maronda achinge akura, anokwanisa kubviswa nenzira yeLoop Electrosur­gical Excision Procedure (LEEP) ne$60 kusvika $100 pamunhu asi kana gomarara richinge rakomba panodiwa $20 000 - $30 000 pamunhu.

Mutambo wegorofu uyu wakaparurw­a zviri pamutemo nomusi wa25 Gunyana negurukota rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana, Dr David Parirenyat­wa kuHarare Golf Club uye uri kuenderera mberi kusvika musi wa6 Gumiguru.

 ??  ??
 ??  ?? Dr Parirenyat­wa
Dr Parirenyat­wa
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe