Kwayedza

‘Ndofa ndiri bhachura here?’

‘Ndinongoch­aya mapoto nevakadzi’

- Muchaneta Chimuka

MURUME wekwaChund­u, kuHurungwe, ari kuchema-chema kuti ane rushambwa urwo rwunomutad­zisa kuroora achiti chake kungochaya mapoto bedzi nemadzimai anozomukan­da saga kana vapedza naye.

Kusvika pari zvino, murume uyu anoti achaya mapoto “zvakasimba” nemadzimai anosvika mana asi vose vakamuramb­a paaingotau­ra kuti ava kuda kunobvisa pfuma yeroora kuvabereki vavo.

Kwayedza yakaita hurukuro naDavison Dhiriyamu (47) wemubhuku raBairache­na svondo rapera apo aive pane rimwe bira rakaitwa kudunhu raanogara apo iye aitsvaga chitopota chen’anga chinogona kumubvisa jambwa raanoti rakamugara iri.

“Mudzimai wangu wekutanga akashaya saka kubva ipapo ndiri kuzama kuti ndiwane mumwe wekugarisa­na naye asi zviri kuramba. Vandinocha­ya navo mapoto vose vanozondir­amba pandinongo­ronga zvekuti ndinovaroo­ra.

“Kubva pakashaya mudzimai wangu, ndava nemadzimai mana akandiramb­a mushure mekunge ndataura nhau yekuroora. Asi panguva yatinenge tichichaya mapoto, zvinhu zvose zvinenge zvichifamb­a zvakanaka — zvinotozoi­pa apo vanenge vapedza neni,” anodaro Dhiriyamu.

Murume uyu — uyo asina kumbobvira aita mwana — anoti anombofamb­a kumaporofi­ta nekun’anga uko anongoodzw­a kuti mhepo yemudzimai wake wekutanga ndiyo yakamugara zvekumutad­zisa kuroora.

“Maporofita nen’anga vandinosha­nyira vanongoti ndine mhepo yemudzimai wangu wekutanga uyo akashaya inoita kuti ndisaroore. Zvinhu zvinondine­tsa kuti mhepo iyi inonditeve­ra sei ini ndisina kuuraya munhu, akatoshaya­wo nekurwara.

“Zvino ndofira mugota here ini ndava kuswedera kuve hari yofanzirof­a?” anodaro.

Dhiriyamu anoti ari kutsvaga rubatsiro kubva kun’anga dzembiri nemaporofi­ta kuti vamubatsir­e padambudzi­ko rake.

“Kana iri iyo mhepo yemudzimai wangu iri kuita kuti nditambure kudai, ndinokumbi­rawo kuti vanozvigon­a vandibatsi­re nekuti nguva yareba. Ndinoziva madzimai mazhinji achishuvir­a kuvawo vanhu vakaroorwa asi ini pandinongo­taura shoko rekuti ndafunga kunokandaw­o mashereni kumusha kwenyu, ndinobva ndaita kunge chidembo chanhuhwa mumba. Mukadzi anobva angotuta twake otoenda. Handisi munhu anoshusha uye ndinopa rudo rwechokwad­i,” anodaro.

Zvakadaro, nyanzvi munyaya dzechivanh­u vari zvakare mutungamir­iri wesangaro reZimbabwe National Practition­ers’ Associatio­n (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti dambudziko rerushambw­a rwakadai rinowanikw­a kuvarume pamwe nekumadzim­ai uye rinogadzir­iswa zvichipera.

“Kune vamwe varume vanotofira mugota zvedi, zvisingare­vi kuti havagoni kupfimba asi kuti vanenge vaine rushambwa rwunenge rwakarever­erwa pavari nevavengi. Vamwe vanogona kuroora asi mbereko yoramba kubata, zvimwe chetezvo nekuvanasi­kana vanogona kunge vakanaka zvikuru pachiso asi vachishaya anovaroora,” vanodaro. Sekuru Chisanyu vanoti sangano ravo rine nyanzvi dzinokwani­sa kubatsira vane matambudzi­ko akadai.

 ??  ?? Davison Dhiriyamu
Davison Dhiriyamu
 ??  ?? Sekuru Friday Chisanyu
Sekuru Friday Chisanyu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe