Kwayedza

NGOMA: 'VECHIDIKI SIYANAI NEZVINODHA­KA':

- Malven Mugadzikwa

MUIMBI ari kusimukira mumusambo weZimfusio­n - Kudzie Savanhu - anoti vechidiki vanofanira kuzvicheng­etedza vosiyana nekutora zvinodhaka sezvo vari ivo vatungamir­iri vemangwana.

Savanhu anotaura mashoko aya mushure mekubura kambo kake kanonzi “Handei Kure”.

“Vechidiki mazuvano vava kuvarairwa pamwe nekunakirw­a nezvinoura­ya ramangwana ravo. Vazhinji vavo vave kutora zvinodhaka, kunyanya vakomana kuchitiwo vasikana vari kuita zvevakoman­a nekudanana nevanhu vakuru kwavari nekuda mari. Zvese izvi zviri kupa vechidiki sarudzo dzinouraya hupenyu hwavo uye ramangwana ravo,” anodaro Savanhu.

Savanhu anoti nziyo dzake dzakananga­na nekudzidzi­sa vechidiki tsika nemagariro uye dzimwe dzacho ndedzerudo.

Anoti shuviro yake ndeyekuona ramangwana revechidik­i rakanaka.

Savanhu anoti kambo kake katsva aka - “Handei Kure” ndekerudo uye kari pamusoro pevanhu vanodanana vaine tarisiro yekuzosvik­a pakurooran­a pasina kutambisir­ana nguva. Kudzie Savanhu

“Nerimwe divi, kanodzidzi­sawo kunyanya vanasikana kuti varonge nzira dzavo dzerudo vachitaris­ira michato kwete zvenguva diki kana kunakirwa. Ichenjedzo kumwanasik­ana kuti azvichenge­tedze aone kukosha kwehusikan­a kwete kuzopedzis­ira apihwa pamuviri asina kutarisira zvinozoita kuti apedzisire atadza kuroorwa,” anodaro Savanhu.

Zvakadai, Savanhu anoti ari kutarisira kubuditsa dambarefu rake rechipiri munguva pfupi iri kutevera iro richange riine nziyo nomwe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe