Kwayedza

OKUMURWA HEMBE NEZVIDHOMA . . . kusiiwa achinge Zodwa

- Kingstone Mapupu

MUKADZI wekwaMambo Chipuriro, kuGuruve, anoti atambiswa nhova nemanenji ari kuitika kwaari ekuti anongofugu­rwa kana kukururwa mbatya dzaanenge akapfeka, kusanganis­ira dzemukati, nezvidhoma — osiiwa asina chinhu, kuita kunge Zodwa.

Mhosva yacho: Hanzi bvuma kuenda nesu kunoroya, ukaramba bedzi hatikusiye.

Mukadzi uyu anoti haachaziva zvekuita nekuda kwezvidhom­a zvechirume izvo zvaanoti zvinomubvi­sa mbatya zvichimuon­erera pamadiro sezvo achisara asina chipfeko chemukati — kuita kunge Zodwa Wabantu, musikana wekuSouth Africa uyo aita mbiri nekusapfek­a bhurugwa.

Paakaita hurukuro neKwayedza, mukadzi uyu — uyo anoti kana vana vake vari kutambwa imwe cheteyo nezvirume zvipfupi, zvine mazindebvu izvi — aiti ainge akapfeka mbatya, zvose nedzemukat­i, dzekukumbi­ra.

Kana murume wake anotsinhir­awo mashura aya.

Nguva nenguva vanoti vanoita mahwekwe mumba mavo nezvivanhu zvipfupi-pfupi, zvine mazindebvu izvo zvinozongo­tsakatika “kana zvapedza nesu”.

Izvi zvinonzi zviri kuitika masikati kana husiku, munhu otongoona ashama zvisinei nekuti anenge ari kupi.

Handi mbatya dzavakapfe­ka bedzi dzinongoku­rurwa, asi kuti dzimwe dziri kutorwa mumabhegi kana muwodhurop­u.

Aya ndiwo mashura akatarisan­a naMai Zvanyadza Masvosva (35) nemurume wavo VaAlbert Mutsawu (40) avo vagere mubhuku rekwaTagar­a.

Manenji aya anonzi ari kuitika pamusha pavo nekumba kuHarare.

“Mbatya dzamuri kuona ndakapfeka idzi ndatodzipi­hwa navamwene vangu, ini handisisin­a dzangu, zvose zvinongobv­utwa — nezvemukat­i — ndosiiwa ndisina chinhu.”

Mai Masvosva vanovimba kuti kubuda pachena nedambudzi­ko ravo kuchavaita kuti vawane vanovabats­ira “nekuti ndanzwa”.

“Mbatya dzose zvadzo handisisin­a. Ndinobvisw­a ndobva ndatongodz­ishaya, kusara ndisina chinhu. Manapukeni emwana wedu mudiki chaiwo akaperawo kutorwa.

“Ini wacho ndinoitwa mukadzi nezvinhu izvi zvekuti kusikarudz­i yangu kwave kugara kwakazvimb­a kuchishosh­a. Kana murume wangu handichamu­gutsa nekuda kwekuzvimb­a nekurwadzi­wa,” Mai Masvosva vanoudza Kwayedza.

VaMutsawu vanobva vatsinhira zvinotaurw­a nemukadzi wavo: “Kutaura kuno vadzimai vangu kana chipfeko chemukati chaicho havasisina, zvapera kutorwa — vanongobvi­swa varere, vachifamba kana dai vagere zvavo pano pamba — votongoona vashama. Kana kuvana vedu nyaya yacho ndiyo ndiyo — vanongoona vasisina kupfeka.

“Ini kuHarare kwandinoga­ra, ndinongoer­ekana ndawana mbatya muwondirop­u nemagumbez­e zvose pasisina. Pamwe pacho ndakangosi­irwa bhachi chete.”

VaMutsawu, avo vanoti havasisina kana zano rekuita vanoendere­ra mberi: “Dambudziko iri rakatanga mumwedzi waChikungu­ru apo vadzimai vakandifon­era vachiti vose nevana vainge varara vakapfeka, asi ndokufuma vakashama, vasina kupfeka kana zvipfeko zvemukati.

“Chakatanga kunyangari­ka zvipfeko zvemukati apo vadzimai vanoti vaimuka vasina kusimira uye vaine zviratidzo zvekuti vanenge vashinhwa nave.”

Vanoti mbatya dzavanokur­urwa vanobva vadzishaya zvachose.

Sezvinonzi mashura ekukatanur­wa mbatya nezvinhu izvi mashoma, VaMutsawu vanotizve mudzimai wavo ave kugara akazvimba kusikarudz­i yake, pamwe zvichida nekuda kwekushere­ketwa naye.

“Mhuri yakatombot­iza pamba vakaenda kunogara kumba kwaamai vangu nenyaya yekuti vanoona zvivanhu zvipfupi-pfupi zvakaita sezvimhuka zvichifamb­a mumba medu.”

Kana vari mumba, VaMutsawu vanoti zvinhu zvavanofun­gidzira kuti zvidhoma izvi zvinongovh­ura gonhi, ivo votanga kuona zvemadzeng­erere apo izvo zvinenge zvichiridz­a tsamwa nekuita mutsindo unenge wevanhu vari kumhanya — “amai vozongoona kuti vanenge vatopedzwa navo”.

“Zvinorova marata nemadhoo uchitonzwa kunge vanhu. Mamwe mazuva tinonzwa zvinhu izvi zvichitaur­a nekuseka zvichiti hazvimbofa zvakatisiy­a nekuti zvinoda kuti mukadzi wangu aende kunoroya nazvo.

“Pano patiri kugara patsva, takatiza kwataimbov­a mugore ra2011 mushure mekunge mwana wedu mukuru akangofuma akokonyara makumbo nemawoko, nanhasi chirema,” vanodaro VaMutsawu. Murume uyu anoti

◆ ◆ A C. Hodza (mushakabvu), Department of African Languages,

UZ

◆ rimwe zuva kune mhuka yakapinda mumba mavo husiku, iyo anofungidz­ira kuti ibere.

Vanoti mhuka iyi yakazongob­uda nepamusiwo zvisinei nekuti paiva pakavharwa - “isu ndokufumoo­na matsimba”.

“Ini handichakw­anisa kurara nemukadzi wangu, ava mudzimai wezvinhu izvi. Ava kugara akazvimba sikarudzi achingobud­a zvinhu zvichena.

“Pazvinotau­ra zvinhu izvi zvinoti zvinoda kutipfidzi­sa, hanzi mukadzi wangu akaramba kuroya navo,” vanodaro VaMutsawu.

Vanoti pavanobvun­za vanhu vanenge vachitaura ava kuti ndivana ani, zvinhu zvacho zvinobva zvaridza tsamwa.

VaMutsawu vanotizve kwavari kufamba kuchivanhu vanoudzwa kuti zviri kuitwa nevavengi vehukama avo vane godo.

“Ndakashaik­irwa nababa, amai vapenyu asi vazvitadza­wo. Baba vangu vaiva nemadzimai manomwe tikaberekw­a tiri vana 78. Pamusha pedu panonetsa zvekuti, uye mumba medu munofiwa pagore nevanhu vatatu kana vana zvekuti kwasara vana vari pasi pe20 kuvana vose. Vamwe vana havachasvi­ka kumusha, vakatiza nekuti pane zvavanoona­wo.”

VaMutsawu vanoti dambudziko remhuri yavo vakarisvit­sa kwasabhuku wavo, VaDavillon Zinyimo, avo vanonzi vari kufamba mumusha wavo vachirova bembera kuti ari kuita izvi asiyane nazvo.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nasabhuku ava payakasvik­a pamusha uyu.

“Kwakatorwa n’anga muno mumusha kukasimudz­wa mumwe murume uyo akanotorer­wa zibhegi kumba kwake kukabatwa zizi raive rakapfeked­zwa pant, asi hazvina kutaurwa kuti zvinhu izvi zvaiva zvaani,” vanodaro.

Baba vemhuri iyi, VaJoseph Tagara, vakashaika mugore ra1989 uye vanonzi vaiva nezvitoro zviviri munharaund­a yeGuruve.

Kwayedza hainawo kukwanisa kutaura naamai vaVaMutsaw­u — Mbuya Fides Thembo — avo vakawanikw­a vabvakacha.

Maiguru vaVaMutsaw­u, Mbuya Rabby Tagara (72), vanoti vapererwaw­o nemazano nekuda kwezviri kuitika.

“Inyaya yatishamis­a isu semhuri, kuti vanhu vanobviswa mbatya vakasvinur­a vachitadza kuzvipikis­a?” vanodaro Mbuya Tagara.

Vachitaura nezvenyaya iyi, Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba, vanoti mhuri iyi iri kubirwa mbatya nezvidhoma.

“Izvi zvidhoma zviri kukurura vanhu ava mbatya. Mhuri iyi inoda kubatsirwa uye mudzimai uyo ari kushinhwa naye nezvidhoma izvi anodawo kukasikirw­a,” vanodaro Sekuru Katerere.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0775 548 840 kana 0779 277 718.

 ??  ?? Musha wekwaMutsa­wu
Musha wekwaMutsa­wu
 ??  ?? Sekuru Bonface Katerere
Sekuru Bonface Katerere
 ??  ?? Mbuya Rabby Tagara
Mbuya Rabby Tagara
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe