Kwayedza

BABA MATIPEDZA: VANASIKANA

- Kingstone Mapupu

YAKAVE batai-batai pachirongw­a cheTilder Live Show panhepfeny­uro yeStar FM nemusi weChipiri svondo rino apo mumwe murume, uyo ari kupomerwa kuti anoita vanasikana vake vakadzi achishandi­sa mishonga, akangoerek­ana apinda mustudhiyo maive nevana ava zvakaita kuti vose vafende.

Vasikana vaviri vekuDombos­hava, kuGoromonz­i ava - avo vatichapa mazita ekuti Chido (25) naChipo (20) - vakange vapotera kuchirongw­a ichi vachitsvag­a rubatsiro vachiti vane dambudziko rekugara vachiguswa vhudzi rekusikaru­dzi nemunhu wavasingao­ne uye vanoitwa vakadzi nevarume kuhope.

Uku vakange vaperekedz­wa naamai vavo, avo vatichango­ti Rungano (45), apo baba vavo - Aswell - vakangoere­kana vapinda mustudhiyo pasina aizvitaris­ira.

Chirongwa ichi chaiitwa naOwen “Ollah 7” Madondo.

“Tinogerwa vhudzi redu rakavandik­a, kuveurwa chaiko tichizongo­fuma pasina chinhu. Asi, pazvinoitw­a hatizvinzw­e. Tinofumawo tiine zviratidzo zvekuti tiri kuitwa vakadzi tirere nevarume vatisingan­yatsoona. Izvi zvinonyany­a kuitika panguva yedu tose yekutevera apo tinoguma tasvitsa mazuva gumi tichijuja ropa,” anodaro Chido.

Vasikana ava vanoti dambudziko iri rakatanga mugore ra2015.

“Kwatinofam­ba tinonzi ndibaba vedu vanoita izvi nekuda kwemishong­a yavakabva nayo kuMalawi. Hatiwane varume vekudanana navo kana vanoda kutiroora, watinoona bedzi ndibaba vedu vachitipin­dira mumba vachishinh­a nesu. Tatambura!” anodaro Chido.

Amai vevasikana ava vanoti pakutanga pavaitauri­rwa dambudziko rine vana vavo vaifunga kuti kunyeba.

“Kwandinofa­mba nevana tinonzi vana vari kuitwa vakadzi nababa vavo asi handizvion­e kuti baba ava vanomuka nguvai vachienda kuvana vedu. Pamwe ndinosiya ndaisirwa duri ndoti munhu, hamheno,” vanodaro amai ava, Rungano.

Chido anoti chimwe chinovanet­sa ndechekuti kwose kwavanofam­ba vachida kubatsirwa - kungave kumaporofi­ta kana kun’anga - vanoshamis­ika kuwana baba vavo vatoveko.

“Baba vedu vanofember­a kuburikidz­a nemishonga yavo kuti taenda kwakati, tovawana vavako,” anodaro Chido.

Pavaironde­dzera dambudziko ravo, Aswell akazoereka­na apinda mustudhiyo chirongwa ichi chiri pakati zvikaita kuti vasikana ava varidze mhere.

Vasikana ava vakatanga kubongomor­a kuchema ndokumhany­a

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe