BABA MATIPEDZA: VANASIKANA
YAKAVE batai-batai pachirongwa cheTilder Live Show panhepfenyuro yeStar FM nemusi weChipiri svondo rino apo mumwe murume, uyo ari kupomerwa kuti anoita vanasikana vake vakadzi achishandisa mishonga, akangoerekana apinda mustudhiyo maive nevana ava zvakaita kuti vose vafende.
Vasikana vaviri vekuDomboshava, kuGoromonzi ava - avo vatichapa mazita ekuti Chido (25) naChipo (20) - vakange vapotera kuchirongwa ichi vachitsvaga rubatsiro vachiti vane dambudziko rekugara vachiguswa vhudzi rekusikarudzi nemunhu wavasingaone uye vanoitwa vakadzi nevarume kuhope.
Uku vakange vaperekedzwa naamai vavo, avo vatichangoti Rungano (45), apo baba vavo - Aswell - vakangoerekana vapinda mustudhiyo pasina aizvitarisira.
Chirongwa ichi chaiitwa naOwen “Ollah 7” Madondo.
“Tinogerwa vhudzi redu rakavandika, kuveurwa chaiko tichizongofuma pasina chinhu. Asi, pazvinoitwa hatizvinzwe. Tinofumawo tiine zviratidzo zvekuti tiri kuitwa vakadzi tirere nevarume vatisinganyatsoona. Izvi zvinonyanya kuitika panguva yedu tose yekutevera apo tinoguma tasvitsa mazuva gumi tichijuja ropa,” anodaro Chido.
Vasikana ava vanoti dambudziko iri rakatanga mugore ra2015.
“Kwatinofamba tinonzi ndibaba vedu vanoita izvi nekuda kwemishonga yavakabva nayo kuMalawi. Hatiwane varume vekudanana navo kana vanoda kutiroora, watinoona bedzi ndibaba vedu vachitipindira mumba vachishinha nesu. Tatambura!” anodaro Chido.
Amai vevasikana ava vanoti pakutanga pavaitaurirwa dambudziko rine vana vavo vaifunga kuti kunyeba.
“Kwandinofamba nevana tinonzi vana vari kuitwa vakadzi nababa vavo asi handizvione kuti baba ava vanomuka nguvai vachienda kuvana vedu. Pamwe ndinosiya ndaisirwa duri ndoti munhu, hamheno,” vanodaro amai ava, Rungano.
Chido anoti chimwe chinovanetsa ndechekuti kwose kwavanofamba vachida kubatsirwa - kungave kumaporofita kana kun’anga - vanoshamisika kuwana baba vavo vatoveko.
“Baba vedu vanofembera kuburikidza nemishonga yavo kuti taenda kwakati, tovawana vavako,” anodaro Chido.
Pavairondedzera dambudziko ravo, Aswell akazoerekana apinda mustudhiyo chirongwa ichi chiri pakati zvikaita kuti vasikana ava varidze mhere.
Vasikana ava vakatanga kubongomora kuchema ndokumhanya
◆