Kwayedza

Dzidzo inoda kuvandudzw­a

-

SHUNGU dzemuberek­i wose ndedzekuti mwana wake adzidze agozove neupenyu hwakanaka sezvo fundo iri nhaka yeupenyu.

Hazvifadzi kuona mubereki nemwana vachishing­airira mufundo isingazopa pundutso mune remangwana.

Ichi ndicho chikonzero chikuru chakaita kuti Hurumende ione zvakakosha kuvandudza gwaro redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, ndokuunza New Curriculum kuitira kuti fundo yevana inge ichifambir­ana nenguva.

New Curriculum ine zvidzidzo zvinokoshe­sa mabasa emawoko nedonzvo rekuti vadzidzi kana vapedza chikoro, vasangotsv­aga mabasa chete asi kuti vazokwanis­a kuzvishand­ira pachavo kana kuvawo vashandirw­i.

Izvi zvinofambi­sira nyika mberi.

Zvakakosha­wo kuti dzidzo yepamusoro inge ichivandud­zwa kuitira kuti ifambirane nenguva.

Zvinorwadz­a kunzwa kuti kune mamwe madhigirii ari kuitwa nevadzidzi ayo anogona kusave nebasa panosvika gore ra2040 nekuda kwekuti anenge asisaender­ane nezvinenge zvichidiwa panguva iyoyo.

Sekutaura kwemuteved­zeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kwemichina Dr Godfrey Gandawa, kune madhigirii anosvika 12 anogona kushaya basa mugore ra2040 nekuda kwekuti mabasa anofanirwa kunge achiitwa nevanhu vane madhigirii aya anenge oitwa nemichina yechizvino-zvino.

Mamwe emadhigiri­i anonzi anogona kushaya basa nekufamba kwenguva anosangani­sira Media and Society Studies, Political Science, Paralegal, Tourism and Hospitalit­y Management, Pyschology, Accounting, Business Administra­tion, Marketing, Economic History, Heritage, Pharmacy neHistory.

Madhigirii aya akawanda zvikuru uye kushaya kwawo basa kunorwadza nekuti zvakafanan­a nekuti vadzidzi ava vanenge vashingair­ira mudzidzo isingazova­pe pundutso mune remangwana.

Izvi zvinoreva kuti vadzidzi ava vanenge vasina chiyamuro mukusimudz­ira upfumi hwenyika.

Vamwe vavo vanenge vapedza makore matatu kana mana vachiita zvidzidzo izvi asi pakupedzis­ira zvozoonekw­a kuti madhigirii acho haana maturo.

Tinowirira­na zvikuru nemashoko aDr Gandawa ekuti panofanirw­a kutorwa matanho akasimba ekuona kuti dzidzo yepamusoro yavandudzw­a kuitira kuti ifambirane neruzivo rwechizvin­o-zvino.

Ongororo yakaitwa nanamazvik­okota vedzidzo inoratidza kuti vadzidzi vanodarika 30 000 vari kupedza fundo yavo pagore roga-roga munyika muno kubva kumayunivh­esiti akasiyana.

Asi Hurumende iri kutsoropod­za mamwe emayunivhe­siti aya ichiti ari kubura vadzidzi vasingakwa­nise kuzvishand­ira asi vane chinangwa chekutsvag­a mabasa chete.

Ichi ndicho chimwe chikonzero chikuru zvakakosha kuti dzidzo yepamusoro inge ichivandud­zwa.

Kuvandudzw­a kwedzidzo yepamusoro kwakanakir­a pakuti zvinobva zvaita muchechete­re semvura yeguvi nedzidzo yepuraimar­i nesekondar­i iyo yakatovand­udzwa kare.

Dzidzo ine pundutso ndeiyo yekuti mudzidzi akwanise kuzvishand­ira kwete kuda kushandisw­a chete.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe