Musoro weshato uri kushaikwa
ZINYOKA rerudzi rweshato iro rinonzi nevagari vekuHatcliffe, muHarare, raiita tsika yekuzambira mushana panzvimbo yeko inozivikanwa seConsortium, rakazouraiwa neveruzhinji musoro wacho ukatsakatika.
Hapana ari kutaura kuti musoro weshato iyi wakatorwa nani uye nechinangwa chei.
Vakataura neKwayedza mumusha unogara veruzhinji uri pedyo neBorrowdale uyu vanoti vanga vashungurudzwa neshato iyo yaitozivikanwa kuti yaibuda mumvura mangwanani oga-oga nenguva dza10, yoswera yakavandarira zuva izvo zvinonzi zvange zvave nenguva yakareba zvichiitika.
Nemusi weSvondo wadarika, shato iyi inonzi yakazotemwa nemabwe ikafa mushure mekunge yaenda pane imwe imba.
Pasi pemutemo yemuZimbabwe, shato haitenderwe kuuraiwa uye anotyora murawo uyu anosunga.
Muhurukuro naVaChenjerai Karumazondo (47), avo vanova muridzi wepamba pakaurairwa nyoka iyi, vanoti yakasvika pamba pavo iine hukasha zvichikonzerwa nekutemwa kwayaiitwa nevanhu vakazoiuraya.
“Nyoka iyi yange yanetsa nekuchinja nzvimbo dzayaivandarira mushana mazuva ose mushure mekuchekwa nekupiswa kwesora repayaigara. Chimwe chandinofunga kuti chakaitika kuti isvike kuno pamwe yakanzwa hwema hwehuku netsuro dzandinochengeta pano.
‘‘Ndizvo zvakaita kuti iuye ndokuonekwa husiku nevaibva kubhawa avo vanonzi vakambofunga kuti raiva danda nekuda kwekukura kwayaive yakaita.
“Payakazoonekwa yava muzasi memba yangu, vanhu vakaungana vakaitema nematombo kusvika yadamburwa musoro asi hatina kuona kuti musoro wayo wakaenda kupi,” vanodaro VaKarumazondo.
Vanoenderera vachiti semaonero avo, nyoka iyi inogona kunge yakange yave nemakore anosvika masere okuberekwa.
“Nyoka iyi yakakura zvekuti kuuya kwayo yaiva ichida kubata chekudya chihombe nekuti kudhamu kwayaigara hakuna chekudya chaigona
◆ — Mifananidzo naTariro Kamangira