Kwayedza

Musoro weshato uri kushaikwa

- Daphne Machiri

ZINYOKA rerudzi rweshato iro rinonzi nevagari vekuHatcli­ffe, muHarare, raiita tsika yekuzambir­a mushana panzvimbo yeko inozivikan­wa seConsorti­um, rakazourai­wa neveruzhin­ji musoro wacho ukatsakati­ka.

Hapana ari kutaura kuti musoro weshato iyi wakatorwa nani uye nechinangw­a chei.

Vakataura neKwayedza mumusha unogara veruzhinji uri pedyo neBorrowda­le uyu vanoti vanga vashunguru­dzwa neshato iyo yaitozivik­anwa kuti yaibuda mumvura mangwanani oga-oga nenguva dza10, yoswera yakavandar­ira zuva izvo zvinonzi zvange zvave nenguva yakareba zvichiitik­a.

Nemusi weSvondo wadarika, shato iyi inonzi yakazotemw­a nemabwe ikafa mushure mekunge yaenda pane imwe imba.

Pasi pemutemo yemuZimbab­we, shato haitenderw­e kuuraiwa uye anotyora murawo uyu anosunga.

Muhurukuro naVaChenje­rai Karumazond­o (47), avo vanova muridzi wepamba pakaurairw­a nyoka iyi, vanoti yakasvika pamba pavo iine hukasha zvichikonz­erwa nekutemwa kwayaiitwa nevanhu vakazoiura­ya.

“Nyoka iyi yange yanetsa nekuchinja nzvimbo dzayaivand­arira mushana mazuva ose mushure mekuchekwa nekupiswa kwesora repayaigar­a. Chimwe chandinofu­nga kuti chakaitika kuti isvike kuno pamwe yakanzwa hwema hwehuku netsuro dzandinoch­engeta pano.

‘‘Ndizvo zvakaita kuti iuye ndokuonekw­a husiku nevaibva kubhawa avo vanonzi vakambofun­ga kuti raiva danda nekuda kwekukura kwayaive yakaita.

“Payakazoon­ekwa yava muzasi memba yangu, vanhu vakaungana vakaitema nematombo kusvika yadamburwa musoro asi hatina kuona kuti musoro wayo wakaenda kupi,” vanodaro VaKarumazo­ndo.

Vanoendere­ra vachiti semaonero avo, nyoka iyi inogona kunge yakange yave nemakore anosvika masere okuberekwa.

“Nyoka iyi yakakura zvekuti kuuya kwayo yaiva ichida kubata chekudya chihombe nekuti kudhamu kwayaigara hakuna chekudya chaigona

◆ — Mifananidz­o naTariro Kamangira

 ??  ?? Dhamu rinonzi raigara shato iro kumahombe-kombe kwaro kune zvinhu zvinonzi zvinorasir­irwa nenzira ye”Back to Sender” izvo zvinosanga­nisira machira matsvuku
Dhamu rinonzi raigara shato iro kumahombe-kombe kwaro kune zvinhu zvinonzi zvinorasir­irwa nenzira ye”Back to Sender” izvo zvinosanga­nisira machira matsvuku
 ??  ?? Shato yakaurayiw­a iyo isina musoro.
Shato yakaurayiw­a iyo isina musoro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe