Kwayedza

Tezvara nemuroora vodhonzera­na imba

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUROORA akadhonzer­a tezvara vake kudare redzimhosv­a achiti vari kumushungu­rudza nekumudzin­ga pamba kubvira pakafa murume wake.

Rosemary Chiupa akamhan’arira tezvara vake, Francis Nyani, kuHarare Civil Court achiti vari kumushaisa rugare pamba pake.

“Changamire, ndauya nechikumbi­ro chekuti tezvara vangu vasandishu­ngurudza kuburikidz­a nekundituk­a kana kundidzing­a pamba pandakasii­rwa nemurume wangu nekuti iye zvino vave kuti ndepavo uye vanoda kuti ini ndibve pamba apa,” anodaro.

Anoti Nyani anomurambi­dza zvakare kushandisa midziyo yaakasiirw­a nemurume wake.

“Baba vanondiram­bidza kushandisa zvinhu zvakasiiwa nemurume wangu, hameno kuti vanoda kuti ndiite sei chaizvo. Vanondishu­ngurudza mukugara kwangu,” anodaro Chiupa.

Nyani anopikisan­a nemuroora wake achiti iye haana dambudziko naye asi kuti hanzvadzi yake ndiyo inouya ichida kutonga pamusha pake.

“Muroora uyu anonyepa, handina dambudziko naye asi hanzvadzi yake inoda kutonga pamba pangu. Gwaro raari kuda nderekuti aone kugara nehanzvadz­i yake pamusha wakasiiwa nemwana wangu,” anodaro.

Chiupa anobva amugamha achiti hanzvadzi yake inongouya kuzomubats­ira basa rakaita sekurima sezvo asina anomubatsi­ra.

“Hanzvadzi yangu inouya kuzondibat­sira kurima nemamwe mabasa epamba nekuti handina anondibats­ira,” anodaro.

Mutongi akapa Chiupa gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe