Kwayedza

Nyakupopot­a mudare ogadzikwa mudhishi

- Lizzy Mushoriwa

MURUME wekuzvidza dare nekuramba achipopota mushure mekunge anzi nemutongi anyarare akazozvide­mba apo akatongerw­a kubvisa faindi ye$20 uye kukundikan­a kwake achagara mujeri kwemazuva gumi.

Trevor Sigauke akaramba achipaumba apo ainge amhan’arirwa kudare reHarare Civil Court nemukadzi wake, Vongai Bora, achida kuti abhadhare mari yekuchenge­ta vana vavo.

“Changamire, ndauya pano nechikumbi­ro chekuti baba ava vachengeta vana vavo. Tine vana vatatu tose uye vaviri vanoenda kuchikoro saka ndinoda kuti andipe $355 pamwedzi,” anodaro Bora.

Anoti iye anowana $20 pamwedzo iyo isingakwan­e kuchengeta vana.

“Asi baba vanoshanda uye vanowana $400 pamwedzi. Saka ngavandipe mari vana vararame,” anodaro.

Sigauke anopikisan­a nemashoko emukadzi wake achiti hapana mari yaanomupa.

“Hapana mari yandinomup­a, anoidii uye ndomupa kangani ini ndichiti pese pandinohor­a ndomupa mari yose?

‘‘Chikafu ndinotenga uye vana ndinocheng­eta,” anodaro achipopota.

Mutongi Nyasha Marufu anozama kunyararid­za Sigauke kuitira kuti iye ataure asi zvinoshaya basa sezvo achiramba achipopota.

“Hapana chandinony­ararira, anoda kundi’fixer’ chete nekuti akaona tsamba dzeshamwar­ikadzi mufoni. Ndizvo zvaari kuitira zvose izvi,” anodaro.

Mutongi Marufu anoti nekuda kwekuti haazi kuterera zvinorehwa nedare kuti anyarare, nyaya yake ichazotong­wa mushure mekunge dzimwe dzose dzatongwa, izvo zvinoita kuti Sigauke abva anyanya kupopota.

Mutongi Marufu anobva atemera Sigauke chirango chekubvisa faindi ye$20 uye kukundikan­a kwake anozonodya refovhoro kwemazuva gumi mushure mekumubata nemhosva yekuzvidza dare.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe