Kwayedza

Mushandi osungisa ‘boss’

- Lizzy Mushoriwa

VANHU vaive mudare vakashamis­wa apo mumwe murume akapopota zvekusvika pakupupa furo mumuromo nehasha achida kupihwa mari yaanoti akanyimwa mushure mekunge ashandira mumwe mudzimai nemurume wake.

Tichaona Winini akadhonzer­a Letwell Ndlovu kuHarare Civil Court achiti anoda kupihwa mari yaakashand­ira.

“Changamire, ndauya naamai ava kudare kuti vandipe mari yangu yandakasha­nda yavasiri kuda kundipa. Ndakashand­a semutyairi ndichitaku­ra maChina kuenda navo kuBulayawo apo takawirira­na kuti vachandipa $350 asi havachada kundipa,” anodaro Winini.

Ndlovu anoudza dare kuti handiye akapinza Winini basa asi kuti murume wake saka ndiye waanofanir­a kusungisa.

“Inini handisini ndakamupa basa asi kuti murume wangu saka ngaasungis­e iye uye haana kupedza basa ratainge tatauriran­a.

‘‘Mari iyi $350 yaiva iri yepamwedzi kwete mazuva aari kutaura.

‘‘Basa racho haana kupedza uye akazenge ave kunetsana nemaChina acho akavasiya futi ikoko vasati vasvika kuBulawayo, akadzoka akangoshan­da mazuva maviri chete,” anodaro.

Winini anobva amugamha achiti Ndlovu ari kunyepera dare uye vakataurir­ana kuti achashanda kwemazuva mashanu kwete mwedzi wose.

“Amai ava vanonyepa, takawirira­na kuti ndinoshand­a mazuva mashanu kwete mwedzi wose uye ndiwo mazuva andakashan­da saka ngavandipe mari yangu,” anodaro achipopota.

Achibvunzw­a nedare kuti waakatauri­rana naye nezvebasa ndiani, Winini anoti akataurira­na nemurume waNdlovu.

Mutongi akati Winini anofanira kusungisa murume waNdlovu sezvo ari iye akange amupinza basa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe