Kwayedza

‘Inhema dzako, hatina kurambana’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUDZIMAI nemurume vakakakava­dzana mudare pamusoro penyaya yekuti vachiri kugara vose here kana kuti kwete, apo mumwe aiti vakaramban­a asi nerimwewo divi mumwe achiti vachiri vose.

Silvia Mhanda akaendesa Munyaradzi Makoni kuHarare Civil Court achiti haasi kuchengeta mwana saka ari kuda $100 pamwedzi.

“Ndauya kuno nekuti murume wangu haasi kuchengeta mwana. Akandipawo $100 ndinobatsi­rika,” anodaro Mhanda.

Anoenderer­a mberi achiti iye anowana $15 pamwedzi nekuti anoita zvekutenge­sa asi Makoni ndigadhi anohora $250 pamwedzi.

“Mwana kuti ndichenget­e ndega ndaida asi mari haisi kundikwani­ra,”anodaro.

Makoni anoti anokwanisa kubvisa $30 pamwedzi.

“Ndinoda kumupa $30 yekubatsir­idza pakuchenge­ta mwana nekuti ndinotambi­ra $214 kwete yaari kutaura iyo,” anodaro.

Anoti imwe yasara ndeyakewo yekubhadha­ra imba nekutenga zvekudya zvake.

“Handichaga­ra naye mudzimai uyu, takasiyana muna Kubvumbi, ndava kugara kuKariba iye ari kugara nasisi vake. Saka ndinodawo mari yekuendesa kubasa, kutenga zvekudya nekubhadha­ra imba,” anodaro.

Mhanda achibvunzw­a nedare kuti angaide here $30 yataurwa, anoramba achiti Makoni anonyepa, haasi kugara oga asi vanogara vose.

“Ari kunyepa kuti haagare neni, tinogara tose. Hatina kurambana chingoripo ndechekuti ari kugara kubasa ndosaka asiri kuuya kumba asi tichiri takarooran­a,”anodaro Makoni.

Mutongi Nyasha Marufu akati Makoni abhadhare $60 pamwedzi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe