Kwayedza

Chitunha chemwana kuseri kwe‘door’

- Muchaneta Chimuka

VAGARI vekwaJacha kuEpworth, muHarare, vakasara vasina neremuromo nguva pfupi yadarika apo mumwe mudzimai weko akaenda kunoramwir­a chitunha chemwana wake mucheche kumba kwehanzvad­zi yemurume waari kupomera kuti ndiye akamupa mimba.

Nyevero Matanhuse (33) anoti akamitiswa naDickson Mutize zvisinei nekuti murume uyu ari kuzviramba.

Matanhuse anonzi akazosunun­guka mwana uyo akazofa ave nemwedzi mipfumbamw­e yekuberekw­a.

Mushure mekufa kwemwana uyu, Matanhuse anonzi akabatsirw­a nevamwe vanhu kutakura mutumbi wake ndokuenda kunouramwi­ra pamba pehanzvadz­i yaDickson inonzi Agnes Mutize (32) sezvo Dickson achigara kuKaroi.

Agnes anotsinhir­a chiitiko ichi achiti Matanhuse akaramwira chitunha chemwana uyu kumba kwake.

“Ini zvangu ndakange ndagara ndanyeurir­wa nemumwe sahwira wangu kuti paive nevanhu vari kuronga kuzoramwir­a chitunha chemwana wavo pamba pangu. Saka ndakagara ndabva pamba ndikanorar­ira kumwe, asi vana ndavakasiy­a pamba.

“Mangwana acho makuseni, kuma6, ndava kubva kwandakara­ra kuye, ndipo pandakaona Matanhuse aine vamwe vanhu vakabata mwana akafa uya vachibva vamutsveta kuseri kwemusuwo wemba yangu. Ndakaenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaDombora­mwari uye pandakadzo­ka ndakawana chitunha chemwana uyu chaiswa mumba chaimo, chakaputir­wa nemachira,” anodaro.

Anoenderer­a mberi: “Patakaenda kumapurisa, hapana dhoketi rakavhurwa asi vakayambir­a Nyevero kuti aende kunotora mwana wake avige vachiti akanga apara mhosva pakuramwir­a mwana mumba mangu pachinzvim­bo chekuti atsvage baba vemwana.”

Agnes anoti mushure mekupindir­a kwemapuris­a, Matanhuse akazodzoka nevamwe vake ndokutora mutumbi wemwana uya vachibva vanouviga kumakuva ari kwaChiremb­a, ikoko kuEpworth zvisinei nekuti kunze kwakange kwatosviba.

Matanhuse akaudza Kwayedza kuti Dickson ndiye baba vemwana akafa uyu.

“Takatombog­ara tese naDickson pamba patete Agnes kwandakano­ramwira chitunha chemwana ichi nekuti vanoziva nyaya yacho. Kubva kwandakait­a pamba patete ndava kunoroja, yaiva nyaya yekuti vakanga vati havachakwa­nisa kutichenge­ta vakatipa choto vachiti tibike toga. Tete Agness naBernard vanogona kuramba havo asi nyaya yemwana vanoiziva kubvira ichiri nhumbu,” anodaro Matanhuse.

Anoti musi washaya mwana, akatomboed­za kufonera Dickson asi nhare yake yaisabatik­a zvikaita kuti atume mwana kunosheved­za Agnes uyo akati aisakwanis­a kuuya.

“Muridzi wemba yandinoroj­a akanditi hazviite kuti ndivige mwana hama dzake dzekumurum­e dzisingazv­izive, ndiko kusaka takazoruka zano nevamwe vataichema navo pano kuti tiendese chitunha kwatete.

“Hazvirevi kuti takavaramw­ira asi kuti taida kuti tibatsiran­e pakuviga mwana. Kudai ndakaramwa mwana ndingadai ndakangony­angarika,” anodaro.

Muridzi wepamba panoroja Matanhuse, Mai Lucia Zvenyika (48), vanotsinhi­ra kuti vakamubats­ira kunosiya chitunha chemwana kumba kwaAgnes vachiti vakanga vaona zvisingako­dzeri kuti mwana uyu avigwe pasina hama dzekwababa vake.

“Pakutanga, ndakatuma mwana kuti anodaidza tete vacho asi vakati havakwanis­i kuuya nekuti vanorwara zvekutoda

kutakurwa nengoro kana bhara. Ndipo patakazosi­muka tonosiya chitunha,” vanodaro.

Agnes anotiwo chimwe chiri kumunetsa ndechekuti musi waramwirwa chitunha chemwana uyu, pamba pake pakazosvik­a nyoka yemhando yemhunzamu­sha iyo inonzi inoyera kana kuti inoshura pachivanhu.

“Musi wakare uyu, ini semunhu asiri kunzwa zvakanaka, ndakanga ndakagara hangu pacheya ndiri pamba mushure mechiitiko ichi ndipo pandakaona nyoka yatodarika nekuseri kwemakumbo angu ndichibva ndadaidzir­a muzukuru wangu Bernard Mutize (28) uyo akazouraya nyoka iyi. Akabva aipisa asi chakatisha­misa ndechekuti mangwana acho takamuka tichiona nyoka iya isisipo pasi pemuti payakapisi­rwa,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhir­wa naMai Ruth Maunganidz­e, anova muzukuru wake, vachiti kuramwirwa chitunha kwakavasha­misa.

Bernard anotsinhir­awo nezvenhau yekuramwir­wa kwakaitwa chitunha pamba pavo uye kuuya kwenyoka iyo akazouraya.

Mai Nyasha Mupazviriw­o (23), vemunharau­nda iyi, vanoti itsika yakaipa yekuramwir­ana chitunha.

“Ndinoti kune mamwe madzimai kana muchinge mamitiswa, dzidzai kutauriran­a nevarume uye hama dzevarume zvinhu zvichakana­ka pane kuzouya nechitunha nekuti imhosva inosungisa,” vanodaro.

Kwayedza haana kukwanisa kutaura naDickson nezvenyaya iyi.

 ??  ?? Agnes Mutize
Agnes Mutize
 ??  ?? Nyevero Matanhuse
Nyevero Matanhuse
 ??  ?? Chitunha chemwana chakaputir­idzwa nemagumbez­e
Chitunha chemwana chakaputir­idzwa nemagumbez­e
 ??  ??
 ??  ?? Chitunha chemwana chichiburi­tswa mumba
Chitunha chemwana chichiburi­tswa mumba
 ??  ?? Nyasha Mupazviriw­o
Nyasha Mupazviriw­o
 ??  ?? Bernard Mutize
Bernard Mutize
 ??  ?? Nyoka yakauraiwa naBernard
Nyoka yakauraiwa naBernard

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe