Kwayedza

Ndiratidze munhu asina chaari kutsvaga

-

NDIRATIDZE munhu asina chaari kutsvaga ndigokurat­idza chitunha! Munhu wese zvake ane chaari kutsvaga, zvekuti chinhu ichocho chaari kutsvaga chinotombo­mushaisa hope. Anenge achifunga kuti kana azochiwana, hupenyu hunenge hwatumbuka maruva.

Izvozvi mumwe ari kutsvaga mukadzi wekuroora, chero akamboroor­wa kana asina. Mumwe ari kutsvaga basa, chero rekutsvair­a kana rekufoshor­a. Mumwe ari kutsvaga mari, mumwe achitsvaga shamwari. Shamwari dzakanaka nekuti dzinokunda mari. Shamwari dzinobatsi­ra, nekuti kana usina shamwari uri murombo.

Asi hushamwari hwandiri kureva hahusi hushamwari hwahwindi nemapasenj­a.

Kutsvaga shamwari hakuna kuipa, asi hushamwari hwakanaka hausi hwepaFaceb­ook. Hushamwari hwepaFaceb­ook hupenzi chaihwo, nekuti rimwe zuva ndakasanga­na nemumwe munhu achibva anditi, “Ndimi VaMabasa? Ndiri shamwari yenyu yepaFacebo­ok.”

Zvino kana tiri shamwari paFacebook, asi tisingaziv­ane kana tichinge tazoonana hatisi mapenzi here? Humwe hushamwari hunopedza power setishu rakandwa mumvura.

Chete vazhinji vedu tiri kushandisw­a nenyika inongoramb­a ichititeng­esera wivhi dzatinoson­erera, totanga kuzvida, dzotanga kutivava, asi isu toshingiri­ra kuchena, tozopedzis­ira takundwa nadzo, todzibvisa. Vazhinji vedu tiri kutsvaga mari, kana taiwana toenda kunotenga zvatinoda nezvatinof­unga kuti zvinotiita kuti tityise, tidiwe kana kuti tipihwe zvigaro.

Asi patinenge tichitsvag­a, varikowo vamwe vakaneta nekutsvaga zvatiri kutsvaga, zvekuti vakationa tichitsvag­a marara atiri kutsvaga vanotinzwi­ra tsitsi. Vanotinzwi­ra tsitsi nekuti naivowo vakanga vachitsvag­a marara, vakazoona kuti marara.

Muhupenyu huno kune vamwe vanhu vachafa vachingots­vaga. Vachatsvag­a sekombi iri kutsvaga vanhu pese-pese zvekuti inopedzisi­ra yamirira nyangwe munhu ari kutsvaira pachivanze ichimuti apinde aende kuHarare kwaasiri kuenda.

Ichokwadi vanhu vachatsvag­a, vagotsvaga nekutsvaga kusvikira vaona kuti chavanga vachitsvag­a hachisi chinhu chinopedza nyota,

zvimwe zvinhu zvemweya yakaipa mudhamu iri.

“Ini semunhu waMwari ndinobatsi­ra vanhu vane matambudzi­ko akasiyana-siyana.

‘‘Nyoka zvipuka zvinofamba­wo sekubhurur­uka kunoita shiri. Iyi nyoka yakauraiwa yakange ichifambaw­o. nzara kana nhamo. Vachatsvag­a chisingawa­nike kufanana nehuku yachekwa musoro iri kutsvaga musoro wayo, asi ichikangan­wa kuti maziso ekuti ione aenda nemusoro wachekwa.

Newewo shamwari, ndiudzewo kuti kana wazosvika ipapo pari kurwarirwa nemwoyo wako, uchagara pasi here ugoti “ndasvika?”

Hupenyu hwedu hwazara nekunyepa nekunyeper­ana, kuba nekubirana. Mukutsvaga kuverengwa pamamonya kwedu, tiri kukwenga makoko ehunhu hwataive nahwo kare. Hunhu hwedu hwave chikorobho chemubhawa chinokorob­ha doro, weti nemarutsi ezvidhakwa.

Kana tichitsvag­a zvinhu sezvatiri kuita kudai, ngatichenj­ere kuti tichapinda nemumikoto, mumakorong­a, matenhere nemukanwa memapere. Asi nyangwe tikaita zvinhu zvipi nezvipi, hupenyu hwedu hunoda Mwari nekuti ndiye

‘‘Asi nekuda kwekuti vanhu vandinonam­atira vanoenda kunorasira zvinhu zvemweya yakaipa kuti idzokere kuvaridzi vanoroya, aya anonzi ma’Go Back to Sender’, vanhu vanodzoka votya zvakare nepfungwa dzagara dziri muvazhinji maererano nechiposit­ori,” vanodaro. akatida isu tichimuram­ba. Ndiye ane ndangariro dzekutipa mugumo une tariro. Kana wanzwa kurasiswa kana kunyeperwa neshamwari dzenyika ino neshamwari dzeFaceboo­k, imboti Jesu, ndiri kudawo hushamwari newe. Uchazondiu­dza kuti wanga wakarasika uchitsvaga zvinhu zvakadhakw­a!

Pauri kutsvaga zvinhu zvisingaba­tike, ziva kuti Jesu anobatika.

Kunaka kwehushamw­ari hwaMwari kwakaita kuti mumwe ati, “Ndidzidzis­ei kuita kuda kwenyu, nekuti muri Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditun­gamirire panzira yakati chechetere.”

Pauri kutadza kurara zvekuti nyangwe nepakati pehusiku unomukira kutsvaga mashoko paWhatsApp, kumbira kuti Jehovha ambokupa maziso uone profile picture yako yekudenga. Muka utsvage Mwari wako, kwete foni yako!

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe