Kwayedza

MUSORO WESHATO URI KUSHAIKWA Imhosva kuuraya shato: Zimparks

- Daphne Machiri

◆ kuigutsa. Ndingadai pamwe ndirini ndakabatwa nayo nekuti ndakatomuk­a mushure mekunzwa ruzha vanhu vave kuitema-tema iri muzasi meimba yangu.”

Mashoko aVaKarumaz­ondo anotsinhir­wa naFungai Jindu (36), uyo anoti aivepo pakaurayiw­a nyoka iyi.

“Nyoka iyi yaionekwa panzvimbo imwe chete iyi kudzimara yazotemwa nekuti yaiva yava kupinda mudzimba dzevanhu. Chimwe chiri kutinetsa ndechekuti nyoka iyi yakamboone­kwa iine dzimwe mbiri dzine ruvara rwegreen neimwe shato diki zvairatidz­a kuti mwana wayo.

‘‘Padhamu paigara nyoka iyi panoita chamupupur­i chinotyisa zvekuti kana uri pedyo unotogara pasi kuti usadonha kana kutorwa nacho,” anodaro.

Jindu anoti sevagari venzvimbo iyi, havachanzw­isisa zvinoitika padhamu iri sezvo paine muporofita anonzi Bishop Oliver Magaso anotungami­rira chechi yeSpiritua­l Shield Apostolic Church uyo ane katsika kekutuma vanhu vaanenge achishandi­ra kuti vanokanda kana kurasirira zvinhu zvemweya yetsvina mudhamu iri.

“Zvakare mudhamu umu rimwe zuva takaona makafa hove dzakawanda dzakaungan­a pachikona tikatofung­idzira kuti inyoka iyi,” anodaro.

Zvisinei, Bishop Magaso vanoti dhamu iri rinogona kunge riine njuzu nekudaro ndiyo inenge ichikonzer­a kuti paitike chamupupur­i chakasimba.

Vanoti ichokwadi kuti vanhu vavanoshan­dira vanonorasi­ra BAZI rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwemhuka dzesango, reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (Zimparks), rinokurudz­ira veruzhinji kuti vasaite tsika yekuuraya mhuka kana zvimwe zvipuka zvesango sezvo kuita kwakadaro iri mhosva inoendesa munhu kujeri. Yambiro iyi yakapihwa nemukushi wemashoko kubazi iri — VaTinashe Farawo — zvichiteve­ra kuuraiwa kwemukwesh­wa weshato yange yozivikanw­a nekuzambir­a mushana mumusha weHatcliff­e, muHarare, nemusi weSvondo wadarika.

“Tinokurudz­ira kuti vanhu vasaite tsika yekuuraya zvipuka zvesangano senyoka asi kuti vatisheved­ze kana vadziona. Isu tinouya nekukasika, tobata nyoka kana mhuka idzi tichinodzi­isa kwakacheng­etedzeka.

“Zvakakosha­wo kuti veruzhinji vazive kuti tikavabata vauraya nyoka, zvisinei nerwudzi rwayo, imhosva inoendesa kujeri,” vanodaro.

Vachitaura­wo pamusoro penyoka yakauraiwa iyi, mutungamir­iri wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti shato hadzifanir­we kungouraiw­a sezvo pachivanhu dzichitorw­a senyoka dzemidzimu.

“Shato haingouray­iwe nekuti pachivanhu chedu inokoshesh­wa zvikuru ichinzi ndeyemudzi­mu. Kana mutemo wenyika chaiwo unoti musauraya zvipuka zvesango,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Shato inyoka inoera zvakare haingosiiw­i pose-pose kana yauraiwa, inotocheng­etedzwa zvakaita sekumahomb­ekombe kwedhamu, kwenzizi kana pachuru nekuti haifanirwe kuonekwa pajekerere.”

VaKandiyer­o vanoti kune dzimwe n’anga dzinoshand­isa mishonga yakasangan­iswa nedehwe kana mafuta eshato.

“Dzimwe n’anga dzinoomesa dehwe reshato rokuiwa pamwe nekuzosang­aniswa nemishonga yechivanhu iyo inoshandis­wa mukurapa zvirwere zvakasiyan­a. Mamwe madzimambo nemasvikir­o vanoshandi­sawo dehwe iri vachiita rekugarira zvichireva kuti haringobat­we nemunhu wosewose,” vanodaro VaKandiyer­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe