MUSORO WESHATO URI KUSHAIKWA Imhosva kuuraya shato: Zimparks
◆ kuigutsa. Ndingadai pamwe ndirini ndakabatwa nayo nekuti ndakatomuka mushure mekunzwa ruzha vanhu vave kuitema-tema iri muzasi meimba yangu.”
Mashoko aVaKarumazondo anotsinhirwa naFungai Jindu (36), uyo anoti aivepo pakaurayiwa nyoka iyi.
“Nyoka iyi yaionekwa panzvimbo imwe chete iyi kudzimara yazotemwa nekuti yaiva yava kupinda mudzimba dzevanhu. Chimwe chiri kutinetsa ndechekuti nyoka iyi yakamboonekwa iine dzimwe mbiri dzine ruvara rwegreen neimwe shato diki zvairatidza kuti mwana wayo.
‘‘Padhamu paigara nyoka iyi panoita chamupupuri chinotyisa zvekuti kana uri pedyo unotogara pasi kuti usadonha kana kutorwa nacho,” anodaro.
Jindu anoti sevagari venzvimbo iyi, havachanzwisisa zvinoitika padhamu iri sezvo paine muporofita anonzi Bishop Oliver Magaso anotungamirira chechi yeSpiritual Shield Apostolic Church uyo ane katsika kekutuma vanhu vaanenge achishandira kuti vanokanda kana kurasirira zvinhu zvemweya yetsvina mudhamu iri.
“Zvakare mudhamu umu rimwe zuva takaona makafa hove dzakawanda dzakaungana pachikona tikatofungidzira kuti inyoka iyi,” anodaro.
Zvisinei, Bishop Magaso vanoti dhamu iri rinogona kunge riine njuzu nekudaro ndiyo inenge ichikonzera kuti paitike chamupupuri chakasimba.
Vanoti ichokwadi kuti vanhu vavanoshandira vanonorasira BAZI rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango, reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (Zimparks), rinokurudzira veruzhinji kuti vasaite tsika yekuuraya mhuka kana zvimwe zvipuka zvesango sezvo kuita kwakadaro iri mhosva inoendesa munhu kujeri. Yambiro iyi yakapihwa nemukushi wemashoko kubazi iri — VaTinashe Farawo — zvichitevera kuuraiwa kwemukweshwa weshato yange yozivikanwa nekuzambira mushana mumusha weHatcliffe, muHarare, nemusi weSvondo wadarika.
“Tinokurudzira kuti vanhu vasaite tsika yekuuraya zvipuka zvesangano senyoka asi kuti vatishevedze kana vadziona. Isu tinouya nekukasika, tobata nyoka kana mhuka idzi tichinodziisa kwakachengetedzeka.
“Zvakakoshawo kuti veruzhinji vazive kuti tikavabata vauraya nyoka, zvisinei nerwudzi rwayo, imhosva inoendesa kujeri,” vanodaro.
Vachitaurawo pamusoro penyoka yakauraiwa iyi, mutungamiriri wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti shato hadzifanirwe kungouraiwa sezvo pachivanhu dzichitorwa senyoka dzemidzimu.
“Shato haingourayiwe nekuti pachivanhu chedu inokosheshwa zvikuru ichinzi ndeyemudzimu. Kana mutemo wenyika chaiwo unoti musauraya zvipuka zvesango,” vanodaro.
Vanoenderera mberi vachiti: “Shato inyoka inoera zvakare haingosiiwi pose-pose kana yauraiwa, inotochengetedzwa zvakaita sekumahombekombe kwedhamu, kwenzizi kana pachuru nekuti haifanirwe kuonekwa pajekerere.”
VaKandiyero vanoti kune dzimwe n’anga dzinoshandisa mishonga yakasanganiswa nedehwe kana mafuta eshato.
“Dzimwe n’anga dzinoomesa dehwe reshato rokuiwa pamwe nekuzosanganiswa nemishonga yechivanhu iyo inoshandiswa mukurapa zvirwere zvakasiyana. Mamwe madzimambo nemasvikiro vanoshandisawo dehwe iri vachiita rekugarira zvichireva kuti haringobatwe nemunhu wosewose,” vanodaro VaKandiyero.