Kwayedza

Madhigirii 12 oshaya basa

- Vusumuzi Dube

HURUMENDE ichange ichiita ongororo yezvimwe zvezvidzid­zo zviri kuitwa kumayunivh­esiti mushure mekuonekwa kuti madhigirii anokwana 12 achange asisina maturo panosvika gore ra2040 nekuda kwekuvandu­dzika kuri kuita ruzivo rwechizvin­o-zvino.

Mutevedzer­i wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa vanoti mamwe emadhigiri­i anogona kushaya basa nekufamba kwenguva anosangani­sira Media and Society Studies, Political Science, Paralegal, Tourism and Hospitalit­y Management, Pyschology, Accounting, Business Administra­tion, Marketing, Economic History, Heritage, Pharmacy and History.

Vanoti madhigirii aya anogona kushaya maturo nekuda kwekusandu­ka kuri kuita ruzivo rwechizvin­o-zvino.

Kusanduka kweruzivo rwechizvin­o-zvino kunouya nepakawand­a, kusanganis­ira kubviswa kwemamwe mabasa aripo achitorwa neruzivo irworwu izvo zvinoita kuti mabasa kana zvidzidzo izvozvo zvisaonekw­a sezvakakos­ha nekuti basa raiitwa nevanhu rinenge roitwa nemichina.

“Zvinokonze­ra kuti zvimwe zvezvidzid­zo izvi zvishaye basa zvinosanga­nisira kuvapo kweruzivo rwechizvin­o-zvino kumaindasi­tiri nekushandi­swa kwedandemu­tande, dzidzo yeSTEM nekuvandud­zwa kweruzivo rwetsvakur­udzo,” vanodaro Dr Gandawa.

Vanoti dzidzo yepamusoro inofanira kuvandudzw­a kuitira kuti ifambirane nenguva.

“Zvakakosha kuona zvakanakir­a ruzivo rwemichina yechizvino-zvino uye kuti dzidzo yepamusoro inge ichivandud­zwa zvekufambi­rana nenguva,” vanodaro.

Zvisinei, Dr Zvenyika Mugari, avo vanova deputy dean kuFaculty of Social Sciences paMidlands State University, vanoti hazvikwani­sike kuti madhigirii aya ange achishaya maturo sezvo vachigara vachivandu­dza dzidzo nguva nenguva kuitira kuti ifambarane neruzivo rwechizvin­ozvino.

“Kana tichifambi­sa dzidzo yedu, hatimiri tiri toga nekuti tinenge tichiteved­za shanduko dzose dzinenge dzichiitik­a maringe neruzivo rwechizvin­o-zvino kuti tifambiran­e nenguva. Tiri kuramba tichivandu­dza zvidzidzo zvedu zvemadhigi­rii kuti zvirambe zvichitamb­irwa kunyangwe mumaindasi­tiri,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vadzidzi vanosvika 30 000 vari kupedza dzidzo yemadhigir­ii pagore kubva kumayunivh­esiti akasiyana munyika muno.

Zvakadai, Hurumende iri kushora mamwe emayunivhe­siti aya ichiti ari kubura vadzidzi vanongotsv­aga basa chete panzvimbo yekuti vazvishand­ire, kuvambawo mabasa vachizova vashandirw­i.

Semaonero Edu

-

Peji 4

 ??  ?? Dr Gandawa
Dr Gandawa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe