Kwayedza

Tiri kuvakisa zvikoro 170 zvitsva: Dokora

- Tandayi Motsi

HURUMENDE ichavaka zvikoro 166 zvepuraima­ri nesekondar­i munyika yose kuitira kuti zvinge zvichikwan­irana nehuwandu hwevana uye basa rekuvaka zvimwe 17 zvacho richatanga mumasvondo maviri ari kutevera.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Lazarus Dokora, mudare reParamend­e svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weChirumha­nzi-Zivagwe, Cde Auxillia Mnangagwa.

Cde Mnangagwa vaida kuziva zviri kuitwa nebazi iri mukuvaka zvikoro vachiti kune vamwe vana vari kudzidzira pamhene.

“Mubvunzo wangu wakanangan­a nebazi redzidzo yepuramair­i nesekondar­i. Tiri kuona vari kuvaka zvikoro munzvimbo dzakagaris­wa vanhu patsva neHurumend­e. Ndinoda kuziva kuti vari kuvakawo here kumaruwa nekuti mvura yave pedyo kunaya.

“Muri kutanga kuvaka zvikoro here kunzvimbo dzakadai seChiruman­zu-Zibagwe nekuti vana vari kudzidzira panze?”

Dr Dokora vanoti zvikoro zvicharamb­a zvichivakw­a sezvo iri kodzero yemwana wose kuti awane dzidzo.

“Zvikoro zvicharamb­a zvichivakw­a kuitira kuti vana vasarudze kwavanoda kudzidza vakasunung­uka. Pane zvimwe zvikoro zviri kuvakwa kuburikidz­a nezvibvumi­rano zvatakaita nenyika dzakasiyan­a.

Tichada kukoka nhengo dzedare reParamend­e kuti dziende kunoona chimwe chezvikoro chiri kuvakwa (pilot project) kuHatcliff­e,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Takati zvakare tine mari yechikwere­ti yatakapihw­a yekuvaka zvikoro 17 uye dare reCabinet rakaita chisungo chekuti bazi redu rinofanira kuvaka zvikoro 100.”

Dr Dokora vanoti kune zvimwe zvikoro zviri kuvakwa nevabereki izvo bazi ravo richabatsi­rawo kuti zvinge zvichipera.

“Isu sebazi, takati kunze kwezvikoro 100 zvatakanzi tivake, tichavaka zvave 166 nekuti tiri kupedzisa kuvaka zvimwe zvakatangi­swa nevabereki. Tiri kushanda nekambani yeDBZ sachipanga­mazano wedu (consultant).

“Gore rino muna Mbudzi tichaona kuti chirongwa ichi chatanga kufambiswa asi zvimwe zvikoro 17 zviri kutanga kuvakwa mumasvondo maviri anotevera,” vanodaro Dr Dokora.

 ??  ?? Cde Auxillia Mnangagwa
Cde Auxillia Mnangagwa
 ??  ?? Dr Dokora
Dr Dokora

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe