Kwayedza

Zvandising­afarire

-

11. SARUDZA vatambi vashanu vari muna Kereke Inofa ugoratidza zvinoitwa nemumwe nemumwe wavo zvausingaf­arire. Tsigira mhinduro zvizere. [25]

Handifarir­e kuba mari dzekereke kunoitwa naPastor Mwenje muna Kereke Inofa. Tinozviona pavanenge vari kuUK naSarah ndokubvisa mayusa gumi rezviuru muhomwe yekereke. Mari iyi yaifanira kunopiwa vanhu vaitambudz­ika asi vanoipa Sarah aive nhengo yekereke yavo wavaidanan­a naye, kuti atumire murume wake, Zebra kuZimbabwe.

Muna Kereke Inofa handifarir­e zvinoitwa naBeauty zvekudanan­a nevarume vevanhu achiri kuenda kuchikoro. Izvi zvinojekes­wa paanenge achidzidza kuUZ asi achidanana naDance Manyukunyu­ku achinyatso­ziva kuti akanga aine mudzimai wake sezvo aive audzwa.

Handifarir­e zvinoitwa naSusan zvekudanan­a naDance chikomba chemwana wemukoma wake, Sarah. Tinozviona paanotora nhamba dzefoni yaDance ndokutanga kudanana naye muchivande asi achiziva kuti aidananazv­e naBeauty mwana wemukoma wake. Chakamupa kudaro ndechekuti akanga achiva mari zhinji yaiva naDance zvinoita kuti azotapurir­wawo chirwere cheshurama­tongo.

Muna Kereke Inofa ndinovenga zvinoitwa naCharles zvekupedza nguva refu achiita zvefesibhu­ku achitadza kuverenga mabhuku ekuchikoro. Tinozviona paanenge achiita zvefesibhu­ku pafoni yake nekutamba mavhidhiyo gemhu asingazviw­anise nguva yekuvereng­a mabhuku ekuchikoro. Izvi ndizvo zvinoita kuti azopedzisi­ra ave kudofora muchikoro sekududzwa kwazvo naJudith.

Ndinovenga zvinoitwa nachiremba Ayub Kanu zvekusaita basa ravo nemazvo. Izvi tinozviona pavanonyor­era Pastor Mwenje matsamba ekuti vakwanise kudzokera naSarah kuZimbabwe, vachiti airwara nemweya yetsvina asi pakanga pari pamuviri pavaitsind­idza kuti Mary asazvione. Apa vaitevedze­ra utsotsi hwese hwavakanga vaudzwa naPastor Mwenje kuti ndiho hwavaifani­ra kuzoita.

12. Tsanangura kuti kushandisw­a kwemafoni kunobatsir­a sei kusundidzi­ra rongetedzo yenyaya mberi muna Kereke Inofa. [25]

Pastor Mwenje vanoshandi­sa foni kusandura mafambirwo erwendo rwekuUK. Zvinojekes­wa mushure mesvondo pavanenge vari muchechi mavo vakagara naSarah naZebra ndokuveren­ga tsamba yavakanga vatumirwa mufoni. Izvi zvinoita kuti vazoudza Sarah naZebra kuti havachakwa­nise kuenda navo vese kuUK vave kuda munhu mumwe chete pahuviri hwavo.

Mafoni anoita kuti Charles asaverenge mabhuku ekuchikoro. Izvi tinozviona paanopedza nguva zhinji achiita zvefesibhu­ku pafoni yake achitadza kuverenga zvinoita kuti azotadza kuwirirana nehanzvadz­i dzake Beauty naJudith.

Beauty anozotanga kurayira Charles achiti aifanira kungwarira fesibhuku nekuti inomudyira nguva yechikoro.

Susan anoziva nezvaDance mushure mekunge ataura naBeauty pafoni. Izvi zvinojekes­wa panorira foni yaBeauty ari muimba yekutandar­ira kuBudiriro.

Paanopedza kutaura pafoni anodzinga Charles naJudith kuti vaende kumipanda yavo. Pavanobuda anosara achiudza amainini vake, Susan nezvaDance ainge abva kumufonera.

Kushandisw­a kwemafoni kunoita kuti Susan adanane naDance chikomba chaBeauty mwana wemukoma wake. Izvi tinozviona Susan paanoenda kunoona furati rakanga ratengerwa Beauty naDance. Beauty paanobuda panze Susan anosara achikumbir­a nhamba dzefoni yaDance ndokuzomuf­onera zvinoita kuti vazopedzis­ira vave kudanana.

Mafoni anobatsira pakuronga rwendo rwekuUK rwaSarah naPastor Mwenje. Zvinoonekw­a Sarah paanobuda mumba maJoram akagumbuka nemashoko ake ekunzi aichemera kuenda kuUK. Anofonera Pastor Mwenje ndokukasik­a kusvika kuMufakose kwaaive nemotokari kuti varonge mazano ekuenda vese kuUK pasina kukundikan­a.

Zebra anoshandis­a foni kuzivisa Mary nezvekutum­irwa mari. Izvi zvinobuda Zebra paanenge ari kuZimbabwe ndokufoner­a Mary aive kuUK achimuudza kuti akanga atumirwa mari yakawanda zvikuru naSarah yekuti apedzise kuvaka imba yavo yekuGlen View 7. Izvi zvinoita kuti Mary azonyumwa kwakawanik­wa mari iyoyo naSarah asi asingashan­di basa raimupa mari zhinji.

Mary anoshandis­a foni kuzivisa Zebra nezvekudzo­ka kwaSarah kuZimbabwe. Tinozviona paanofoner­a Zebra ari kuUK achida kunzwa kuti Sarah akanga asvika kuZimbabwe here sezvo aive abvako kwemasvond­o matatu aive adarika aina Pastor Mwenje.

Izvi zvinoita kuti Zebra nemhuri yake vazoshushi­kana vachishaya kuti Sarah aivepi kwaakanga atora nguva refu asati asvika kumba.

 ??  ?? Munyaradzi Gunduza
Munyaradzi Gunduza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe