Kwayedza

Vakadzi vane chido nemba

- Munyaradzi Gunduza

NYANDURI anojekesa kushunguru­dzika nekudzvany­irirwa kunoitwa vashandi ivo vashandirw­i vachidya vachiguta paanoti, “Ndoshamisw­a nekuzvimbi­rwa kwenyu shefu, muchikanga­nwa kuti arima ndini.” Nyanduri anotsutsum­wa nekutendwa namashoko chete asi mashoko acho asingakwan­isi kuti mhuri yake igute paanoti, “Ndaneta nekudetemb­erwa kuti ndinogona, mashoko chete handiwo anodya mhuri yangu.” Nyanduri anoshungur­udzika kuti vashandirw­i vanomirira apemhe mukoho wake asi iye aushandira zvakasimba paanoti, “Munomirira sei kusvika ndagomberw­a? Zvoita kunge ndapemha ini ndashanda sembongoro.” Mudetembo Nhaurwa Muchizarir­a Robison Shumba anojekesa mhosva dzakasiyan­a-siyana dzinoparwa navanhu idzo dzinoita kuti vapinde mujeri.

Mudetembi anotsanang­ura kuti kune vanhu vanorarama nekuba, uye havadi kusiya tsika yavo yekuba iyi kunyange vakasungwa paanoti, “Ini ndapindira yekuba muno chokwadi ndechekuti ndakatoba, ndichibuda muno ndiri kunoba.” Nyanduri anojekesa kuti vamwe vanhu vanosungir­wa kutuka vatungamir­iri vavo mushure mekunge vadhakwa izvo zvinoita kuti vapinde mujeri paanoti, “Ndakatuka mambo ndakadhakw­a.”

Robison Shumba anojekesa kuti vamwe vanhu vanopinda mujeri asi vasina mhosva dzavakapar­a asi kuti vanenge varongerwa nevavengi vavo paanoti, “Zvanzi ndini muridzi wezvinokac­hidza ndaisaziva kuti vanhu vanoshinha kudaro, mumotokari yangu mawanikwa zvizere.” Mudetembo Ndoenda Zvangu nyanduri anojekesa kuti madzimai anoshingir­ira pavanenge vachisanga­na nematambud­ziko mudzimba dzavo vaine tariro yekuti zvimwe zvichaita zvakanaka asi dzimwe nguva upenyu hunoramba hwakangoom­a. Nyanduri anojekesa kuti varume vanorova vakadzi vavo zvekutovak­uvadza paanoti, “Zvazondigo­mbera ndapihwa muchiso, honai mavanga ezvibhaker­a pachiso o-o!” Nyanduri anojekesa kuti vanhurume havachenge­ti mhuri dzavo paanoti, “Munhu rudzii asina hanya nevamwe? Anongozvif­unga oga kwete vamwe? Nevana pavhiki todya kamwe.”

Nyanduri anojekesa kuti vanhukadzi vanomboshi­ngirira kuti dzimba dzavo dzimire asi varume havazvioni paanoti, “Ndaifunga tichachemb­edzana sevamwe ndakashing­irira kwemazhinj­i makore zvose zvaaida ndichimuit­ira, asi tazosvika kwamvuraya­chekamakum­bo zvino.” Nyanduri anojekesa kuti varume vanosema vakadzi vavo vemumba kana vave kudanana navamwe kunze paanoti, “Ndosemwa naye sendine chidembo mukamwa.” Cherechedz­o: Mukatarisi­sa dzimwe nhetembo dzaongoror­wa kumavambo kwemhindur­o ino munoona kuti hadzina kunyatsopi­hwa pfupiso dzizere. Vandudzaiw­o neruzivo rwamunoona rwakakodze­ra makanangan­a nenhetembo dzacho.

Mhando dzemibvunz­o yenhetembo Muupenyu mune kunyengerw­a kwakanyany­a kunosangan­a nevanhu vakasiyana-siyana. Ongorora pfungwa iyi uchishandi­sa nhetembo shanu. [25]

Uchishandi­sa nhetembo shanu, buritsa zviri kutaurwa navananyan­duri vakasiyana-siyana pamusoro petsika dzaparara munyika. [25]

Sarudza nhetembo shanu dzakanyorw­a navananyan­duri vakasiyana dzine dingindira rerayiro ugotsanang­ura zvinotaurw­a mune imwe neimwe yadzo. [25] Tsanangura, uchipa tsigiro yakasimba, madetember­wo, zvidavado uye kukosha muupenyu hweVaShona kwemhando mbiri dzenhetemb­o dzinobva mubumbiro rino. [25] Tsanangura mashandisi­rwo ari kuitwa zvidavado zvakasiyan­a-siyana nanyanduri mumwe chete waunofarir­a ari mubumbiro iri. [25]

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe