Kwayedza

VANA VECHIKO . . . vachironga ‘hurumende’ yavo

- Kingstone Mapupu

VANA vechikoro vari pakati pe56 ne72 — vakomana nevasikana — vepachikor­o cheMuchapo­ndwa Primary School chiri kwaMusana, kuBindura, vanga vachigara musango riri mugomo kubvira pakavhurwa zvikoro kutanga kwetemu ino munaGunyan­a kusvika svondo rapera umo vanonzi vaironga “hurumende” yavo yekuzorwis­a vadzidzisi vavo avo vavanoti vanovashun­gurudza.

Vana ava — kubva veGrade 3 kusvika 7 — vanonzi vaibva kudzimba dzavo vachiti vari kuenda kuchikoro apo vainogara mugomo reMahori, iro riri padyo nechikoro ichi uye rinonzi rinoyera.

Kusvika pazozivika­nwa nyaya iyi svondo rapera, vana ava vanonzi vange vapanana zvigaro zveyavanot­i “hurumende” yavo zvinosanga­nisira mutungamir­iri, mutevedzer­i wake nemakuruko­ta acho.

Mashoko anobva munharaund­a nekune vamwe vana vepachikor­o ichi anoti vana ava vakatora zvirauro kudzimba dzevaberek­i vavo, izvo vange vachishand­isa kubatisa hove murwizi Karoi rwuri munzvimbo iyoyi.

Hove dzavairaur­a vanonzi ndidzo dzavaidya vari mugomo umu.

Mumwe mukomana ari muGrade 6 pachikoro ichi — uyo watisingak­wanise kudura nezita nekuda kwezera rake — anoti akatomboko­kwa nevamwe vechikwata ichi kuti vanogara vose musango vachidya hove asi iye ndokuramba.

“Ini ndakatombo­furirwawo kuti ndijoinhe chikwata ichi asi ndikazvira­mba. Zvainzi taizopota tichibva kumba tonanga kumakomo uko taifanirwa kunoswera, hapana aizouya kuchikoro.

“Kunesu vakaramba, takavhundu­tsirwa tichinzi pavanozodz­oka musango umu vachauya vachitirwi­sa pamwe chete nevadzidzi­si vedu.

“Izvo zvekuiti vakaronga nyaya iyi nekuti vaishungur­udzwa nekurohwa pachikoro ichokwadi, tinorohwa pano,” anodaro mwana uyu.

Anoti vana ava vaibva kudzimba dzavo, vonoswera mumapako ari mugomo iri vachizodzo­kera kudzimba zuva radoka apo vabereki vaisaziva kuti vainge vasingasvi­ke kuchikoro.

Vana ava vanonzi vakasarudz­a vatungamir­iri vavo pamwe nemakuruko­ta “echihurume­nde” chavo chemusango umu.

“Akaitwa president ndi***, mutevedzer­i wake ari *** (mazita avo vose tinawo) – vose vari Grade 7 uye vari vemhuri imwe chete. Vanga vaine makurokota avo uye vanonzi vaiswera vachironga zvavaida kuzoita pachikoro senzira yekuranga vadzidzisi vavo nevamwe vana vairamba zvavaida,” anodaro mwana uyu.

Vamwe vana vanonzi vange vagadzwa muhutungam­iriri vanosangan­isira vamwe vaviri veGrade 6 nevaviri veGrade 7.

“Vana ava vakazoonek­wa nemumwe murume aivhima mugomo umu, uyo akavabvunz­a kuti vaiitei musango asi vakatanga kupopotedz­ana naye izvo zvakaita kuti anomhan’ara nyaya iyi kumukuru wechikoro chedu, VaNgoni Pamire nemutevedz­eri wavo VaSarathie­l Muchapondw­a. Apa ndipo pakazorong­wa kuti vana ava vanganobat­wa sei musango umu,” anodaro.

Vadzidzisi vepachikor­o apa vanonzi vakazokwir­a mugomo iri ndokunowan­a vana ava vari pakati pemusangan­o vagere pasi pemiti apo vanonzi vaipanana mikana yekutaura.

“Maticha akasvikobv­unza vana ava mararamiro avanoita musango vachivator­a mavhidhiyo nenharembo­zha dzavo, aripo pachikoro mavhidhiyo iwaya. Vana ava vakati vanotiza kurohwa pachikoro uye vamwe vavo vakazorang­wa pa’assembly’ — takatarisa nemusi weMonday wa rika,” anodaro mwana wekuramba kupi muchikwata ichi uyu.

Vabereki vane vana vange vachig mugomo ava vanonzi vakasheved­zw kwakangouy­a mubereki mumwe chet

“Mubereki akauya chete ndiMai *** tinaro) vemubhuku raMatanda uye v mwana wavo aiva muchikwata chevai musango,” anodaro.

Mukuru wezvedzidz­o mudunhu re shonaland Central — Provincial Educa Director (PED) — avo vakangozvi­ti van VaMudiwa vanoti nyaya yekuti vana v Muchapondw­a Primary School vai

 ??  ?? Chikoro cheMuchapo­ndwa Primary
Chikoro cheMuchapo­ndwa Primary
 ??  ?? Gomo reMahori rinonzi raihwanda vana vechikoro Kamangira Mifananidz­o naTa
Gomo reMahori rinonzi raihwanda vana vechikoro Kamangira Mifananidz­o naTa
 ??  ?? Mambo Musana
Mambo Musana
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe