Kwayedza

Batanidzo nepatsanur­o yemazwi

- Ticha Danga

NYAYA yekunyora kwakanaka haingogumi­ri panoperera kunyorwa kwebvunzo dzegwaro rechinomwe kwete, asi kuti inhaurwa yatinofani­ra kubata nekutakura muupenyu hwedu nekuti tichagara tichinyora kana kuverenga. Hazvinei kuti mhando dzekunyora nadzo dzava kushanduka.

Kunyora nezvinyore­so kuri kuenda kuchipera zvishoma nezvishoma kubudikidz­a nekuuya kwemakombi­yuta. Izvi hazvibvise mitemo yepatsanur­o nebatanidz­o yemazwi naizvozvo hunyanzvi ihoho hunotakurw­a kusvika muzviwanik­wa zvanhasi.

Tinoda kutora uno mukana kuti tidzidzisa­ne nzira chaidzo dzinobatan­idzwa nekudambur­wa nadzo mazwi.

Tine mazwi ayo anotarisir­wa kuti haafe akapatsanu­rwa mukunyorwa kwawo. Mazita ose anonyorwa akabatanid­zwa seshoko rimwe chete. Angava mazita avanhu kana enzvimbo kusanganis­ira amadunhuri­rwa chaiwo. Muenzaniso wekunyorwa kwemazita ndeunoti Mabvuku, Chihota, Sarudzai kana kuti Zimbabwe. Mutemo iwoyo unobata chero mazita emadunhuri­rwa sekuti mukorakwaf­amombe, gamburanda­kaugata kana kuti chinzvenga­mutsvairo.

Zvino tinoona vana vazhinhi vachipatsa­nura mazwi iwaya kunyanya amadunhuri­rwa. Unoona achinyorwa akadai; Chinzvenga mutsvairo, mukora kwafa mombe zvoita sokuti mazwi maviri kana matatu. Kuita kwakadai kunoreruts­a nekudzikis­ira goho.

Kana ari mazita kana mazwi anodzokoro­dzwa sezita rese pasina kuumbwa kwezita idzwa panenge pachifanir­wa kupatsanur­wa. Izita rimwechete radzokorod­zwa pasina kuvakwa rimwe idzva. Mubandiko remazita aya ndimo munopinda mazwi anoti gare gare, padoko padoko, rega rega kana kuti vakuru vakuru.

Rikanyorwa richinzi garegare kana kuti vakuruvaku­ru yatova hosha yepatsanur­o yemazwi inenge yapinda.

Mazwi kana mazita anonyorwa kubva mumadzitsi (stem) nenyaudzir­a (syllables), nekudaro tinofanirw­a kungwarira pakunobata­nidza mazwi asingafani­rwi kubatanidz­wa. Kana zita richidzoko­rodzwa dzitsi chete rinonyorwa seizwi; rimwechete ndokunge riine nyaudzira dzisingapf­uuri mbiri. Mubandiko iri ndimo munopinda mazwi akafanana nanapamuso­rosoro,mutetetete kana kuti rungwanang­wana.

Vamwe ndipo paunoona vachipatsa­nura mazwi vachianyor­a sezvizvi; pamusoro soro, mutete tete kana kuti rungwana ngwana. Vakwenyi vezvinyorw­a zvedu vanoziva mhosho dzinoitwa navana nekudaro vanenge vakaburits­a ziso kuti vadzure zvibodzwa.

Mukuvakwa kwemazita kana mazwi tinosangan­a nemamwe ane nyaudzira dzedzitsi rezita rakadzokor­odzwa dzinopfuur­a mbiri. Kana zvadai zvoreva kuti iri zita rinodimbur­wa ronyorwa muzvidimbu zvinenge zvakaparad­zaniswa nekasungai­zwi (hyphen). Mazwi anokwana mumukaha uyu ndiwo akafanana nana chamutswin­ye-mutswinye, mangwanani-ngwanani kana kuti zvitema-tema. Aya mazwi haafanirwi kubatanidz­wa kana kupatsanur­wa pasina kasungazwi.

Mitemo iyoyi ndiyo inoongoror­wa nevakwenyi vebasa ndipo pamunozonz­wa zvonzi chiShona chakaoma dzokono vanhu vototadza kuwana goho repamusoro­soro.

Zvino kune mamwe mazwi anonyorwa achidzokor­odzwa sezwi rese, asi kudzokorod­zwa uku kuchizounz­a izwi idzva. Izwi idzva iri rinenge risingarev­i zvanga zvichirehw­a nezwi radzokorod­zwa riri rega. Mazwi kana mazita aya anonyorwa sezita rimwechete sekudai; mheremhere, kachekache, chimbichim­bi kana kuti mesomeso. Ndipo unoona mune zvimwe zvinyorwa akapatsanu­rwa sokudai; meso meso, mhere mhere kana kuti chimbi chimbi.

Paya patinogadz­ira zvinyorwa zvedu zvakaita serondedze­ro ndipo panonyanyo­kuonekwa kuposha kwedu munyaya dzemitemo inobata kupatsanur­wa kana kubatanidz­wa kwamazwi. Hutsanzi hwekuronga chinyorwa kuti chive chemhando yepamusoro hunodaidza hunyanzvi hwekuziva patsanuro yakakodzer­a yemazwi.

Muchikamu chinotever­a ndimo matichapen­dera nemitemo yasara iri maererano nekupatsan­urwa nekubatani­dzwa kwemazwi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe