RO 70 VOGARA MUGOMO
chikoro vachinogara musango riri mugomo yange isati yasvika kumahofisi avo kusvika nemusi weChipiri svondo rino.
“Nyaya yamunotaura ndiri kutoinzwa kekutanga nemi, hakuna akambouya kwandiri achitaura nezvayo – kunyangwe vakuru vechikoro vacho. Ndichatsvaga chaizvo zvakaitika, izvozvi ndiri kubva kuGuruve nebasa,” vanodaro VaMudiwa apo vaitaurwa navo neKwayedza panharembozha yavo.
Mutevedzeri wemukuru wechikoro ichi – icho chiri mumugwagwa unobva kwaNyava uchienda kuBindura – VaMuchapondwa, avo vakawanikwa neKwayedza vari pabasa, vakaramba kutaura zvakawanda vachiti zvinotoda mukuru wechikoro, VaPamire, avo vainge vasipo.
“Mitemo yedu haitibvumidze kutaura nemi vatori venhau zvisinei kuti panogona kunge paine zvakaitika,” vanodaro.
Pavakaridzirwawo nhare neKwayedza, sachigaro wekomiti inomirira vabereki pachikoro ichi yeSchool Development Committee, VaRomeo Nyanhete, vanoti havana ruzivo nenyaya iyi.
“Imi ndimi aniko? Nyaya yamunobvunza iyi handina ruzivo nayo zvakare handipo, ndichatonobvunza kuchikoro kuti chiiko chakaitika,” vanodaro VaNyanhete.
Mambo Musana, VaJoel Nyarumwe, vanoti nyaya yevana ava vari kungoinzwa nemakuhwa.
“Hakuna ati auya kwandiri nenyaya iyi, ndiri kungoinzwa nemakuhwa saka ndakavamirira kuti vauye nayo kudare rangu,” vanodaro Mambo Musana.
Akataura akamirira Sabhuku Mutumbi vemunzvimbo iyi, VaWashington Mutumbi (47), vanotsinhira nyaya iyi vachiti ichokwadi kuti vana ava vaitiza chikoro vachigara mugomo nekurwizi.
“Vana ava huwandu hwavo huri kusiyana — vamwe vanoti i72, vamwe vachiti 60 vamwewo voti 47. Asi ichokwadi kuti vana ava vaitiza pachikoro, voenda kugomo reMahori nekurwizi rwaKaroi uko vainochera makomba nekutamba.
“Isu takaendako tikanozvionera asi takawirirana kuti misikanzwa yevana chete, kwete zviri kunzi nevamwe vaiita zveSatanism,” vanodaro.
VaMutumbi vanoti zvekuti vana ava vaironga kuzorwisa vadzidzisi vepachikoro chavo havana ruzivo nazvo.
“Nyaya iyi iri kutaurwa nepakawanda, zvekuti vana ava vainoraura hove hamheno, ini handina kuzviona,” vanodaro VaMutumbi.
Pasi pemutemo wenyika, vana havatenderwe kurohwa, kungave kuchikoro nematicha kana kumba nevabereki vavo.
Hazvisati zvajeka kuti sei kwenguva yakareba kudai chikoro ichi chisina kunge chakahadzika nekushaikwa kwevana vakawanda kudai pachikoro uye panguva imwe chete. Zvekare, ivo vabereki vevana ava sei vasina kunge vazvibata kuti vana vavo vaisasvika kuchikoro?