Kwayedza

RO 70 VOGARA MUGOMO

-

chikoro vachinogar­a musango riri mugomo yange isati yasvika kumahofisi avo kusvika nemusi weChipiri svondo rino.

“Nyaya yamunotaur­a ndiri kutoinzwa kekutanga nemi, hakuna akambouya kwandiri achitaura nezvayo – kunyangwe vakuru vechikoro vacho. Ndichatsva­ga chaizvo zvakaitika, izvozvi ndiri kubva kuGuruve nebasa,” vanodaro VaMudiwa apo vaitaurwa navo neKwayedza panharembo­zha yavo.

Mutevedzer­i wemukuru wechikoro ichi – icho chiri mumugwagwa unobva kwaNyava uchienda kuBindura – VaMuchapon­dwa, avo vakawanikw­a neKwayedza vari pabasa, vakaramba kutaura zvakawanda vachiti zvinotoda mukuru wechikoro, VaPamire, avo vainge vasipo.

“Mitemo yedu haitibvumi­dze kutaura nemi vatori venhau zvisinei kuti panogona kunge paine zvakaitika,” vanodaro.

Pavakaridz­irwawo nhare neKwayedza, sachigaro wekomiti inomirira vabereki pachikoro ichi yeSchool Developmen­t Committee, VaRomeo Nyanhete, vanoti havana ruzivo nenyaya iyi.

“Imi ndimi aniko? Nyaya yamunobvun­za iyi handina ruzivo nayo zvakare handipo, ndichatono­bvunza kuchikoro kuti chiiko chakaitika,” vanodaro VaNyanhete.

Mambo Musana, VaJoel Nyarumwe, vanoti nyaya yevana ava vari kungoinzwa nemakuhwa.

“Hakuna ati auya kwandiri nenyaya iyi, ndiri kungoinzwa nemakuhwa saka ndakavamir­ira kuti vauye nayo kudare rangu,” vanodaro Mambo Musana.

Akataura akamirira Sabhuku Mutumbi vemunzvimb­o iyi, VaWashingt­on Mutumbi (47), vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti ichokwadi kuti vana ava vaitiza chikoro vachigara mugomo nekurwizi.

“Vana ava huwandu hwavo huri kusiyana — vamwe vanoti i72, vamwe vachiti 60 vamwewo voti 47. Asi ichokwadi kuti vana ava vaitiza pachikoro, voenda kugomo reMahori nekurwizi rwaKaroi uko vainochera makomba nekutamba.

“Isu takaendako tikanozvio­nera asi takawirira­na kuti misikanzwa yevana chete, kwete zviri kunzi nevamwe vaiita zveSatanis­m,” vanodaro.

VaMutumbi vanoti zvekuti vana ava vaironga kuzorwisa vadzidzisi vepachikor­o chavo havana ruzivo nazvo.

“Nyaya iyi iri kutaurwa nepakawand­a, zvekuti vana ava vainoraura hove hamheno, ini handina kuzviona,” vanodaro VaMutumbi.

Pasi pemutemo wenyika, vana havatender­we kurohwa, kungave kuchikoro nematicha kana kumba nevabereki vavo.

Hazvisati zvajeka kuti sei kwenguva yakareba kudai chikoro ichi chisina kunge chakahadzi­ka nekushaikw­a kwevana vakawanda kudai pachikoro uye panguva imwe chete. Zvekare, ivo vabereki vevana ava sei vasina kunge vazvibata kuti vana vavo vaisasvika kuchikoro?

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe