Kwayedza

Vodzidzira kutyaira ndege

- Kingstone Mapupu

Captain Nyamutswa vari mundege VECHIDIKI nevamwe vanoda kuve vatyairi vendege vozadzisa zvishuwo zvavo zvichiteve­ra zvidzidzo zviri kuitiswa neimwe koreji yakazvimir­ira kunhandare yendege yeCharles Prince Airport, muHarare.

Zvidzidzo izvi zviri kuitiswa neProfessi­onal Pilot Training iyo inotungami­rirwa naCaptain Cosmas Nyamutswa (55).

“Nekuona kuti vechidiki vazhinji muno nevamwe vechikuru havawane mukana wekudzidza kutyaira ndege, ndakavamba chirongwa ichi, icho chiri kumhanyiri­rwa nevanhu zvikuru. Ndine ndege yangu imwe chete yandinovai­tisa zvidzidzo nayo uyewo ndinomboto­ra dzevamwe. Ndege yangu iyi ndeyemhand­o ye150 Cessna iyo isinganets­e pakudzidzi­sa,” vanodaro.

Captain Nyamutswa vanoti vakambotan­ga kuita zvidzidzo izvi makore adarika ndokumbomi­ra nekuda kwezvimhin­gamupinyi zvakasiyan­a.

“Ndakadzidz­isa vanhu kutyaira ndege kubva mugore ra2004 kusvika 2014, ndadzidzis­a vanodarika 1 000 vazhinji vavo vakatowana mabasa ekutyaira ndege kunze kwenyika. Ndakazombo­mira nekuda kwekuti ndakanga ndava kunyora bhuku renhoroond­o yeGreat Zimbabwe iro rinopesana nemamwe mabhuku akanyorwa kare asi iye zvino ndadzoka nekuti ndakapedza kunyora bhuku iri.”

Kunze kwekuva nechikoro chekudzidz­isa kutyaira ndege, Captain Nyamutswa vanoshanda­wo kuCharles Prince Airport saChief Flying Instructor.

“Zvidzidzo izvi zvinodhura sekutaura kwevanhu, asi ini ndinoti hazvidhure nekuti munhu anenge awana nhaka yeupenyu. Panguva inoita awa imwe chete, ndinobhadh­arisa $260 uye munhu anogona kuita maawa maviri pazuva.

“Zvidzidzo zvedu zviri muzvikamu zviviri zvinoti chekutanga chinonzi Private Pilot Licence (PPL) apo munhu anofanirwa kuita maawa ari pakati pe40 kusvika 50 kana kudarika nekuda kwekubata kwake, obva aita mazamishon­i kubvira ekunyora nekutyaira kwacho.”

Munhu akagona chikamu chekutanga ichi anopihwa gwaro rekutyaira ndege muZimbabwe nekune dzimwe nyika dzakakombe­redza.

“Zvidzidzo izvi zvinokwana 8 apo Captain Amos Nyamutswa

mazamanish­oni aya anoitiswa nebazi reCivil Aviation Authority of Zimbabwe. Vanenge vapedza chikamu chekutanga, vanozoenda kudanho rechipiri rinonzi Commercial Licence Pilot (CLP). Apa munhu anoita zvidzidzo kwenguva iri pakati pemaawa 40 kusvika 50 zvakare zvichiende­rana nekukurumi­dza kubata kwake. Zvinoreva kuti pazvidzidz­o zvose zvekutanga nezvechipi­ri, munhu anofanirwa kuwana zvitupa zvose nemaawa ari pakati pe80 kusvika 100 kana kudarika,” vanodaro.

Vanoti mushure mekunge vadzidzi vanyora mazamanish­oni eCLP nekukwanis­a kutyaira ndege, vanozopihw­a magwaro ekutyaira mhando dzose dzendege pasi.

“Kana munhu ava nemagwaro maviri aya anokwanisa­wo kuenderera mberi oitawo zvidzidzo zvekuti azova mudzidzisi wekutyairw­a kwendege (instructor). Munhu achitangis­a, anoongoror­wa utano hwake uyewo anofanirwa kunge aine makore 16 okuberekwa zvichienda mberi.

“Pamakore ekugumisir­a pahukuru ekuti munhu ange achiita zvidzidzo izvi, hatina nekuti kunyangwe ane makore 60 kana kudarika tinotora nekuti chatinoda kuona ndechekuti uchine simba here nekugona zvatinoda,” vanodaro Captain Nyamutswa. Panyaya yezvidzidz­o zvinodiwa kuti munhu azokwanisa kutanga kudzidzira kutyaira ndege, vanoti vanoda munhu akapasa chiRungu paO-Level uye kumakamban­i uko anozotsvag­a basa ndiko kunozodiwa zvimwe zvidzidzo kuti apinde basa.

Captain Nyamutswa vanoti vakatyaira ndege kwamaawa 6 000 muupenyu hwavo pavakashan­da kumakamban­i akasiyana.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe